Acts 3 (BOSCB)

1 Rimwe zuva Petro naJohani vakanga vachikwidza kuenda kutemberi nenguva yokunyengetera, panguva yechitatu yamasikati. 2 Zvino mumwe murume akanga aberekwa ari chirema, aitakurwa achiendeswa pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye aiiswa ipapo mazuva ose kuti apemhe kuna avo vaipinda mutemberi. 3 Akati aona Petro naJohani voda kupinda, akavakumbira mari. 4 Petro akamutarisisa, Johani akadarowo. Ipapo Petro akati kwaari, “Titarise!” 5 Saka murume akavatarira, achifunga kuti achapiwa chinhu navo. 6 Ipapo Petro akati, “Sirivha negoridhe handina, asi chandinacho ndinokupa. Muzita raJesu Kristu weNazareta, simuka ufambe.” 7 Akamubata noruoko rworudyi, akamubatsira kuti asimuke, pakarepo tsoka dzomurume uyu nezviziso zvetsoka dzake zvikasimba. 8 Akakwakuka, akamira, uye akatanga kufamba. Ipapo akapinda navo mutemberi, achifamba uye achisvetuka-svetuka, achirumbidza Mwari. 9 Vanhu vose vakati vachimuona achifamba achirumbidza Mwari, 10 vakamuziva kuti ndiye murume uya aisigara achipemha ari pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye vakakatyamara vakashamiswa kwazvo nezvakanga zvaitika kwaari. 11 Mupemhi akati achakabatirira pana Petro naJohani, vanhu vose vakashamiswa vakauya kwavari vachimhanya kunzvimbo yainzi Biravira raSoromoni. 12 Petro akati aona izvi, akati kwavari, “Imi varume veIsraeri, seiko izvi zvichikushamisai? Munotarisireiko kwatiri sokunge taita kuti murume uyu afambe nokuda kwesimba redu kana nokuda kwokururama kwedu? 13 Mwari waAbhurahama, Isaka naJakobho, Mwari wamadzibaba edu, akudza muranda wake Jesu. Makamuendesa kundourayiwa, uye imi makamuramba pamberi paPirato, kunyange akanga afunga kumuregedza hake. 14 Makaramba iye Mutsvene naiye Akarurama Oga uye mukakumbira kuti mhondi isunungurwe. 15 Makauraya muvambi woupenyu, asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa. Isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi. 16 Nokutenda muzita raJesu, munhu uyu wamunoona uye wamunoziva, asimbiswa. Izita raJesu uye nokutenda kunouya kubudikidza naye kwauyisa kuporeswa uku kwaari, sezvamunoona imi mose. 17 “Zvino, hama dzangu, ndinoziva kuti makaita nokusaziva sezvakangoitawo vatungamiri venyu. 18 Asi ndiwo mazadzisiro akaita Mwari zvaakataura kare kubudikidza navaprofita vose, achitaura kuti Kristu wake aizotambudzika. 19 Naizvozvo, tendeukai zvino, mudzokere kuna Mwari, kuitira kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokuvandudzwa dzinobva kuna She dzisvike 20 uye kuti atume Kristu, iye akagadzwa nokuda kwenyu, iye Jesu. 21 Anofanira kumboramba ari kudenga kusvikira nguva yokuti Mwari avandudze zvinhu zvose yasvika, sezvaakavimbisa kare kare kubudikidza navaprofita vake vatsvene. 22 Nokuti Mozisi akati, ‘Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muprofita akafanana neni kubva pakati pavanhu venyu chaivo; munofanira kuteerera zvose zvaanokuudzai. 23 Ani naani zvake asingamuteereri achaparadzwa kwazvo pakati pavanhu vokwake.’ 24 “Zvirokwazvo, vaprofita vose kubva kuna Samueri zvichienda mberi, vazhinji vavo vakataura, vakaprofita nezvamazuva ano. 25 Imi muri vadyi venhaka yavaprofita neyesungano yakaitwa naMwari namadzibaba enyu. Akati kuna Abhurahama, ‘Marudzi ose apanyika acharopafadzwa kubudikidza navana vako.’ 26 Mwari akati amutsa muranda wake, akatanga kumutuma kwamuri kuti akuropafadzei nokukutendeutsai mumwe nomumwe wenyu kubva panzira dzenyu dzakaipa.”

