Jeremiah 50 (BOSCB)

1 Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha kubudikidza nomuprofita Jeremia pamusoro peBhabhironi nenyika yavaBhabhironi: 2 “Zivisai, uye paridzai pakati pendudzi,simudzai mureza uye paridzai;musasiya kana chinhu, asi muti,‘Bhabhironi richakundwa;Bheri richanyadziswa,Merodhaki richazara nokutya.Zvifananidzo zvaro zvichanyadziswauye zvifananidzo zvaro zvichazara nokutya.’ 3 Rudzi runobva kumusoro rucharirwisa,uye ruchaparadza nyika yaro.Hakuna munhu achagaramo;zvose vanhu nezvipfuwo zvichatizira kure. 4 “Mumazuva iwayo, nenguva iyoyo,”ndizvo zvinotaura Jehovha,“vanhu veIsraeri navanhu veJudha pamwe chetevachaenda kundotsvaka Jehovha Mwari wavo vachichema. 5 Vachabvunza nzira inoenda kuZioni,vagotendeutsira zviso zvavo kwairi.Vachauya vagozvisunga kuna Jehovha,nesungano isingaperi isingakanganwiki. 6 “Vanhu vangu vanga vari makwai akarasika;vafudzi vavo vakavatsausa,uye vakavaita kuti vadzungaire pamusoro pamakomo.Vakadzungaira pamusoro pamakomo nezvikomo,ndokukanganwa nzvimbo yavo yokuzorora. 7 Ani naani akavawana akavadya;vavengi vavo vakati, ‘Isu hatina mhosva,nokuti vakatadzira Jehovha, iye mafuro avo echokwadi,iye Jehovha, tariro yamadzibaba avo.’ 8 “Tizai mubude muBhabhironi;siyai nyika yavaBhabhironi,mugoita sembudzi inotungamirira makwai. 9 Nokuti ndichamutsa Bhabhironiuye ndichaisa pamusoro paro ndudzi huru dzakabatana dzinobva kumusoro.Vachazvigadzirira kurwa naro,uye richakundwa kubva nechokumusoro.Miseve yavo ichava semhare pakurwa,dzisingadzoki dzisina chadzakabata. 10 Naizvozvo Bhabhironi richapambwa;vose vanoripamba vachawana mugove wavo,”ndizvo zvinotaura Jehovha. 11 “Nokuda kwokuti munofara nokufarisisa,iyemi munopamba nhaka yangu,nokuti munokwakuka setsiru rinopura zviyo,muchirira samabhiza, 12 mai venyu vachanyadziswa kwazvo;ivo vakakuberekai vachanyadziswa.Vachava mudiki pandudzi, renje,nenyika yakaoma, uye gwenga. 13 Nokuda kwokutsamwa kwaJehovha hamungagarwi,asi richava dongo chose.Vose vanopfuura pedyo neBhabhironi vachatyiswa,uye vacharidza muridzo nokuda kwamavanga ake ose. 14 “Mirai panzvimbo dzenyu makakomba Bhabhironi,imi mose munowembura uta.Ripfurei! Musasiye kana museve nokuti rakatadzira Jehovha. 15 Pururudzai pamusoro pake kumativi ose!Rakanda mapfumo pasi, shongwe dzaro dzawa,masvingo aro akoromoka.Sezvo kuri kutsiva kwaJehovha,tsivai pariri; riitirei sezvarakaitira vamwe. 16 Bvisai mudyari muBhabhironi,nomucheki nejeko rake pakukohwa.Nokuda kwomunondo womumanikidzimumwe nomumwe ngaadzokere kuvanhu vake,mumwe nomumwe ngaatizire kunyika yake. 17 “Israeri makwai akaparariraakadzingirwa kure neshumba.Akatanga kumudyaakanga ari mambo weAsiria;akapedzisira kupwanya mapfupa akendiNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.” 18 Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri:“Ndicharanga mambo weBhabhironi nenyika yake,sokuranga kwandakaita mambo weAsiria. 19 Asi ndichadzosera Israeri kumafuro ake,uye achafura paKarimeri nepaBhashani;achadya akagutapazvikomo zveEfuremu neGireadhi. 20 Mumazuva iwayo, panguva iyoyo,”ndizvo zvinotaura Jehovha,“mhaka yaIsraeri ichatsvakwa,asi pachange pasina mhosva,uye zvivi zveJudha zvichatsvakwa,asi hapana chichawanikwa,nokuti ndichakanganwira vakasara vandakasiya. 21 “Rwisai nyika yeMarataimineavo vagere muPekodhi.Dzingirirai, urayai uye muvaparadze zvachose,”ndizvo zvinotaura Jehovha.“Muite zvose zvandakurayirai. 22 Mheremhere yehondo iri munyika,mheremhere yokuparadza kukuru! 23 Yavhunika nokupwanyikaseiko nyundo yenyika yose!Bhabhironi rava dongoseiko pakati pendudzi! 