Ezekiel 7 (BOSCB)

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha kunyika yeIsraeri: Kuguma! Kuguma kwasvika kumativi mana enyika. 3 Kuguma kwava pamusoro pako zvino uye ndichatuma kutsamwa kwangu pamusoro pako. Ndichakutonga zvakafanira tsika dzako ndigotsiva zvinyangadzo zvako zvose. 4 Handizokunzwiri ngoni kana kukuponesa; zvirokwazvo ndichakutsiva zvakafanira tsika dzako nezvinyangadzo zviri pakati pako. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha. 5 “Zvanzi naIshe Jehovha: Njodzi! Njodzi isina kumbonzwikwa nezvayo iri kuuya! 6 Kuguma kwasvika! Kuguma kwasvika! Kwamuka kuti kuzokurwisai. Kwauya! 7 Kuparadzwa kwauya pamusoro pako, iwe ugere panyika. Nguva yasvika, zuva rava pedyo; pava nokutya, kwete mufaro, pamusoro pamakomo. 8 Ndava pedyo nokudurura hasha dzangu pamusoro pako ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pako; ndichakutonga zvakafanira mafambiro ako ndigotsiva zvinyangadzo zvako zvose. 9 Handizombokunzwiri ngoni kana kukuponesa; ndichakutsiva zvakafanira mafambiro ako nezvinyangadzo zviri pakati pako. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha ndiri kukurova. 10 “Zuva rasvika! Rauya! Kuparadzwa kwabuda, shamhu yabukira, kuzvikudza kwatumbuka! 11 Kuita nechisimba kwakura kukava shamhu yokuranga zvakaipa; hakuna mumwe wavanhu ava achasara, hakuna pavazhinji vavo ivavo, kana pfuma kana chinokosha. 12 Nguva yauya, zuva rasvika. Mutengi ngaarege kufara uye mutengesi ngaarege kusuwa, nokuti hasha dziri pamusoro pavazhinji vose. 13 Mutengesi haangadzorerwi nyika yaakanga atengesa kana vose vari vaviri vachiri vapenyu, nokuti chiratidzo chakaonekwa pamusoro pavazhinji vose chichazozadziswa. Nokuda kwezvivi zvavo, hakuna kana mumwe wavo achachengetedza upenyu hwake. 14 Kunyange vakaridza hwamanda uye vakagadzirira zvose, hapana achaenda kuhondo, nokuti hasha dzangu dziri pamusoro pavazhinji vose. 15 “Kunze kuno munondo, mukati mune denda nenzara; vaya vari musango vachafa nomunondo, uye vari muguta vachapedzwa nenzara nedenda. 16 Vose vanorarama vachapunyuka vachange vari mumakomo, vachirira senjiva dzomumipata, mumwe nomumwe nokuda kwezvivi zvake. 17 Ruoko rumwe norumwe ruchapera simba uye ibvi rimwe nerimwe richarukutika semvura. 18 Vachafuka nguo dzamasaga uye vachafukidzwa nokutya. Zviso zvavo zvichafukidzwa nenyadzi uye misoro yavo ichaveurwa. 19 Vachakanda sirivha yavo munzira dzomumisha, uye goridhe yavo ichava chinhu chisina kuchena. Sirivha yavo negoridhe ravo hazvingavaponesi pazuva rokutsamwa kwaJehovha. Hazvingapedzi nzara yavo kana kugutsa matumbu avo nazvo, nokuti ndizvo zvakavagumbusa vakapinda muchivi. 20 Vakanga vachizvikudza nokuda kwoukomba hwavo hwakanaka uye vachihushandisa kuita zvifananidzo zvinonyangadza nezviumbwa zvakaipisisa. Naizvozvo ndichashandura izvi, zvikava chinhu chine tsvina kwavari. 21 Ndichazvipa zvose kuvatorwa sezvinhu zvakapambwa uye sepfuma ingapambwa navakaipa venyika, uye vachazvisvibisa. 22 Ndichavafuratira uye vachasvibisa nzvimbo yangu inokosha; mbavha dzichapinda mairi dzigoisvibisa. 23 “Gadzirai ngetani, nokuti nyika izere nokuteura ropa uye guta rizere nokuita nechisimba. 24 Ndichauyisa vanhu vakaipisisa vendudzi kuti vavatorere dzimba dzavo; ndichaita kuti kuzvikudza kwavane simba kugume, uye nzvimbo dzavo tsvene dzichasvibiswa. 25 Kana kutya kwauya, vachatsvaka rugare asi havangaruwani. 26 Kuchauya njodzi pamusoro penjodzi uye guhu pamusoro peguhu. Vachaedza kutsvaka chiratidzo kumuprofita; kudzidziswa murayiro nomuprista kuchashayikwa, namazano anobva kuvakuruwo achashayikwa. 27 Mambo achachema, muchinda achafukidzwa nokuora mwoyo, uye maoko avanhu vomunyika achadedera. Ndichavaitira zvakafanira mafambiro avo, uye ndichavatonga nemitemo yavo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”

