Psalms 11 (BOSCB)
undefined Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndinovanda muna Jehovha.Mungareva seiko kwandiri muchiti,“Tizira kugomo rako seshiri. 2 Nokuti tarira, vakaipa vanowembura uta hwavo;vanogadzirira miseve yavo parukungiso,kuti vapfure vari murima,uyo akarurama pamwoyo. 3 Kana nheyo dzaparadzwa,akarurama angaiteiko?” 4 Jehovha ari mutemberi yake tsvene;Jehovha ari pachigaro chake choushe chokudenga.Anocherechedza vanakomana vavanhu;meso ake anovaedza. 5 Jehovha anoedza vakarurama,asi vakaipa navanoda zvechisimbamweya wake unovavenga. 6 Pane vakaipa anonayisamazimbe omoto nesafuri inopfuta;mhepo inopisa ndiwo uchava mugove wavo. 7 Nokuti Jehovha akarurama,anoda kururamisira;vanhu vakarurama vachaona chiso chake.