Romans 2 (BOSCB)
1 Naizvozvo, iwe unotonga mumwe munhu hauna pembedzo, nokuti pachinhu chipi nechipi chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe unotonga, unoita zvinhu zvimwe chetezvo. 2 Zvino tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwezvokwadi kuna vanoita zvinhu zvakadai. 3 Saka kana iwe munhuwo zvake uchitonga vamwe asi uchiita zvinhu zvimwe chetezvo, unofunga kuti ungapunyuka kutonga kwaMwari here? 4 Kana kuti unozvidza pfuma younyoro hwake, mwoyo munyoro wake, nomwoyo murefu wake, usingazivi kuti unyoro hwaMwari hunokuisa pakutendeuka? 5 Asi nokuda kwoukukutu hwako uye nomwoyo wako usingadi kutendeuka, uri kuzviunganidzira kutsamwa pazuva rokutsamwa kwaMwari, pacharatidzwa kutonga kwake kwakarurama. 6 Mwari “achapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.” 7 Kuna avo vakatsungirira kuita zvakanaka vachitsvaka kubwinya nokukudzwa uye nokusafa, achavapa upenyu husingaperi. 8 Asi kuna avo vanotsvaka zvavo uye vanoramba chokwadi uye vachitevera zvakaipa, kuchavapo kutsamwa nehasha. 9 Kuchavapo kutambudzika nokudzungaira kumunhu mumwe nomumwe anoita zvakaipa: kutanga kumuJudha, tevere weDzimwe Ndudzi; 10 asi kubwinya, nokukudzwa uye norugare kuna vose vanoita zvakanaka: kutanga kumuJudha tevere weDzimwe Ndudzi. 11 Nokuti Mwari haasi mutsauri wavanhu. 12 Vose vakatadza vasina murayiro vachaparadzwawo vasina murayiro, uye vose vakatadza vano murayiro vachatongwa nomurayiro. 13 Nokuti havasi vaya vanonzwa murayiro vakarurama pamberi paMwari, asi vaya vanoita murayiro ndivo vachanzi vakarurama. 14 Zvirokwazvo, kana veDzimwe Ndudzi, vasina murayiro vachiita sokuberekwa kwavo zvinhu zvinodiwa nomurayiro, wava murayiro wavo pachavo kunyange zvazvo vasina murayiro. 15 Sezvo vachiratidza kuti zvinodiwa nomurayiro zvakanyorwa pamwoyo yavo, hana dzavo dzichipupuriranawo nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza. 16 Izvi zvichaitika pazuva iroro, Mwari raachazotonga zvakavanzika zvavanhu kubudikidza naJesu Kristu, sezvinoreva vhangeri rangu. 17 Zvino iwe, kana uchiti uri muJudha; kana uchivimba nomurayiro uye uchizvirumbidza pamusoro poukama hwako naMwari; 18 kana uchiziva kuda kwake uye uchiziva kuti zvakanaka ndezvipi zvaunodzidziswa nomurayiro; 19 kana uchiti uri mutungamiri wamapofu, chiedza chaavo vari murima, 20 murairidzi wamapenzi, mudzidzisi wavacheche, nokuti zvauine, mumurayiro, mufananidzo woruzivo nechokwadi, 21 zvino iwe, unodzidzisa vamwe, hauzvidzidzisewo here? Iwe unoparidza kuti vanhu vasaba, unoba here? 22 Iwe unoti vanhu havafaniri kuita upombwe, unoita upombwe here? Iwe unosema zvifananidzo, unoba mutemberi dzavo here? 23 Iwe unozvirumbidza pamusoro pomurayiro, unoshora Mwari nokudarika murayiro here? 24 Nokuti, sezvazvakanyorwa: “Zita raMwari rinomhurwa pakati peveDzimwe Ndudzi nokuda kwenyu.” 25 Kudzingiswa kunokosha kana uchichengeta murayiro, asi kana uchidarika murayiro, wakangoita sousina kudzingiswa. 26 Kana vaya vasina kudzingiswa vakachengeta zvinodiwa nomurayiro, havangaonekwi savakadzingiswa here? 27 Uyo asina kudzingiswa panyama asi achichengeta murayiro achakutonga iwe, kunyange zvako une murayiro wakanyorwa uye wakadzingiswa, asi uchidarika murayiro. 28 Munhu haasi muJudha kana ari muJudha anoonekwa kunze chete, uye kudzingiswa hakuzi kwokunze kana kwapanyama chete. 29 Kwete, munhu anova muJudha kana ari muJudha mukati, uye kudzingiswa kwomwoyo, noMweya, kwete kwezvakanyorwa. Kurumbidzwa kwomunhu akadaro hakubvi kuvanhu, asi kunobva kuna Mwari.