In Other Versions

Acts 3 in the ANGEFD

Acts 3 in the ANTPNG2D

Acts 3 in the AS21

Acts 3 in the BAGH

Acts 3 in the BBPNG

Acts 3 in the BBT1E

Acts 3 in the BDS

Acts 3 in the BEV

Acts 3 in the BHAD

Acts 3 in the BIB

Acts 3 in the BLPT

Acts 3 in the BNT

Acts 3 in the BNTABOOT

Acts 3 in the BNTLV

Acts 3 in the BOATCB

Acts 3 in the BOATCB2

Acts 3 in the BOBCV

Acts 3 in the BOCNT

Acts 3 in the BOECS

Acts 3 in the BOGWICC

Acts 3 in the BOHCB

Acts 3 in the BOHCV

Acts 3 in the BOHLNT

Acts 3 in the BOHNTLTAL

Acts 3 in the BOICB

Acts 3 in the BOILNTAP

Acts 3 in the BOITCV

Acts 3 in the BOKCV

Acts 3 in the BOKCV2

Acts 3 in the BOKHWOG

Acts 3 in the BOKSSV

Acts 3 in the BOLCB

Acts 3 in the BOLCB2

Acts 3 in the BOMCV

Acts 3 in the BONAV

Acts 3 in the BONCB

Acts 3 in the BONLT

Acts 3 in the BONUT2

Acts 3 in the BOPLNT

Acts 3 in the BOSNC

Acts 3 in the BOTLNT

Acts 3 in the BOVCB

Acts 3 in the BOYCB

Acts 3 in the BPBB

Acts 3 in the BPH

Acts 3 in the BSB

Acts 3 in the CCB

Acts 3 in the CUV

Acts 3 in the CUVS

Acts 3 in the DBT

Acts 3 in the DGDNT

Acts 3 in the DHNT

Acts 3 in the DNT

Acts 3 in the ELBE

Acts 3 in the EMTV

Acts 3 in the ESV

Acts 3 in the FBV

Acts 3 in the FEB

Acts 3 in the GGMNT

Acts 3 in the GNT

Acts 3 in the HARY

Acts 3 in the HNT

Acts 3 in the IRVA

Acts 3 in the IRVB

Acts 3 in the IRVG

Acts 3 in the IRVH

Acts 3 in the IRVK

Acts 3 in the IRVM

Acts 3 in the IRVM2

Acts 3 in the IRVO

Acts 3 in the IRVP

Acts 3 in the IRVT

Acts 3 in the IRVT2

Acts 3 in the IRVU

Acts 3 in the ISVN

Acts 3 in the JSNT

Acts 3 in the KAPI

Acts 3 in the KBT1ETNIK

Acts 3 in the KBV

Acts 3 in the KJV

Acts 3 in the KNFD

Acts 3 in the LBA

Acts 3 in the LBLA

Acts 3 in the LNT

Acts 3 in the LSV

Acts 3 in the MAAL

Acts 3 in the MBV

Acts 3 in the MBV2

Acts 3 in the MHNT

Acts 3 in the MKNFD

Acts 3 in the MNG

Acts 3 in the MNT

Acts 3 in the MNT2

Acts 3 in the MRS1T

Acts 3 in the NAA

Acts 3 in the NASB

Acts 3 in the NBLA

Acts 3 in the NBS

Acts 3 in the NBVTP

Acts 3 in the NET2

Acts 3 in the NIV11

Acts 3 in the NNT

Acts 3 in the NNT2

Acts 3 in the NNT3

Acts 3 in the PDDPT

Acts 3 in the PFNT

Acts 3 in the RMNT

Acts 3 in the SBIAS

Acts 3 in the SBIBS

Acts 3 in the SBIBS2

Acts 3 in the SBICS

Acts 3 in the SBIDS

Acts 3 in the SBIGS

Acts 3 in the SBIHS

Acts 3 in the SBIIS

Acts 3 in the SBIIS2

Acts 3 in the SBIIS3

Acts 3 in the SBIKS

Acts 3 in the SBIKS2

Acts 3 in the SBIMS

Acts 3 in the SBIOS

Acts 3 in the SBIPS

Acts 3 in the SBISS

Acts 3 in the SBITS

Acts 3 in the SBITS2

Acts 3 in the SBITS3

Acts 3 in the SBITS4

Acts 3 in the SBIUS

Acts 3 in the SBIVS

Acts 3 in the SBT

Acts 3 in the SBT1E

Acts 3 in the SCHL

Acts 3 in the SNT

Acts 3 in the SUSU

Acts 3 in the SUSU2

Acts 3 in the SYNO

Acts 3 in the TBIAOTANT

Acts 3 in the TBT1E

Acts 3 in the TBT1E2

Acts 3 in the TFTIP

Acts 3 in the TFTU

Acts 3 in the TGNTATF3T

Acts 3 in the THAI

Acts 3 in the TNFD

Acts 3 in the TNT

Acts 3 in the TNTIK

Acts 3 in the TNTIL

Acts 3 in the TNTIN

Acts 3 in the TNTIP

Acts 3 in the TNTIZ

Acts 3 in the TOMA

Acts 3 in the TTENT

Acts 3 in the UBG

Acts 3 in the UGV

Acts 3 in the UGV2

Acts 3 in the UGV3

Acts 3 in the VBL

Acts 3 in the VDCC

Acts 3 in the YALU

Acts 3 in the YAPE

Acts 3 in the YBVTP

Acts 3 in the ZBP