Colossians 1 (BOSCB)
1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu, 2 kuhama tsvene uye dzakatendeka dziri muna Kristu paKorose: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba ngazvive nemi. 3 Tinogara tichivonga Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, patinokunyengetererai, 4 nokuti takanzwa nezvokutenda kwenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose, 5 kutenda norudo zvinobva patariro yamakachengeterwa kudenga uye iyo yamakatonzwa nezvayo mushoko rezvokwadi, iro vhangeri 6 rakasvika kwamuri. Munyika yose vhangeri iri riri kubereka zvibereko uye richikura sezvarakanga richiita pakati penyu kubvira pazuva ramakarinzwa uye mukanzwisisa nyasha dzaMwari muzvokwadi yose. 7 Makazvidzidza kubva kuna Epafrodhitasi, muranda pamwe chete nesu anodikanwa, mushumuri akatendeka waKristu nokuda kwedu, 8 uye akatiudzawo nezvorudo rwenyu muMweya. 9 Nokuda kwaizvozvi, kubvira pazuva ratakanzwa nezvenyu, hatina kurega kukunyengetererai tichikumbira Mwari kuti akuzadzei nokuziva kuda kwake kubudikidza nouchenjeri hwose hwomweya, uye nokunzwisisa. 10 Uye tinonyengeterera izvi kuitira kuti mugare upenyu hwakafanira uye kuti mumufadze iye mune zvose: muchibereka zvibereko mumabasa ose akanaka, muchikura mukuziva Mwari, 11 muchisimbiswa nesimba rose maererano nokubwinya kwesimba rake kuti muve nokutsunga kukuru uye nomwoyo murefu, muchifara kwazvo 12 muchivonga ivo Baba, vakaita kuti mukodzere kugovana nhaka yavatsvene muumambo hwechiedza. 13 Nokuti akatinunura kubva pasimba rerima akatiuyisa kuumambo hwoMwanakomana waanoda, 14 watine dzikinuro maari, iko kuregererwa kwezvivi. 15 Ndiye mufananidzo waMwari asingaonekwi, dangwe rezvisikwa zvose. 16 Nokuti zvinhu zvose zvakasikwa naye: zviri kudenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, zvigaro zvoushe kana masimba kana vatongi kana vane simba; zvinhu zvose zvakasikwa naye uye zvakasikirwa iye. 17 Iye anotangira zvose, uye zvinhu zvose zvinobatana maari. 18 Ndiye musoro womuviri, iyo kereke; ndiye wokutanga uye ndiye dangwe ravakamuka kubva kuvakafa, kuitira kuti pazvinhu zvose iye ave mukuru. 19 Nokuti Mwari akafadzwa nazvo kuti kuzara kwake kwose kugare maari, 20 uye kubudikidza naye ayananise kwaari zvinhu zvose, zvingava zvinhu zviri panyika kana zvinhu zviri kudenga, nokuita rugare kubudikidza neropa rake, rakateurwa pamuchinjikwa. 21 Kare makanga muri vatorwa kuna Mwari uye maiva vavengi mupfungwa dzenyu nokuda kwetsika dzenyu dzakaipa. 22 Asi zvino akakuyananisai nomuviri waKristu kubudikidza norufu kuti akuisei pamberi pake muri vatsvene, vasina chavanopomerwa uye makasunungurwa kubva pakupomerwa 23 kana muchirambira mukutenda kwenyu, makasimbiswa uye makasimba, musingazungunuswi kubva patariro iri muvhangeri. Ndiro vhangeri ramakanzwa uye rakaparidzirwa kuzvisikwa zvose pasi pedenga, uye iro ini, Pauro, ndakaitwa muranda nokuda kwaro. 24 Zvino ndinofara mune zvamakatamburirwa imi, uye ndinozadzisa munyama yangu izvo zvichiri kushayikwa maererano nokutambudzika kwaKristu, nokuda kwomuviri wake, iyo kereke. 25 Ini ndava muranda wayo nokutumwa kwandakaitwa naMwari kuti ndiise kwamuri shoko raMwari nokuzara kwaro, 26 chakavanzika chakanga chakavigwa kubvira kare uye kumarudzi namarudzi, asi zvino zvakazarurirwa vatsvene. 27 Kwavari, Mwari akasarudza kuti azivise pakati pavaHedheni, pfuma inobwinya yechakavanzika ichi, iye Kristu mamuri, tariro yokubwinya. 28 Tinomuparidza, tichirayira uye tichidzidzisa munhu wose nouchenjeri hwose, kuitira kuti tisvitse munhu wose akakwana muna Kristu. 29 Nokuda kwaizvozvi, ndinoshanda nesimba, ndichirwisa nesimba rake rose, rinoshanda zvikuru mandiri.