In Other Versions

Ezekiel 7 in the ANGEFD

Ezekiel 7 in the ANTPNG2D

Ezekiel 7 in the AS21

Ezekiel 7 in the BAGH

Ezekiel 7 in the BBPNG

Ezekiel 7 in the BBT1E

Ezekiel 7 in the BDS

Ezekiel 7 in the BEV

Ezekiel 7 in the BHAD

Ezekiel 7 in the BIB

Ezekiel 7 in the BLPT

Ezekiel 7 in the BNT

Ezekiel 7 in the BNTABOOT

Ezekiel 7 in the BNTLV

Ezekiel 7 in the BOATCB

Ezekiel 7 in the BOATCB2

Ezekiel 7 in the BOBCV

Ezekiel 7 in the BOCNT

Ezekiel 7 in the BOECS

Ezekiel 7 in the BOGWICC

Ezekiel 7 in the BOHCB

Ezekiel 7 in the BOHCV

Ezekiel 7 in the BOHLNT

Ezekiel 7 in the BOHNTLTAL

Ezekiel 7 in the BOICB

Ezekiel 7 in the BOILNTAP

Ezekiel 7 in the BOITCV

Ezekiel 7 in the BOKCV

Ezekiel 7 in the BOKCV2

Ezekiel 7 in the BOKHWOG

Ezekiel 7 in the BOKSSV

Ezekiel 7 in the BOLCB

Ezekiel 7 in the BOLCB2

Ezekiel 7 in the BOMCV

Ezekiel 7 in the BONAV

Ezekiel 7 in the BONCB

Ezekiel 7 in the BONLT

Ezekiel 7 in the BONUT2

Ezekiel 7 in the BOPLNT

Ezekiel 7 in the BOSNC

Ezekiel 7 in the BOTLNT

Ezekiel 7 in the BOVCB

Ezekiel 7 in the BOYCB

Ezekiel 7 in the BPBB

Ezekiel 7 in the BPH

Ezekiel 7 in the BSB

Ezekiel 7 in the CCB

Ezekiel 7 in the CUV

Ezekiel 7 in the CUVS

Ezekiel 7 in the DBT

Ezekiel 7 in the DGDNT

Ezekiel 7 in the DHNT

Ezekiel 7 in the DNT

Ezekiel 7 in the ELBE

Ezekiel 7 in the EMTV

Ezekiel 7 in the ESV

Ezekiel 7 in the FBV

Ezekiel 7 in the FEB

Ezekiel 7 in the GGMNT

Ezekiel 7 in the GNT

Ezekiel 7 in the HARY

Ezekiel 7 in the HNT

Ezekiel 7 in the IRVA

Ezekiel 7 in the IRVB

Ezekiel 7 in the IRVG

Ezekiel 7 in the IRVH

Ezekiel 7 in the IRVK

Ezekiel 7 in the IRVM

Ezekiel 7 in the IRVM2

Ezekiel 7 in the IRVO

Ezekiel 7 in the IRVP

Ezekiel 7 in the IRVT

Ezekiel 7 in the IRVT2

Ezekiel 7 in the IRVU

Ezekiel 7 in the ISVN

Ezekiel 7 in the JSNT

Ezekiel 7 in the KAPI

Ezekiel 7 in the KBT1ETNIK

Ezekiel 7 in the KBV

Ezekiel 7 in the KJV

