Jeremiah 3 (BOSCB)

1 “Kana murume akaramba mukadzi wake,iye akamusiya hake akandowanikwa nomumwe murume,murume uyu angadzokerazve kwaari here?Ko, nyika haingasvibiswi here?Asi iwe wakararama sechifeve navadiwa vazhinji,zvino ungadzokera kwandiri here?”ndizvo zvinotaura Jehovha. 2 “Tarira kunzvimbo dzakakwirira dzisina miti uone.Iripo here nzvimbo yausina kumboitira ufeve?Mujinga menzira wakagaramo wakamirira zvikomba,wakagara kunge vanhu vouragu vari murenje.Wakasvibisa nyika noufeve hwakouye nezvakaipa zvako. 3 Naizvozvo wakanyimwa mvura inopfunha,uye nemvura yomuchirimo haina kunaya. 4 Ko, handiti uchangobva pakundidana here uchiti,‘Baba vangu, shamwari yangu kubva pauduku hwangu, 5 muchagara makatsamwa here?Kutsamwa kwenyu kucharamba kuripo nokusingaperi here?’Aya ndiwo matauriro ako,asi unoita zvakaipa zvose zvaunogona kuita.” 6 Panguva yokutonga kwaMambo Josia, Jehovha akati kwandiri, “Waona here zvaitwa naIsraeri wokusatendeka? Ari kuenda pamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira nepasi pemiti yose yakapfumvutira achindoita ufevepo. 7 Ndakafunga kuti mushure mokuita kwake izvi zvose, achadzokera kwandiri asi iye haana, uye mununʼuna wake Judha wokusatendeka akazviona. 8 Ndakapa Israeri wokusatendeka tsamba yokurambana ndikamudzinga nokuda kwoufeve hwake. Kunyange zvakadaro ndakaona kuti Judha mununʼuna wake wokusatenda haatyi; naiyewo akabuda akandoita ufeve. 9 Nokuti ufeve hwaIsraeri hahuna zvahwakareva kwaari, akasvibisa nyika nokufeva namabwe namatanda. 10 Kunyange izvi zvakadaro, mununʼuna wake Judha wokusatendeka haana kudzokera kwandiri nomwoyo wake wose, asi kunyengera chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha. 11 Jehovha akati kwandiri, “Israeri wokusatenda akarurama kukunda Judha wokusatendeka. 12 Enda undoparidza shoko iri kurutivi rwokumusoro uchiti,“ ‘Dzokai imi Israeri vokusatenda,’ ndizvo zvinotaura Jehovha,‘Handichazorambi ndakafinyamisa chiso changu kwamuri,nokuti ndizere nengoni,’ ndizvo zvinotaura Jehovha,‘handingarambi ndakatsamwa nokusingaperi. 13 Imi zivai mhosva yenyu chete,kuti makamukira Jehovha Mwari wenyu,mukafadza vamwarivavatorwa muri pasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira,uye hamuna kunditeerera,’ ”ndizvo zvinotaura Jehovha. 14 “Dzokai, imi vanhu vokusatenda,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndini murume wenyu. Ndichakusarudzai, ndichatora mumwe chete kubva kune rimwe guta, uye vaviri kubva kuno rumwe rudzi, ndigokuuyisai kuZioni. 15 Ipapo ndichakupai vafudzi vanofadza mwoyo wangu, ivo vachakutungamirirai noruzivo nokunzwisisa. 16 Mumazuva iwayo, pamunenge mawanda zvikuru munyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vanhu havangazoti, ‘Areka yesungano yaJehovha.’ Hazvingazopindi mundangariro dzavo kana kurangarirwa; havazoishuvi, havangagadziri imwezve. 17 Panguva iyoyo vachatumidza Jerusarema kuti Chigaro choUshe chaJehovha, uye ndudzi dzose dzichaungana muJerusarema kuzokudza zita raJehovha. Havachazoteverizve kusindimara kwemwoyo yavo yakaipa. 18 Mumazuva iwayo imba yaJudha ichabatana neimba yaIsraeri, uye vose pamwe chete vachauya vachibva kunyika yokumusoro vachienda kunyika yandakapa madzibaba enyu kuti ive nhaka. 19 “Ini pachangu ndakati,“ ‘Ndichafara sei pakukubatai savanakomana vanguuye ndichikupai nyika inoyevedza,iyo nhaka yakaisvonaka yorudzi rupi zvarwo.’Ndakafunga kuti muchanditi ‘Baba’mukasazotsauka pakunditevera. 20 Asi sezvinoita mukadzi asina kutendeka kumurume wake,saizvozvo makanga musina kutendeka kwandiri, imi imba yaIsraeri,”ndizvo zvinotaura Jehovha. 21 Kuchema kunonzwika panzvimbo dzakakwirira dzisina miti,iko kuchema nokuteterera kwavanhu veIsraeri,nokuti vakaminamisa nzira dzavouye vakakanganwa Jehovha Mwari wavo. 22 “Dzokai, imi vanhu vokusatenda;ndichakurapai pakudzokera kwenyu shure.” “Hongu, tichauya kwamuri,nokuti imi muri Jehovha Mwari wedu. 23 Zvirokwazvo mheremhere youfeve iri pazvikomo,napamakomo unyengeri;zvirokwazvo muna Jehovha Mwari wedundimo mune ruponeso rwaIsraeri. 24 Kubva pauduku hwedu nyadzi dzakadyazvibereko zvamabasa amadzibaba edu,makwai avo, nemombe dzavo,vanakomana navanasikana vavo. 25 Ngativatei pasi munyadzi dzedu,uye kunyara kwedu ngakutifukidze.Takatadzira Jehovha Mwari wedu,isu tose namadzibaba edu;kubva pauduku hwedu kusvikira nhasihatina kuteerera Jehovha Mwari wedu.”

