Jeremiah 10 (BOSCB)

1 Inzwai zvinoreva Jehovha kwamuri, imi imba yaIsraeri. 2 Zvanzi naJehovha:“Regai kudzidza tsika dzendudzikana kuvhundutswa nezviratidzo zviri kudengakunyange hazvo ndudzi dzichivhundutswa nazvo. 3 Nokuti tsika dzavanhu hadzina maturo;vanotema muti musango,muvezi ouveza nembezo. 4 Vanoushongedza nesirivha negoridhe;vanourovera nenyundo nezvipikirikuti urege kuzungunuka. 5 Sedukununu kumucheto womunda wamavise,zvifananidzo zvavo hazvigoni kutaura;zvinofanira kutotakurwa nokuti hazvigoni kufamba.Musazvitya; hazvigoni kukukuvadzai,uye hazvina nebasa rose.” 6 Hakuna akafanana nemi, imi Jehovha;muri mukuru,uye zita renyu iguru pasimba. 7 Ndianiko angarega kukutyai,imi Mambo wendudzi?Izvi ndizvo zvakakufanirai.Pakati pavakachenjera vose vendudzi nomuushe hwavo hwose,hakuna akafanana nemi. 8 Vose havana njere uye mapenzi;vanodzidziswa nezvifananidzo zvamatanda zvisingabatsiri. 9 Sirivha yakapfurwa inotorwa kubva kuTashishinegoridhe richibva kuUfazi.Zvakaitwa nemhizha uye nomupfuri wegoridhe,zvopfekedzwa zvino nguo dzomucheka webhuruu nowepepuru,zvose zvinoitwa navabati vano umhizha. 10 Asi Jehovha ndiye Mwari wechokwadi; ndiye Mwari mupenyu,mambo wokusingaperi.Kana iye atsamwa, nyika inodedera;ndudzi hadzigoni kumira pamberi pehasha dzake. 11 “Muvaudze kuti, ‘Vamwari ava, vasina kuita matenga nenyika, vachaparara panyika nepasi pamatenga.’ ” 12 Asi Mwari akaita nyika nesimba rake,akateya nyika nouchenjeri hwake,uye akatambanudza matenga nokunzwisisa kwake. 13 Paanotinhira, mvura zhinji iri mumatenga inoita mubvumo;anoita kuti makore asimuke kubva kumigumo yenyika.Anotuma mheni pamwe nemvura,uye anouyisa mhepo kubva mumatura ake. 14 Mumwe nomumwe haafungi uye haana zivo;mupfuri mumwe nomumwe wegoridhe anonyadziswa nezvifananidzo zvake.Zvifananidzo zvake ndezvenhema;hazvina mweya mazviri. 15 Hazvina maturo, zvinhu zvokutuka;kutongwa kwazvo pakunosvika, zvose zvichaparara. 16 Iye anenge ari mugove waJakobho haana kufanana nazvo,nokuti ndiye Muiti wezvinhu zvose,kusanganisa naIsraeri, rudzi rwenhaka yake,Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake. 17 Unganidzai nhumbi dzenyu mubve munyika,imi makakombwa. 18 Nokuti zvanzi naJehovha:“Panguva ino ndichapotsera kureavo vanogara munyika ino;Ndichauyisa nhamopamusoro pavo kuti vagotapwa.” 19 Ndine nhamo nokuda kwokukuvara kwangu!Ronda rangu harirapiki! Asi ndakati,“Uku kurwara ndokwangu,uye ndinofanira kukutakura.” 20 Tende rangu raparadzwa;mabote aro ose adamburwa.Vanakomana vangu vabva kwandiri uye havachipozve;hakuna asara zvino kuti amise tende rangukana kumisa dumba rangu. 21 Vafudzi havana njere,uye havabvunzi Jehovha;saka havabudiririuye makwai avo ose apararira. 22 Inzwai! Chiziviso chiri kuuya,bope guru richabva kunyika yokumusoro!Richaita kuti maguta eJudha aparare,agarwe namakava. 23 Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti upenyu hwomunhu hahusi hwake;hazvizi kumunhu kuti aruramise nzira dzake. 24 Ndirangei, Jehovha, asi chete nokururamisira,kwete mukutsamwa kwenyu,kuti murege kundiparadza zvachose. 25 Dururirai kutsamwa kwenyu pamusoro pendudzidzisingakurangarirei,pamusoro pavanhu vasingadani kuzita renyu.Nokuti vakadya Jakobho;vakamudya zvachose,uye vakaparadza nyika yake.