In Other Versions
Romans 2 in the ANGEFD
Romans 2 in the ANTPNG2D
Romans 2 in the AS21
Romans 2 in the BAGH
Romans 2 in the BBPNG
Romans 2 in the BBT1E
Romans 2 in the BDS
Romans 2 in the BEV
Romans 2 in the BHAD
Romans 2 in the BIB
Romans 2 in the BLPT
Romans 2 in the BNT
Romans 2 in the BNTABOOT
Romans 2 in the BNTLV
Romans 2 in the BOATCB
Romans 2 in the BOATCB2
Romans 2 in the BOBCV
Romans 2 in the BOCNT
Romans 2 in the BOECS
Romans 2 in the BOGWICC
Romans 2 in the BOHCB
Romans 2 in the BOHCV
Romans 2 in the BOHLNT
Romans 2 in the BOHNTLTAL
Romans 2 in the BOICB
Romans 2 in the BOILNTAP
Romans 2 in the BOITCV
Romans 2 in the BOKCV
Romans 2 in the BOKCV2
Romans 2 in the BOKHWOG
Romans 2 in the BOKSSV
Romans 2 in the BOLCB
Romans 2 in the BOLCB2
Romans 2 in the BOMCV
Romans 2 in the BONAV
Romans 2 in the BONCB
Romans 2 in the BONLT
Romans 2 in the BONUT2
Romans 2 in the BOPLNT
Romans 2 in the BOSNC
Romans 2 in the BOTLNT
Romans 2 in the BOVCB
Romans 2 in the BOYCB
Romans 2 in the BPBB
Romans 2 in the BPH
Romans 2 in the BSB
Romans 2 in the CCB
Romans 2 in the CUV
Romans 2 in the CUVS
Romans 2 in the DBT
Romans 2 in the DGDNT
Romans 2 in the DHNT
Romans 2 in the DNT
Romans 2 in the ELBE
Romans 2 in the EMTV
Romans 2 in the ESV
Romans 2 in the FBV
Romans 2 in the FEB
Romans 2 in the GGMNT
Romans 2 in the GNT
Romans 2 in the HARY
Romans 2 in the HNT
Romans 2 in the IRVA
Romans 2 in the IRVB
Romans 2 in the IRVG
Romans 2 in the IRVH
Romans 2 in the IRVK
Romans 2 in the IRVM
Romans 2 in the IRVM2
Romans 2 in the IRVO
Romans 2 in the IRVP
Romans 2 in the IRVT
Romans 2 in the IRVT2
Romans 2 in the IRVU
Romans 2 in the ISVN
Romans 2 in the JSNT
Romans 2 in the KAPI
Romans 2 in the KBT1ETNIK
Romans 2 in the KBV
Romans 2 in the KJV
Romans 2 in the KNFD
Romans 2 in the LBA
Romans 2 in the LBLA
Romans 2 in the LNT
Romans 2 in the LSV
Romans 2 in the MAAL
Romans 2 in the MBV
Romans 2 in the MBV2
Romans 2 in the MHNT
Romans 2 in the MKNFD
Romans 2 in the MNG
Romans 2 in the MNT
Romans 2 in the MNT2
Romans 2 in the MRS1T
Romans 2 in the NAA
Romans 2 in the NASB
Romans 2 in the NBLA
Romans 2 in the NBS
Romans 2 in the NBVTP
Romans 2 in the NET2
Romans 2 in the NIV11
Romans 2 in the NNT
Romans 2 in the NNT2
Romans 2 in the NNT3
Romans 2 in the PDDPT
Romans 2 in the PFNT
Romans 2 in the RMNT
Romans 2 in the SBIAS
Romans 2 in the SBIBS
Romans 2 in the SBIBS2
Romans 2 in the SBICS
Romans 2 in the SBIDS
Romans 2 in the SBIGS
Romans 2 in the SBIHS
Romans 2 in the SBIIS
Romans 2 in the SBIIS2
Romans 2 in the SBIIS3
Romans 2 in the SBIKS
Romans 2 in the SBIKS2
Romans 2 in the SBIMS
Romans 2 in the SBIOS
Romans 2 in the SBIPS
Romans 2 in the SBISS
Romans 2 in the SBITS
Romans 2 in the SBITS2
Romans 2 in the SBITS3
Romans 2 in the SBITS4
Romans 2 in the SBIUS
Romans 2 in the SBIVS
Romans 2 in the SBT
Romans 2 in the SBT1E
Romans 2 in the SCHL
Romans 2 in the SNT
Romans 2 in the SUSU
Romans 2 in the SUSU2
Romans 2 in the SYNO
Romans 2 in the TBIAOTANT
Romans 2 in the TBT1E
Romans 2 in the TBT1E2
Romans 2 in the TFTIP
Romans 2 in the TFTU
Romans 2 in the TGNTATF3T
Romans 2 in the THAI
Romans 2 in the TNFD
Romans 2 in the TNT
Romans 2 in the TNTIK
Romans 2 in the TNTIL
Romans 2 in the TNTIN
Romans 2 in the TNTIP
Romans 2 in the TNTIZ
Romans 2 in the TOMA
Romans 2 in the TTENT
Romans 2 in the UBG
Romans 2 in the UGV
Romans 2 in the UGV2
Romans 2 in the UGV3
Romans 2 in the VBL
Romans 2 in the VDCC
Romans 2 in the YALU
Romans 2 in the YAPE
Romans 2 in the YBVTP
Romans 2 in the ZBP