In Other Versions

Jeremiah 3 in the ANGEFD

Jeremiah 3 in the ANTPNG2D

Jeremiah 3 in the AS21

Jeremiah 3 in the BAGH

Jeremiah 3 in the BBPNG

Jeremiah 3 in the BBT1E

Jeremiah 3 in the BDS

Jeremiah 3 in the BEV

Jeremiah 3 in the BHAD

Jeremiah 3 in the BIB

Jeremiah 3 in the BLPT

Jeremiah 3 in the BNT

Jeremiah 3 in the BNTABOOT

Jeremiah 3 in the BNTLV

Jeremiah 3 in the BOATCB

Jeremiah 3 in the BOATCB2

Jeremiah 3 in the BOBCV

Jeremiah 3 in the BOCNT

Jeremiah 3 in the BOECS

Jeremiah 3 in the BOGWICC

Jeremiah 3 in the BOHCB

Jeremiah 3 in the BOHCV

Jeremiah 3 in the BOHLNT

Jeremiah 3 in the BOHNTLTAL

Jeremiah 3 in the BOICB

Jeremiah 3 in the BOILNTAP

Jeremiah 3 in the BOITCV

Jeremiah 3 in the BOKCV

Jeremiah 3 in the BOKCV2

Jeremiah 3 in the BOKHWOG

Jeremiah 3 in the BOKSSV

Jeremiah 3 in the BOLCB

Jeremiah 3 in the BOLCB2

Jeremiah 3 in the BOMCV

Jeremiah 3 in the BONAV

Jeremiah 3 in the BONCB

Jeremiah 3 in the BONLT

Jeremiah 3 in the BONUT2

Jeremiah 3 in the BOPLNT

Jeremiah 3 in the BOSNC

Jeremiah 3 in the BOTLNT

Jeremiah 3 in the BOVCB

Jeremiah 3 in the BOYCB

Jeremiah 3 in the BPBB

Jeremiah 3 in the BPH

Jeremiah 3 in the BSB

Jeremiah 3 in the CCB

Jeremiah 3 in the CUV

Jeremiah 3 in the CUVS

Jeremiah 3 in the DBT

Jeremiah 3 in the DGDNT

Jeremiah 3 in the DHNT

Jeremiah 3 in the DNT

Jeremiah 3 in the ELBE

Jeremiah 3 in the EMTV

Jeremiah 3 in the ESV

Jeremiah 3 in the FBV

Jeremiah 3 in the FEB

Jeremiah 3 in the GGMNT

Jeremiah 3 in the GNT

Jeremiah 3 in the HARY

Jeremiah 3 in the HNT

Jeremiah 3 in the IRVA

Jeremiah 3 in the IRVB

Jeremiah 3 in the IRVG

Jeremiah 3 in the IRVH

Jeremiah 3 in the IRVK

Jeremiah 3 in the IRVM

Jeremiah 3 in the IRVM2

Jeremiah 3 in the IRVO

Jeremiah 3 in the IRVP

Jeremiah 3 in the IRVT

Jeremiah 3 in the IRVT2

Jeremiah 3 in the IRVU

Jeremiah 3 in the ISVN

Jeremiah 3 in the JSNT

Jeremiah 3 in the KAPI

Jeremiah 3 in the KBT1ETNIK

Jeremiah 3 in the KBV

Jeremiah 3 in the KJV

