Jeremiah 31 (BOSCB)

1 “Panguva iyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichava Mwari wamarudzi ose aIsraeri, naivo vachava vanhu vangu.” 2 Zvanzi naJehovha:“Vanhu vakapunyuka pamunondovachawana nyasha mugwenga;ndichauya kuzopa zororo kuna Israeri.” 3 Jehovha akazviratidza kwatiri kare, achiti:“Ndakakudai norudo rusingaperi;ndakakukwevai nokunaka kworudo rwangu. 4 Ndichakuvakazve,ipapo uchavakwa, iwe Mhandara Israeri.Uchatorazve matambureni akougoenda kundotamba navanofara. 5 Zvakare, muchasima minda yemizambiringapamusoro pezvikomo zveSamaria;varimi vachaisima,vagofadzwa nezvibereko zvayo. 6 Pachava nezuva richadanidzira nhaririredziri pamusoro pezvikomo zveEfuremu, dzichiti,‘Uyai, ngatikwidzei kuZioni,kuna Jehovha Mwari wedu.’ ” 7 Zvanzi naJehovha:“Imbirai Jakobho nomufaro;pururudzirai mukuru wendudzi.Paridzai, rumbidzai, muchiti,‘Haiwa Jehovha, ponesai vanhu venyu,ivo vakasara vaIsraeri.’ 8 Tarirai, ndichavauyisa vachibva kunyika yokumusoro,uye ndigovaunganidza kubva kumigumo yenyika.Pakati pavo pachava namapofu nezvirema,navanamai vane pamuviri navakadzi vanorwadziwa;boka guru richadzoka kuno. 9 Vachauya vachichema;vachanyengetera pandinenge ndichivadzosa.Ndichavafambisa nepahova dzemvura,napanzira yakati chechetere yavasingagumburwi,nokuti ndiri baba vaIsraeri,uye Efuremu ndiye dangwe rangu. 10 “Inzwai shoko raJehovha imi ndudzi dzose;muriparidze kuzviwi zviri kure muchiti:‘Iye akaparadzira Israeri ndiye achavaunganidza,uye achavachengeta somufudzi anochengeta boka ramakwai ake.’ 11 Nokuti Jehovha achasunungura Jakobho,uye agovadzikinura kubva muruoko rwaivo vane simba kupinda ivo. 12 Vachauya vachipembera nomufaro pamusoro peZioni;vachafara nokupa zvakanaka kwaJehovha,nokuda kwezviyo, newaini itsva uye namafuta,makwayana nemombe.Vachafanana nebindu rakanyatsodiridzwa,uye havachazosuwazve. 13 Ipapo varandakadzi vachatamba uye vachafara,majaya navatana vachafarawo.Ndichashandura kuchema kwavo kuti kuve mufaro;ndichavanyaradza uye ndichavapa mufaro pachinzvimbo chokusuwa. 14 Ndichagutsa vaprista nezvakawanda,uye vanhu vangu vachazadzwa nokupa zvakanaka kwangu,”ndizvo zvinotaura Jehovha. 15 Zvanzi naJehovha:“Inzwi rinonzwikwa muRama,rokuungudza nokuchema kukuru,Rakeri achichema vana vakeuye achiramba kunyaradzwa,nokuti vana vake havachipo.” 16 Zvanzi naJehovha:“Dzora inzwi rako pakuchemanameso ako pamisodzi,nokuti basa rako richaripirwa,”ndizvo zvinotaura Jehovha.“Vachadzoka vachibva kunyika yomuvengi. 17 Saka ramangwana rako rine tariro,”ndizvo zvinotaura Jehovha.“Vana vako vachadzokera kunyika yavo.” 18 “Zvirokwazvo ndanzwa kuchema kwaEfuremu achiti:‘Makandirova semhuru isina kupingudzwa,nokudaro ndakarangwa.Ndidzorei, ipapo ndichadzoka,nokuti imi ndimi Jehovha Mwari wangu. 19 Mushure mokutsauka kwangu,ndakatendeuka;ndakati ndanzwisisandakazvirova chipfuva.Ndakanyadziswa uye ndakaninipiswanokuti ndakatakura nyadzi dzouduku hwangu.’ 20 Ko, Efuremu haasi mwanakomana wangu anodikanwa,mwana anondifadza here?Kunyange ndichimupikisa kazhinji,ndinoramba ndichimurangarira.Naizvozvo, mwoyo wangu unomushuva;ndinomunzwira tsitsi kwazvo,”ndizvo zvinotaura Jehovha. 