In Other Versions

Jeremiah 10 in the ANGEFD

Jeremiah 10 in the ANTPNG2D

Jeremiah 10 in the AS21

Jeremiah 10 in the BAGH

Jeremiah 10 in the BBPNG

Jeremiah 10 in the BBT1E

Jeremiah 10 in the BDS

Jeremiah 10 in the BEV

Jeremiah 10 in the BHAD

Jeremiah 10 in the BIB

Jeremiah 10 in the BLPT

Jeremiah 10 in the BNT

Jeremiah 10 in the BNTABOOT

Jeremiah 10 in the BNTLV

Jeremiah 10 in the BOATCB

Jeremiah 10 in the BOATCB2

Jeremiah 10 in the BOBCV

Jeremiah 10 in the BOCNT

Jeremiah 10 in the BOECS

Jeremiah 10 in the BOGWICC

Jeremiah 10 in the BOHCB

Jeremiah 10 in the BOHCV

Jeremiah 10 in the BOHLNT

Jeremiah 10 in the BOHNTLTAL

Jeremiah 10 in the BOICB

Jeremiah 10 in the BOILNTAP

Jeremiah 10 in the BOITCV

Jeremiah 10 in the BOKCV

Jeremiah 10 in the BOKCV2

Jeremiah 10 in the BOKHWOG

Jeremiah 10 in the BOKSSV

Jeremiah 10 in the BOLCB

Jeremiah 10 in the BOLCB2

Jeremiah 10 in the BOMCV

Jeremiah 10 in the BONAV

Jeremiah 10 in the BONCB

Jeremiah 10 in the BONLT

Jeremiah 10 in the BONUT2

Jeremiah 10 in the BOPLNT

Jeremiah 10 in the BOSNC

Jeremiah 10 in the BOTLNT

Jeremiah 10 in the BOVCB

Jeremiah 10 in the BOYCB

Jeremiah 10 in the BPBB

Jeremiah 10 in the BPH

Jeremiah 10 in the BSB

Jeremiah 10 in the CCB

Jeremiah 10 in the CUV

Jeremiah 10 in the CUVS

Jeremiah 10 in the DBT

Jeremiah 10 in the DGDNT

Jeremiah 10 in the DHNT

Jeremiah 10 in the DNT

Jeremiah 10 in the ELBE

Jeremiah 10 in the EMTV

Jeremiah 10 in the ESV

Jeremiah 10 in the FBV

Jeremiah 10 in the FEB

Jeremiah 10 in the GGMNT

Jeremiah 10 in the GNT

Jeremiah 10 in the HARY

Jeremiah 10 in the HNT

Jeremiah 10 in the IRVA

Jeremiah 10 in the IRVB

Jeremiah 10 in the IRVG

Jeremiah 10 in the IRVH

Jeremiah 10 in the IRVK

Jeremiah 10 in the IRVM

Jeremiah 10 in the IRVM2

Jeremiah 10 in the IRVO

Jeremiah 10 in the IRVP

Jeremiah 10 in the IRVT

Jeremiah 10 in the IRVT2

Jeremiah 10 in the IRVU

Jeremiah 10 in the ISVN

Jeremiah 10 in the JSNT

Jeremiah 10 in the KAPI

Jeremiah 10 in the KBT1ETNIK

Jeremiah 10 in the KBV

Jeremiah 10 in the KJV

Jeremiah 10 in the KNFD

Jeremiah 10 in the LBA

Jeremiah 10 in the LBLA

Jeremiah 10 in the LNT

Jeremiah 10 in the LSV

Jeremiah 10 in the MAAL

Jeremiah 10 in the MBV

Jeremiah 10 in the MBV2

Jeremiah 10 in the MHNT

Jeremiah 10 in the MKNFD

Jeremiah 10 in the MNG

Jeremiah 10 in the MNT

Jeremiah 10 in the MNT2

Jeremiah 10 in the MRS1T

Jeremiah 10 in the NAA

Jeremiah 10 in the NASB

Jeremiah 10 in the NBLA

Jeremiah 10 in the NBS

Jeremiah 10 in the NBVTP

Jeremiah 10 in the NET2

Jeremiah 10 in the NIV11

Jeremiah 10 in the NNT

Jeremiah 10 in the NNT2

Jeremiah 10 in the NNT3

Jeremiah 10 in the PDDPT

Jeremiah 10 in the PFNT

Jeremiah 10 in the RMNT

Jeremiah 10 in the SBIAS

Jeremiah 10 in the SBIBS

Jeremiah 10 in the SBIBS2

Jeremiah 10 in the SBICS

Jeremiah 10 in the SBIDS

Jeremiah 10 in the SBIGS

Jeremiah 10 in the SBIHS

Jeremiah 10 in the SBIIS

Jeremiah 10 in the SBIIS2

Jeremiah 10 in the SBIIS3

Jeremiah 10 in the SBIKS

Jeremiah 10 in the SBIKS2

Jeremiah 10 in the SBIMS

Jeremiah 10 in the SBIOS

Jeremiah 10 in the SBIPS

Jeremiah 10 in the SBISS

Jeremiah 10 in the SBITS

Jeremiah 10 in the SBITS2

Jeremiah 10 in the SBITS3

Jeremiah 10 in the SBITS4

Jeremiah 10 in the SBIUS

Jeremiah 10 in the SBIVS

Jeremiah 10 in the SBT

Jeremiah 10 in the SBT1E

Jeremiah 10 in the SCHL

Jeremiah 10 in the SNT

Jeremiah 10 in the SUSU

Jeremiah 10 in the SUSU2

Jeremiah 10 in the SYNO

Jeremiah 10 in the TBIAOTANT

Jeremiah 10 in the TBT1E

Jeremiah 10 in the TBT1E2

Jeremiah 10 in the TFTIP

Jeremiah 10 in the TFTU

Jeremiah 10 in the TGNTATF3T

Jeremiah 10 in the THAI

Jeremiah 10 in the TNFD

Jeremiah 10 in the TNT

Jeremiah 10 in the TNTIK

Jeremiah 10 in the TNTIL

Jeremiah 10 in the TNTIN

Jeremiah 10 in the TNTIP

Jeremiah 10 in the TNTIZ

Jeremiah 10 in the TOMA

Jeremiah 10 in the TTENT

Jeremiah 10 in the UBG

Jeremiah 10 in the UGV

Jeremiah 10 in the UGV2

Jeremiah 10 in the UGV3

Jeremiah 10 in the VBL

Jeremiah 10 in the VDCC

Jeremiah 10 in the YALU

Jeremiah 10 in the YAPE

Jeremiah 10 in the YBVTP

Jeremiah 10 in the ZBP