Ezekiel 7 in the KNFD

Ezekiel 7 in the LBA

Ezekiel 7 in the LBLA

Ezekiel 7 in the LNT

Ezekiel 7 in the LSV

Ezekiel 7 in the MAAL

Ezekiel 7 in the MBV

Ezekiel 7 in the MBV2

Ezekiel 7 in the MHNT

Ezekiel 7 in the MKNFD

Ezekiel 7 in the MNG

Ezekiel 7 in the MNT

Ezekiel 7 in the MNT2

Ezekiel 7 in the MRS1T

Ezekiel 7 in the NAA

Ezekiel 7 in the NASB

Ezekiel 7 in the NBLA

Ezekiel 7 in the NBS

Ezekiel 7 in the NBVTP

Ezekiel 7 in the NET2

Ezekiel 7 in the NIV11

Ezekiel 7 in the NNT

Ezekiel 7 in the NNT2

Ezekiel 7 in the NNT3

Ezekiel 7 in the PDDPT

Ezekiel 7 in the PFNT

Ezekiel 7 in the RMNT

Ezekiel 7 in the SBIAS

Ezekiel 7 in the SBIBS

Ezekiel 7 in the SBIBS2

Ezekiel 7 in the SBICS

Ezekiel 7 in the SBIDS

Ezekiel 7 in the SBIGS

Ezekiel 7 in the SBIHS

Ezekiel 7 in the SBIIS

Ezekiel 7 in the SBIIS2

Ezekiel 7 in the SBIIS3

Ezekiel 7 in the SBIKS

Ezekiel 7 in the SBIKS2

Ezekiel 7 in the SBIMS

Ezekiel 7 in the SBIOS

Ezekiel 7 in the SBIPS

Ezekiel 7 in the SBISS

Ezekiel 7 in the SBITS

Ezekiel 7 in the SBITS2

Ezekiel 7 in the SBITS3

Ezekiel 7 in the SBITS4

Ezekiel 7 in the SBIUS

Ezekiel 7 in the SBIVS

Ezekiel 7 in the SBT

Ezekiel 7 in the SBT1E

Ezekiel 7 in the SCHL

Ezekiel 7 in the SNT

Ezekiel 7 in the SUSU

Ezekiel 7 in the SUSU2

Ezekiel 7 in the SYNO

Ezekiel 7 in the TBIAOTANT

Ezekiel 7 in the TBT1E

Ezekiel 7 in the TBT1E2

Ezekiel 7 in the TFTIP

Ezekiel 7 in the TFTU

Ezekiel 7 in the TGNTATF3T

Ezekiel 7 in the THAI

Ezekiel 7 in the TNFD

Ezekiel 7 in the TNT

Ezekiel 7 in the TNTIK

Ezekiel 7 in the TNTIL

Ezekiel 7 in the TNTIN

Ezekiel 7 in the TNTIP

Ezekiel 7 in the TNTIZ

Ezekiel 7 in the TOMA

Ezekiel 7 in the TTENT

Ezekiel 7 in the UBG

Ezekiel 7 in the UGV

Ezekiel 7 in the UGV2

Ezekiel 7 in the UGV3

Ezekiel 7 in the VBL

Ezekiel 7 in the VDCC

Ezekiel 7 in the YALU

Ezekiel 7 in the YAPE

Ezekiel 7 in the YBVTP

Ezekiel 7 in the ZBP