In Other Versions
Colossians 1 in the ANGEFD
Colossians 1 in the ANTPNG2D
Colossians 1 in the AS21
Colossians 1 in the BAGH
Colossians 1 in the BBPNG
Colossians 1 in the BBT1E
Colossians 1 in the BDS
Colossians 1 in the BEV
Colossians 1 in the BHAD
Colossians 1 in the BIB
Colossians 1 in the BLPT
Colossians 1 in the BNT
Colossians 1 in the BNTABOOT
Colossians 1 in the BNTLV
Colossians 1 in the BOATCB
Colossians 1 in the BOATCB2
Colossians 1 in the BOBCV
Colossians 1 in the BOCNT
Colossians 1 in the BOECS
Colossians 1 in the BOGWICC
Colossians 1 in the BOHCB
Colossians 1 in the BOHCV
Colossians 1 in the BOHLNT
Colossians 1 in the BOHNTLTAL
Colossians 1 in the BOICB
Colossians 1 in the BOILNTAP
Colossians 1 in the BOITCV
Colossians 1 in the BOKCV
Colossians 1 in the BOKCV2
Colossians 1 in the BOKHWOG
Colossians 1 in the BOKSSV
Colossians 1 in the BOLCB
Colossians 1 in the BOLCB2
Colossians 1 in the BOMCV
Colossians 1 in the BONAV
Colossians 1 in the BONCB
Colossians 1 in the BONLT
Colossians 1 in the BONUT2
Colossians 1 in the BOPLNT
Colossians 1 in the BOSNC
Colossians 1 in the BOTLNT
Colossians 1 in the BOVCB
Colossians 1 in the BOYCB
Colossians 1 in the BPBB
Colossians 1 in the BPH
Colossians 1 in the BSB
Colossians 1 in the CCB
Colossians 1 in the CUV
Colossians 1 in the CUVS
Colossians 1 in the DBT
Colossians 1 in the DGDNT
Colossians 1 in the DHNT
Colossians 1 in the DNT
Colossians 1 in the ELBE
Colossians 1 in the EMTV
Colossians 1 in the ESV
Colossians 1 in the FBV
Colossians 1 in the FEB
Colossians 1 in the GGMNT
Colossians 1 in the GNT
Colossians 1 in the HARY
Colossians 1 in the HNT
Colossians 1 in the IRVA
Colossians 1 in the IRVB
Colossians 1 in the IRVG
Colossians 1 in the IRVH
Colossians 1 in the IRVK
Colossians 1 in the IRVM
Colossians 1 in the IRVM2
Colossians 1 in the IRVO
Colossians 1 in the IRVP
Colossians 1 in the IRVT
Colossians 1 in the IRVT2
Colossians 1 in the IRVU
Colossians 1 in the ISVN
Colossians 1 in the JSNT
Colossians 1 in the KAPI
Colossians 1 in the KBT1ETNIK
Colossians 1 in the KBV
Colossians 1 in the KJV
Colossians 1 in the KNFD
Colossians 1 in the LBA
Colossians 1 in the LBLA
Colossians 1 in the LNT
Colossians 1 in the LSV
Colossians 1 in the MAAL
Colossians 1 in the MBV
Colossians 1 in the MBV2
Colossians 1 in the MHNT
Colossians 1 in the MKNFD
Colossians 1 in the MNG
Colossians 1 in the MNT
Colossians 1 in the MNT2
Colossians 1 in the MRS1T
Colossians 1 in the NAA
Colossians 1 in the NASB
Colossians 1 in the NBLA
Colossians 1 in the NBS
Colossians 1 in the NBVTP
Colossians 1 in the NET2
Colossians 1 in the NIV11
Colossians 1 in the NNT
Colossians 1 in the NNT2
Colossians 1 in the NNT3
Colossians 1 in the PDDPT
Colossians 1 in the PFNT
Colossians 1 in the RMNT
Colossians 1 in the SBIAS
Colossians 1 in the SBIBS
Colossians 1 in the SBIBS2
Colossians 1 in the SBICS
Colossians 1 in the SBIDS
Colossians 1 in the SBIGS
Colossians 1 in the SBIHS
Colossians 1 in the SBIIS
Colossians 1 in the SBIIS2
Colossians 1 in the SBIIS3
Colossians 1 in the SBIKS
Colossians 1 in the SBIKS2
Colossians 1 in the SBIMS
Colossians 1 in the SBIOS
Colossians 1 in the SBIPS
Colossians 1 in the SBISS
Colossians 1 in the SBITS
Colossians 1 in the SBITS2
Colossians 1 in the SBITS3
Colossians 1 in the SBITS4
Colossians 1 in the SBIUS
Colossians 1 in the SBIVS
Colossians 1 in the SBT
Colossians 1 in the SBT1E
Colossians 1 in the SCHL
Colossians 1 in the SNT
Colossians 1 in the SUSU
Colossians 1 in the SUSU2
Colossians 1 in the SYNO
Colossians 1 in the TBIAOTANT
Colossians 1 in the TBT1E
Colossians 1 in the TBT1E2
Colossians 1 in the TFTIP
Colossians 1 in the TFTU
Colossians 1 in the TGNTATF3T
Colossians 1 in the THAI
Colossians 1 in the TNFD
Colossians 1 in the TNT
Colossians 1 in the TNTIK
Colossians 1 in the TNTIL
Colossians 1 in the TNTIN
Colossians 1 in the TNTIP
Colossians 1 in the TNTIZ
Colossians 1 in the TOMA
Colossians 1 in the TTENT
Colossians 1 in the UBG
Colossians 1 in the UGV
Colossians 1 in the UGV2
Colossians 1 in the UGV3
Colossians 1 in the VBL
Colossians 1 in the VDCC
Colossians 1 in the YALU
Colossians 1 in the YAPE
Colossians 1 in the YBVTP
Colossians 1 in the ZBP