Isaiah 59 (BOSCB)

1 Zvirokwazvo ruoko rwaJehovha haruna kupfupika kuti rukonewe kuponesa,uye nzeve yake haina kudzivira kuti irege kunzwa. 2 Asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisainaMwari wenyu;zvivi zvenyu zvakavanza chiso chakekwamuri kuti arege kunzwa. 3 Nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa,minwe yenyu nezvakaipa.Miromo yenyu yakareva nhema,rurimi rwenyu runonguruma zvinhu zvakaipa. 4 Hapana anochemera kururamisira;hapana anokwidza mhaka yake nokutendeka.Vanongovimba negakava risina maturo uye nokureva nhema;vanoita mimba yezvakashata uye vanobereka zvakaipa. 5 Vanochochonya mazai emvumbi,uye vanoruka dandira redandemutande.Ani naani anodya mazai avo achafa,uye rimwe rikaputsika, panochochonywa nyoka. 6 Matandira avo haabatsiri pakupfeka;havagoni kuzvifukidza nezvavanogadzira.Mabasa avo mabasa akaipa,uye kuita nechisimba kuri mumaoko avo. 7 Tsoka dzavo dzinomhanyira kundopinda muchivi;vanokurumidza kuteura ropa risina mhosva.Mirangariro yavo mirangariro yakaipa;kuputsa nokuparadza zviri munzira dzavo. 8 Nzira yorugare havaizivi;hapana kururamisira pamakwara avo.Vakashandura nzira dzavo dzikava dzakaminama;hakuna anofamba madziri achaziva rugare. 9 Naizvozvo kururamisira kuri kure nesu,uye kururama hakusviki kwatiri.Tinotsvaka chiedza, asi zvose irima;tinotsvaka kujeka, asi tiri kufamba mumumvuri werima. 10 Sebofu tinotsvanzvadzira tichitevedza madziro,tichitsvaka nzira yedu savanhu vasina meso.Panguva yamasikati tinogumburwa kunge nguva yorubvunzavaeni;pakati pavane simba, tangoita savakafa. 11 Tose tiri kuomba samapere;tinorira nokurira kukuru senjiva.Tinotsvaka kururamisira, asi hatikuwani;tinotsvaka kurwirwa, asi kuri kure kure. 12 Nokuti kutadza kwedu kwawanda pamberi penyu,uye zvivi zvedu zvinotipupurira zvakaipa.Kudarika kwedu kunogara nesu,uye tinobvuma kutadza kwedu: 13 kumukira nokunyengera Jehovha,kufuratira Mwari wedu,kukuchidzira udzvinyiriri nokupanduka,nokutaura mashoko enhema anobva mumwoyo yedu. 14 Naizvozvo kururamisirwa kwadzorerwa shure,uye kururama kwamira kure;chokwadi chakagumburwa munzira dzomumusha,kutendeka hakuchagoni kupinda. 15 Zvokwadi haichawanikwiuye vanovenga zvakaipa ndivo vopambwa. Jehovha akatarisa akasafarakuti pakanga pasisina kururamisira. 16 Akaona kuti pakanga pasina munhu,akashamiswa kuti pakanga pasina munhu aipindira;naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso,uye kururama kwake kwakamuraramisa. 17 Akashonga kururama sechidzitiro chechipfuva,nenguwani yoruponeso mumusoro make;akashonga nguo dzokutsiva akazviputiramukushingaira kwake seanozviputira nejasi. 18 Sezvavakaita, saizvozvo acharipirahashakuvavengi vakenokutsiva kuvadzivisi vake;acharipira zvakafanira kuzviwi. 19 Kubva kumavirira, vanhu vachatya Jehovha,uye kubva pakubuda kwezuva, vachakudza kubwinya kwake.Nokuti achauya sokudira kworwizirunosundwa nokufema kwaJehovha. 20 “Mudzikinuri achauya kuZioni,kuna avo vari muna Jakobho vanotendeuka pazvivi zvavo,”ndizvo zvinotaura Jehovha. 21 “Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Mweya wangu uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako hazvichabvi pamuromo wako, kana pamiromo yavana venyu, kana pamiromo yezvizvarwa zvavo kubva zvino nokusingaperi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

