Revelation 3 (BOSCB)

1 “Kumutumwa wekereke iri muSadhisi nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye akabata mweya minomwe yaMwari nenyeredzi nomwe. Ndinoziva mabasa ako; unonzi uri mupenyu, asi wakafa. 2 Muka! Simbisa zvakasara zvoda kufa, nokuti handina kuwana mabasa ako akakwana pamberi paMwari wangu. 3 Naizvozvo, rangarira zvawakagamuchira nezvawakanzwa; uzviteerere, uye utendeuke. Asi kana usingapepuki, ndichauya sembavha, uye haungazivi nguva yandichauya nayo kwauri. 4 Asi una vanhu vashoma muSadhisi vasina kusvibisa nguo dzavo. Vachafamba neni, vakapfeka nguo chena, nokuti ndivo vakafanira. 5 Anokunda achaita saivo, achashongedzwa nguo chena. Handingazodzimi zita rake kubva mubhuku roupenyu, asi ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu navatumwa vavo. 6 Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. 7 “Kumutumwa wekereke iri muFiradherifia nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye mutsvene wechokwadi, iye akabata kiyi yaDhavhidhi. Chaanozarura hakuna munhu anopfiga, chaanopfiga hakuna munhu anochizarura. 8 Ndinoziva mabasa ako. Tarira, ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka usingagoni kupfigwa nomunhu. Ndinoziva kuti une simba shoma, asi wakachengeta shoko rangu uye hauna kuramba zita rangu. 9 Ndichaita kuti avo vari vesinagoge raSatani, vanozviti vaJudha kunyange vasiri ivo, asi varevi venhema, ndichaita kuti vauye uye vawire pasi petsoka dzako uye vagoziva kuti ndakakuda. 10 Sezvo wakachengeta murayiro wangu kuti utsunge nomwoyo murefu, ndichakuchengetawo panguva yokuedzwa iri kusvika pamusoro penyika yose kuzoedza avo vanogara panyika. 11 Ndiri kukurumidza kuuya. Batisisa icho chaunacho, kuti kurege kuva nomunhu anokutorera korona yako. 12 Uyo anokunda ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu. Haazombobudimo. Ndichanyora paari zita raMwari wangu nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva, riri kuburuka richibva kudenga kuna Mwari; uye ndichanyorawo paari zita rangu idzva. 13 Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe, zvinoreva Mweya kukereke. 14 “Kumutumwa wekereke iri muRaodhikea nyora kuti: Aya ndiwo mashoko aiye Ameni, chapupu chakatendeka uye chechokwadi, mutongi wezvisikwa zvaMwari. 15 Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Ndaida kuti uve chimwe chaizvozvi! 16 Saka nokuda kwokuti unodziya zvishoma, haupisi kana kutonhora, ndava kuda kukusvipa kubva mumuromo mangu. 17 Unoti, ‘Ndakapfuma; ndakawana pfuma uye handina chandinoshayiwa.’ Asi hauzivi kuti une nhamo, unonzwisa urombo, uri murombo, uri bofu uye hauna kusimira. 18 Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri goridhe rakanatswa nomoto, kuti upfume; uye uve nenguo chena dzokupfeka, kuitira kuti ufukidze nyadzi dzokusasimira kwako; nechizoro chokuisa mumeso ako, kuitira kuti ugone kuona. 19 Avo vandinoda ndinovatsiura uye ndinovaranga. Saka shingaira, utendeuke. 20 Ndiri pano! Ndimire pamusuo ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu akazarura musuo, ndichapinda ndigodya naye, uye iye neni. 21 Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti agare neni pachigaro changu choushe, sezvandakakunda uye ndikagara naBaba vangu pachigaro chavo choushe. 22 Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.”