Jeremiah 3 in the KNFD

Jeremiah 3 in the LBA

Jeremiah 3 in the LBLA

Jeremiah 3 in the LNT

Jeremiah 3 in the LSV

Jeremiah 3 in the MAAL

Jeremiah 3 in the MBV

Jeremiah 3 in the MBV2

Jeremiah 3 in the MHNT

Jeremiah 3 in the MKNFD

Jeremiah 3 in the MNG

Jeremiah 3 in the MNT

Jeremiah 3 in the MNT2

Jeremiah 3 in the MRS1T

Jeremiah 3 in the NAA

Jeremiah 3 in the NASB

Jeremiah 3 in the NBLA

Jeremiah 3 in the NBS

Jeremiah 3 in the NBVTP

Jeremiah 3 in the NET2

Jeremiah 3 in the NIV11

Jeremiah 3 in the NNT

Jeremiah 3 in the NNT2

Jeremiah 3 in the NNT3

Jeremiah 3 in the PDDPT

Jeremiah 3 in the PFNT

Jeremiah 3 in the RMNT

Jeremiah 3 in the SBIAS

Jeremiah 3 in the SBIBS

Jeremiah 3 in the SBIBS2

Jeremiah 3 in the SBICS

Jeremiah 3 in the SBIDS

Jeremiah 3 in the SBIGS

Jeremiah 3 in the SBIHS

Jeremiah 3 in the SBIIS

Jeremiah 3 in the SBIIS2

Jeremiah 3 in the SBIIS3

Jeremiah 3 in the SBIKS

Jeremiah 3 in the SBIKS2

Jeremiah 3 in the SBIMS

Jeremiah 3 in the SBIOS

Jeremiah 3 in the SBIPS

Jeremiah 3 in the SBISS

Jeremiah 3 in the SBITS

Jeremiah 3 in the SBITS2

Jeremiah 3 in the SBITS3

Jeremiah 3 in the SBITS4

Jeremiah 3 in the SBIUS

Jeremiah 3 in the SBIVS

Jeremiah 3 in the SBT

Jeremiah 3 in the SBT1E

Jeremiah 3 in the SCHL

Jeremiah 3 in the SNT

Jeremiah 3 in the SUSU

Jeremiah 3 in the SUSU2

Jeremiah 3 in the SYNO

Jeremiah 3 in the TBIAOTANT

Jeremiah 3 in the TBT1E

Jeremiah 3 in the TBT1E2

Jeremiah 3 in the TFTIP

Jeremiah 3 in the TFTU

Jeremiah 3 in the TGNTATF3T

Jeremiah 3 in the THAI

Jeremiah 3 in the TNFD

Jeremiah 3 in the TNT

Jeremiah 3 in the TNTIK

Jeremiah 3 in the TNTIL

Jeremiah 3 in the TNTIN

Jeremiah 3 in the TNTIP

Jeremiah 3 in the TNTIZ

Jeremiah 3 in the TOMA

Jeremiah 3 in the TTENT

Jeremiah 3 in the UBG

Jeremiah 3 in the UGV

Jeremiah 3 in the UGV2

Jeremiah 3 in the UGV3

Jeremiah 3 in the VBL

Jeremiah 3 in the VDCC

Jeremiah 3 in the YALU

Jeremiah 3 in the YAPE

Jeremiah 3 in the YBVTP

Jeremiah 3 in the ZBP