21 “Zvimisirei shongwe dzenzira;misai zvikwangwani.Cherechedzai mugwagwa mukuru,mugwagwa wamunofamba nawo.Dzoka, iwe Mhandara Israeri,dzokera kumaguta ako. 22 Uchadzungaira kusvikira rinhiko,iwe mwanasikana wokusatendeka?Jehovha achasika chinhu chitsva panyika,zvokuti mukadzi achambundikira murume.” 23 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: “Pandichavadzosazve kubva kuutapwa, vanhu vari munyika yeJudha nomumaguta ayo vachataurazve mashoko aya okuti, ‘Jehovha ngaakuropafadze, iwe ugaro hwakarurama, iwe gomo dzvene.’ 24 Vanhu vachagara pamwe chete muJudha nomumaguta ayo ose, varimi navaya vanofamba namapoka avo. 25 Ndichasimbisa vanenge vaneta uye ndichagutsa vanenge vaziya.” 26 Ipapo ndakamuka ndokuringa-ringa. Ndakanga ndarara zvakanaka. 27 “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichasima muimba yaIsraeri nomuimba yaJudha zvibereko zvavanhu nezvibereko zvemhuka. 28 Sezvandakavarindira kuti ndidzure, ndikoromore, uye ndiwisire pasi, ndiparadze, ndiuyise njodzi, saizvozvo ndichavarindira, kuti ndivake uye ndisime,” ndizvo zvinotaura Jehovha. 29 “Mumazuva iwayo vanhu havangazoti,“ ‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava,mazino avana akaita hwadzira.’ 30 Asi, mumwe nomumwe achafa nokuda kwezvakaipa zvake; ani naani anodya mazambiringa anovava, mazino ake achaita hwadzira. 31 “Nguva inouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha,“yandichaita sungano itsvaneimba yaIsraeriuye neimba yaJudha. 32 Haingazofanani nesunganoyandakaita namadzitateguru avo,pandakavabata ruokokuti ndivabudise munyika yeIjipiti,nokuti vakaputsa sungano yangu,kunyange ndakanga ndiri murume kwavari,”ndizvo zvinotaura Jehovha. 33 “Iyi indiyo sungano yandichaita neimba yaIsraerishure kwamazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.“Ndichaisa murayiro wangu mundangariro dzavouye ndigounyora mumwoyo yavo.Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu. 34 Hakuna munhu achadzidzisa muvakidzani wakekana hama yake, achiti, ‘Ziva Jehovha,’nokuti vose vachandiziva,kubva kumuduku wavo kusvikira kumukuru,”ndizvo zvinotaura Jehovha.“Nokuti ndichavakanganwira kuipa kwavo,uye handingarangaririzve zvivi zvavo.” 35 Zvanzi naJehovha,iye anogadza zuvakuti rivhenekere masikati,anoisa chirevo kumwedzi nenyeredzikuti zvivhenekere usiku,iye anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire,Jehovha Wamasimba Ose, ndiro zita rake: 36 “Kana chete mitemo iyi ikabva pamberi pangu,”ndizvo zvinotaura Jehovha,“ndiko kuti zvizvarwa zvaIsraeri zvigumekuva rudzi pamberi pangu.” 37 Zvanzi naJehovha:“Kana chete matenga ari kumusoro akagona kuyerwa,uye nheyo dzenyika dziri pasi dzikagona kunzverwa,ipapo ndipo pandingarambe zvizvarwa zvaIsraerinokuda kwezvose zvavakaita,”ndizvo zvinotaura Jehovha. 38 “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichavakirazve guta kubva paShongwe yeHananeri kusvikira paSuo reKona. 39 Rwodzi rwokuyera ruchatandavara kubva ipapo kusvikira kuchikomo cheGarebhi ndokudzoka ruchisvika kuGoa. 40 Mupata wose unorasirwa zvitunha namadota, neminda yose kusvikira kuMupata weKidhironi kumabvazuva kusvikira kukona reSuo raMabhiza, zvichava zvitsvene kuna Jehovha. Guta harichazombodzurwi kana kuparadzwazve.”