In Other Versions

Isaiah 59 in the ANGEFD

Isaiah 59 in the ANTPNG2D

Isaiah 59 in the AS21

Isaiah 59 in the BAGH

Isaiah 59 in the BBPNG

Isaiah 59 in the BBT1E

Isaiah 59 in the BDS

Isaiah 59 in the BEV

Isaiah 59 in the BHAD

Isaiah 59 in the BIB

Isaiah 59 in the BLPT

Isaiah 59 in the BNT

Isaiah 59 in the BNTABOOT

Isaiah 59 in the BNTLV

Isaiah 59 in the BOATCB

Isaiah 59 in the BOATCB2

Isaiah 59 in the BOBCV

Isaiah 59 in the BOCNT

Isaiah 59 in the BOECS

Isaiah 59 in the BOGWICC

Isaiah 59 in the BOHCB

Isaiah 59 in the BOHCV

Isaiah 59 in the BOHLNT

Isaiah 59 in the BOHNTLTAL

Isaiah 59 in the BOICB

Isaiah 59 in the BOILNTAP

Isaiah 59 in the BOITCV

Isaiah 59 in the BOKCV

Isaiah 59 in the BOKCV2

Isaiah 59 in the BOKHWOG

Isaiah 59 in the BOKSSV

Isaiah 59 in the BOLCB

Isaiah 59 in the BOLCB2

Isaiah 59 in the BOMCV

Isaiah 59 in the BONAV

Isaiah 59 in the BONCB

Isaiah 59 in the BONLT

Isaiah 59 in the BONUT2

Isaiah 59 in the BOPLNT

Isaiah 59 in the BOSNC

Isaiah 59 in the BOTLNT

Isaiah 59 in the BOVCB

Isaiah 59 in the BOYCB

Isaiah 59 in the BPBB

Isaiah 59 in the BPH

Isaiah 59 in the BSB

Isaiah 59 in the CCB

Isaiah 59 in the CUV

Isaiah 59 in the CUVS

Isaiah 59 in the DBT

Isaiah 59 in the DGDNT

Isaiah 59 in the DHNT

Isaiah 59 in the DNT

Isaiah 59 in the ELBE

Isaiah 59 in the EMTV

Isaiah 59 in the ESV

Isaiah 59 in the FBV

Isaiah 59 in the FEB

Isaiah 59 in the GGMNT

Isaiah 59 in the GNT

Isaiah 59 in the HARY

Isaiah 59 in the HNT

Isaiah 59 in the IRVA

Isaiah 59 in the IRVB

Isaiah 59 in the IRVG

Isaiah 59 in the IRVH

Isaiah 59 in the IRVK

Isaiah 59 in the IRVM

Isaiah 59 in the IRVM2

Isaiah 59 in the IRVO

Isaiah 59 in the IRVP

Isaiah 59 in the IRVT

Isaiah 59 in the IRVT2

Isaiah 59 in the IRVU

Isaiah 59 in the ISVN

Isaiah 59 in the JSNT

Isaiah 59 in the KAPI

Isaiah 59 in the KBT1ETNIK

Isaiah 59 in the KBV

Isaiah 59 in the KJV

Isaiah 59 in the KNFD

Isaiah 59 in the LBA

Isaiah 59 in the LBLA

Isaiah 59 in the LNT

Isaiah 59 in the LSV

Isaiah 59 in the MAAL

Isaiah 59 in the MBV

Isaiah 59 in the MBV2

Isaiah 59 in the MHNT

Isaiah 59 in the MKNFD

Isaiah 59 in the MNG

Isaiah 59 in the MNT

Isaiah 59 in the MNT2

Isaiah 59 in the MRS1T

Isaiah 59 in the NAA

Isaiah 59 in the NASB

Isaiah 59 in the NBLA

Isaiah 59 in the NBS

Isaiah 59 in the NBVTP

Isaiah 59 in the NET2

Isaiah 59 in the NIV11

Isaiah 59 in the NNT

Isaiah 59 in the NNT2

Isaiah 59 in the NNT3

Isaiah 59 in the PDDPT

Isaiah 59 in the PFNT

Isaiah 59 in the RMNT

Isaiah 59 in the SBIAS

Isaiah 59 in the SBIBS

Isaiah 59 in the SBIBS2

Isaiah 59 in the SBICS

Isaiah 59 in the SBIDS

Isaiah 59 in the SBIGS

Isaiah 59 in the SBIHS

Isaiah 59 in the SBIIS

Isaiah 59 in the SBIIS2

Isaiah 59 in the SBIIS3

Isaiah 59 in the SBIKS

Isaiah 59 in the SBIKS2

Isaiah 59 in the SBIMS

Isaiah 59 in the SBIOS

Isaiah 59 in the SBIPS

Isaiah 59 in the SBISS

Isaiah 59 in the SBITS

Isaiah 59 in the SBITS2

Isaiah 59 in the SBITS3

Isaiah 59 in the SBITS4

Isaiah 59 in the SBIUS

Isaiah 59 in the SBIVS

Isaiah 59 in the SBT

Isaiah 59 in the SBT1E

Isaiah 59 in the SCHL

Isaiah 59 in the SNT

Isaiah 59 in the SUSU

Isaiah 59 in the SUSU2

Isaiah 59 in the SYNO

Isaiah 59 in the TBIAOTANT

Isaiah 59 in the TBT1E

Isaiah 59 in the TBT1E2

Isaiah 59 in the TFTIP

Isaiah 59 in the TFTU

Isaiah 59 in the TGNTATF3T

Isaiah 59 in the THAI

Isaiah 59 in the TNFD

Isaiah 59 in the TNT

Isaiah 59 in the TNTIK

Isaiah 59 in the TNTIL

Isaiah 59 in the TNTIN

Isaiah 59 in the TNTIP

Isaiah 59 in the TNTIZ

Isaiah 59 in the TOMA

Isaiah 59 in the TTENT

Isaiah 59 in the UBG

Isaiah 59 in the UGV

Isaiah 59 in the UGV2

Isaiah 59 in the UGV3

Isaiah 59 in the VBL

Isaiah 59 in the VDCC

Isaiah 59 in the YALU

Isaiah 59 in the YAPE

Isaiah 59 in the YBVTP

Isaiah 59 in the ZBP