In Other Versions

Revelation 3 in the ANGEFD

Revelation 3 in the ANTPNG2D

Revelation 3 in the AS21

Revelation 3 in the BAGH

Revelation 3 in the BBPNG

Revelation 3 in the BBT1E

Revelation 3 in the BDS

Revelation 3 in the BEV

Revelation 3 in the BHAD

Revelation 3 in the BIB

Revelation 3 in the BLPT

Revelation 3 in the BNT

Revelation 3 in the BNTABOOT

Revelation 3 in the BNTLV

Revelation 3 in the BOATCB

Revelation 3 in the BOATCB2

Revelation 3 in the BOBCV

Revelation 3 in the BOCNT

Revelation 3 in the BOECS

Revelation 3 in the BOGWICC

Revelation 3 in the BOHCB

Revelation 3 in the BOHCV

Revelation 3 in the BOHLNT

Revelation 3 in the BOHNTLTAL

Revelation 3 in the BOICB

Revelation 3 in the BOILNTAP

Revelation 3 in the BOITCV

Revelation 3 in the BOKCV

Revelation 3 in the BOKCV2

Revelation 3 in the BOKHWOG

Revelation 3 in the BOKSSV

Revelation 3 in the BOLCB

Revelation 3 in the BOLCB2

Revelation 3 in the BOMCV

Revelation 3 in the BONAV

Revelation 3 in the BONCB

Revelation 3 in the BONLT

Revelation 3 in the BONUT2

Revelation 3 in the BOPLNT

Revelation 3 in the BOSNC

Revelation 3 in the BOTLNT

Revelation 3 in the BOVCB

Revelation 3 in the BOYCB

Revelation 3 in the BPBB

Revelation 3 in the BPH

Revelation 3 in the BSB

Revelation 3 in the CCB

Revelation 3 in the CUV

Revelation 3 in the CUVS

Revelation 3 in the DBT

Revelation 3 in the DGDNT

Revelation 3 in the DHNT

Revelation 3 in the DNT

Revelation 3 in the ELBE

Revelation 3 in the EMTV

Revelation 3 in the ESV

Revelation 3 in the FBV

Revelation 3 in the FEB

Revelation 3 in the GGMNT

Revelation 3 in the GNT

Revelation 3 in the HARY

Revelation 3 in the HNT

Revelation 3 in the IRVA

Revelation 3 in the IRVB

Revelation 3 in the IRVG

Revelation 3 in the IRVH

Revelation 3 in the IRVK

Revelation 3 in the IRVM

Revelation 3 in the IRVM2

Revelation 3 in the IRVO

Revelation 3 in the IRVP

Revelation 3 in the IRVT

Revelation 3 in the IRVT2

Revelation 3 in the IRVU

Revelation 3 in the ISVN

Revelation 3 in the JSNT

Revelation 3 in the KAPI

Revelation 3 in the KBT1ETNIK

Revelation 3 in the KBV

Revelation 3 in the KJV

Revelation 3 in the KNFD

Revelation 3 in the LBA

Revelation 3 in the LBLA

Revelation 3 in the LNT

Revelation 3 in the LSV

Revelation 3 in the MAAL

Revelation 3 in the MBV

Revelation 3 in the MBV2

Revelation 3 in the MHNT

Revelation 3 in the MKNFD

Revelation 3 in the MNG

Revelation 3 in the MNT

Revelation 3 in the MNT2

Revelation 3 in the MRS1T

Revelation 3 in the NAA

Revelation 3 in the NASB

Revelation 3 in the NBLA

Revelation 3 in the NBS

Revelation 3 in the NBVTP

Revelation 3 in the NET2

Revelation 3 in the NIV11

Revelation 3 in the NNT

Revelation 3 in the NNT2

Revelation 3 in the NNT3

Revelation 3 in the PDDPT

Revelation 3 in the PFNT

Revelation 3 in the RMNT

Revelation 3 in the SBIAS

Revelation 3 in the SBIBS

Revelation 3 in the SBIBS2

Revelation 3 in the SBICS

Revelation 3 in the SBIDS

Revelation 3 in the SBIGS

Revelation 3 in the SBIHS

Revelation 3 in the SBIIS

Revelation 3 in the SBIIS2

Revelation 3 in the SBIIS3

Revelation 3 in the SBIKS

Revelation 3 in the SBIKS2

Revelation 3 in the SBIMS

Revelation 3 in the SBIOS

Revelation 3 in the SBIPS

Revelation 3 in the SBISS

Revelation 3 in the SBITS

Revelation 3 in the SBITS2

Revelation 3 in the SBITS3

Revelation 3 in the SBITS4

Revelation 3 in the SBIUS

Revelation 3 in the SBIVS

Revelation 3 in the SBT

Revelation 3 in the SBT1E

Revelation 3 in the SCHL

Revelation 3 in the SNT

Revelation 3 in the SUSU

Revelation 3 in the SUSU2

Revelation 3 in the SYNO

Revelation 3 in the TBIAOTANT

Revelation 3 in the TBT1E

Revelation 3 in the TBT1E2

Revelation 3 in the TFTIP

Revelation 3 in the TFTU

Revelation 3 in the TGNTATF3T

Revelation 3 in the THAI

Revelation 3 in the TNFD

Revelation 3 in the TNT

Revelation 3 in the TNTIK

Revelation 3 in the TNTIL

Revelation 3 in the TNTIN

Revelation 3 in the TNTIP

Revelation 3 in the TNTIZ

Revelation 3 in the TOMA

Revelation 3 in the TTENT

Revelation 3 in the UBG

Revelation 3 in the UGV

Revelation 3 in the UGV2

Revelation 3 in the UGV3

Revelation 3 in the VBL

Revelation 3 in the VDCC

Revelation 3 in the YALU

Revelation 3 in the YAPE

Revelation 3 in the YBVTP

Revelation 3 in the ZBP