In Other Versions

Jeremiah 31 in the ANGEFD

Jeremiah 31 in the ANTPNG2D

Jeremiah 31 in the AS21

Jeremiah 31 in the BAGH

Jeremiah 31 in the BBPNG

Jeremiah 31 in the BBT1E

Jeremiah 31 in the BDS

Jeremiah 31 in the BEV

Jeremiah 31 in the BHAD

Jeremiah 31 in the BIB

Jeremiah 31 in the BLPT

Jeremiah 31 in the BNT

Jeremiah 31 in the BNTABOOT

Jeremiah 31 in the BNTLV

Jeremiah 31 in the BOATCB

Jeremiah 31 in the BOATCB2

Jeremiah 31 in the BOBCV

Jeremiah 31 in the BOCNT

Jeremiah 31 in the BOECS

Jeremiah 31 in the BOGWICC

Jeremiah 31 in the BOHCB

Jeremiah 31 in the BOHCV

Jeremiah 31 in the BOHLNT

Jeremiah 31 in the BOHNTLTAL

Jeremiah 31 in the BOICB

Jeremiah 31 in the BOILNTAP

Jeremiah 31 in the BOITCV

Jeremiah 31 in the BOKCV

Jeremiah 31 in the BOKCV2

Jeremiah 31 in the BOKHWOG

Jeremiah 31 in the BOKSSV

Jeremiah 31 in the BOLCB

Jeremiah 31 in the BOLCB2

Jeremiah 31 in the BOMCV

Jeremiah 31 in the BONAV

Jeremiah 31 in the BONCB

Jeremiah 31 in the BONLT

Jeremiah 31 in the BONUT2

Jeremiah 31 in the BOPLNT

Jeremiah 31 in the BOSNC

Jeremiah 31 in the BOTLNT

Jeremiah 31 in the BOVCB

Jeremiah 31 in the BOYCB

Jeremiah 31 in the BPBB

Jeremiah 31 in the BPH

Jeremiah 31 in the BSB

Jeremiah 31 in the CCB

Jeremiah 31 in the CUV

Jeremiah 31 in the CUVS

Jeremiah 31 in the DBT

Jeremiah 31 in the DGDNT

Jeremiah 31 in the DHNT

Jeremiah 31 in the DNT

Jeremiah 31 in the ELBE

Jeremiah 31 in the EMTV

Jeremiah 31 in the ESV

Jeremiah 31 in the FBV

Jeremiah 31 in the FEB

Jeremiah 31 in the GGMNT

Jeremiah 31 in the GNT

Jeremiah 31 in the HARY

Jeremiah 31 in the HNT

Jeremiah 31 in the IRVA

Jeremiah 31 in the IRVB

Jeremiah 31 in the IRVG

Jeremiah 31 in the IRVH

Jeremiah 31 in the IRVK

Jeremiah 31 in the IRVM

Jeremiah 31 in the IRVM2

Jeremiah 31 in the IRVO

Jeremiah 31 in the IRVP

Jeremiah 31 in the IRVT

Jeremiah 31 in the IRVT2

Jeremiah 31 in the IRVU

Jeremiah 31 in the ISVN

Jeremiah 31 in the JSNT

Jeremiah 31 in the KAPI

Jeremiah 31 in the KBT1ETNIK

Jeremiah 31 in the KBV

Jeremiah 31 in the KJV

Jeremiah 31 in the KNFD

Jeremiah 31 in the LBA

Jeremiah 31 in the LBLA

Jeremiah 31 in the LNT

Jeremiah 31 in the LSV

Jeremiah 31 in the MAAL

Jeremiah 31 in the MBV

Jeremiah 31 in the MBV2

Jeremiah 31 in the MHNT

Jeremiah 31 in the MKNFD

Jeremiah 31 in the MNG

Jeremiah 31 in the MNT

Jeremiah 31 in the MNT2

Jeremiah 31 in the MRS1T

Jeremiah 31 in the NAA

Jeremiah 31 in the NASB

Jeremiah 31 in the NBLA

Jeremiah 31 in the NBS

Jeremiah 31 in the NBVTP

Jeremiah 31 in the NET2

Jeremiah 31 in the NIV11

Jeremiah 31 in the NNT

Jeremiah 31 in the NNT2

Jeremiah 31 in the NNT3

Jeremiah 31 in the PDDPT

Jeremiah 31 in the PFNT

Jeremiah 31 in the RMNT

Jeremiah 31 in the SBIAS

Jeremiah 31 in the SBIBS

Jeremiah 31 in the SBIBS2

Jeremiah 31 in the SBICS

Jeremiah 31 in the SBIDS

Jeremiah 31 in the SBIGS

Jeremiah 31 in the SBIHS

Jeremiah 31 in the SBIIS

Jeremiah 31 in the SBIIS2

Jeremiah 31 in the SBIIS3

Jeremiah 31 in the SBIKS

Jeremiah 31 in the SBIKS2

Jeremiah 31 in the SBIMS

Jeremiah 31 in the SBIOS

Jeremiah 31 in the SBIPS

Jeremiah 31 in the SBISS

Jeremiah 31 in the SBITS

Jeremiah 31 in the SBITS2

Jeremiah 31 in the SBITS3

Jeremiah 31 in the SBITS4

Jeremiah 31 in the SBIUS

Jeremiah 31 in the SBIVS

Jeremiah 31 in the SBT

Jeremiah 31 in the SBT1E

Jeremiah 31 in the SCHL

Jeremiah 31 in the SNT

Jeremiah 31 in the SUSU

Jeremiah 31 in the SUSU2

Jeremiah 31 in the SYNO

Jeremiah 31 in the TBIAOTANT

Jeremiah 31 in the TBT1E

Jeremiah 31 in the TBT1E2

Jeremiah 31 in the TFTIP

Jeremiah 31 in the TFTU

Jeremiah 31 in the TGNTATF3T

Jeremiah 31 in the THAI

Jeremiah 31 in the TNFD

Jeremiah 31 in the TNT

Jeremiah 31 in the TNTIK

Jeremiah 31 in the TNTIL

Jeremiah 31 in the TNTIN

Jeremiah 31 in the TNTIP

Jeremiah 31 in the TNTIZ

Jeremiah 31 in the TOMA

Jeremiah 31 in the TTENT

Jeremiah 31 in the UBG

Jeremiah 31 in the UGV

Jeremiah 31 in the UGV2

Jeremiah 31 in the UGV3

Jeremiah 31 in the VBL

Jeremiah 31 in the VDCC

Jeremiah 31 in the YALU

Jeremiah 31 in the YAPE

Jeremiah 31 in the YBVTP

Jeremiah 31 in the ZBP