24 Ndakakuisira musungo, iwe Bhabhironi,uye wakabatwa usati wazviziva;wakawanikwa ukapambwanokuti wakapikisana naJehovha, 25 Jehovha akazarura dura rezvombondokubudisa zvombo zvehasha dzake,nokuti Ishe Jehovha Wamasimba Oseane basa rokuita munyika yavaBhabhironi. 26 Uyai murwe naro muchibva kure.Zarurai matura aro; muriunganidze semirwi yezviyo.Riparadzei zvachose, parege kuva navanosara. 27 Muuraye hondo diki dzaro dzose;ngadziendeswe kundobayiwa! Vane nhamo!Nokuti zuva ravo rasvika,nguva yokurangwa kwavo. 28 Inzwai vanotiza navapoteri vanobva kuBhabhironi,vanoparidza muZionikuti Jehovha Mwari wedu akatsiva sei,kutsivira temberi yake. 29 “Kokerai vapfuri vemiseve varwe neBhabhironi,vose vanowembura uta.Rikombei rose;ngakurege kuva nounopukunyuka.Riripirei nokuda kwamabasa avo;riitireiwo sezvarakaita.Nokuti vakamhura Jehovha,Iye Mutsvene weIsraeri. 30 Naizvozvo majaya aro achawira mumigwagwa;varwi varo vose vachanyarara kuti mwiro pazuva iro,”ndizvo zvinotaura Jehovha. 31 “Tarira, ndinorwa newe, iwe wokuzvikudza,”ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose,“nokuti zuva rako rasvika,nguva yokurangwa kwako. 32 Anozvikudza achagumburwa agowa,uye hapana achamusimudza;ndichatungidza moto mumaguta akeuchapisa vose vakamupoteredza.” 33 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose:“Vanhu veIsraeri vakamanikidzwa,navanhu veJudha vakamanikidzwawo,vapambi vavo vose vakavabata, zvakasimba,vanoramba kuvaregedza kuti vaende. 34 Asi mudzikinuri wavo ane simba;Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.Achavareverera nhaka yavonesimba kuti azorodze nyika yavo,asi achashayisa zororo kuna avo vanogara muBhabhironi. 35 “Munondo pamusoro pavaBhabhironi!”ndizvo zvinotaura Jehovha,“pamusoro peavo vagere muBhabhironi,napamusoro pamachinda aro navakachenjera varo! 36 Munondo pamusoro pavaprofitavaro venhema! Vachava mapenzi.Munondo pamusoro pemhare dzaro!Vachazadzwa nokutya. 37 Munondo pamusoro pamabhiza nengoro dzaro,napamusoro pavatorwa vose vari pazvigaro zvaro!Vachava vakadzi.Munondo pamusoro pepfuma yaro!Ichapambwa. 38 Mvura yaro zhinji ngaipwe!Ichaoma.Nokuti inyika yezvifananidzo,zvifananidzo zvichapenga nokutya. 39 “Saka mhuka dzomugwenga namapere zvichagarako,uye zizi richagara imomo.Haichazogarwizve,uye hapana achagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi. 40 Sokukoromorwa kwakaitwa Sodhomu neGomora naMwaripamwe chete namaguta akavakidzana nawo,”ndizvo zvinotaura Jehovha,“saizvozvo hakuna achagarako;hakuna munhu achagara mairi. 41 “Tarirai! Hondo inobva nechokumusoro;rudzi rukuru namadzimambo mazhinjiari kumutswa kubva kumagumo enyika. 42 Vakapakata uta namapfumo;vano utsinye uye havana tsitsi.Vanotinhira segungwavakatasva mabhiza avo;vanouya vakaita savarume vakagadzirira kurwa,kuti vakurwise, iwe Mwanasikana weBhabhironi. 43 Mambo weBhabhironi akanzwa guhu pamusoro pavo,maoko ake akapera simba.Kutya kwakamubata,kurwadziwa sekwomukadzi wosununguka. 44 Seshumba inouya ichibva mudondo reJorodhaniichienda kumafuro akapfuma,ndichadzinga Bhabhironi kubva munyika yayo pakarepo.Ndianiko akatsaurwa wandichagadza pane izvi?Ndiani akaita seni uye ndiani achamisidzana neni?Uye ndoupi mufudzi angandidzivisa?” 45 Naizvozvo, inzwai zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi,zvaakaronga pamusoro penyika yavaBhabhironi:Makwayana emapoka avo achakwekweredzerwa kure;achaparadza mafuro awo zvachose nokuda kwavo. 46 Pachanzwikwa kutinhira kwokukundwa kweBhabhironi, nyika ichadedera;kuchema kwayo kuchanzwikwa pakati pamarudzi.

In Other Versions

Jeremiah 50 in the ANGEFD

Jeremiah 50 in the ANTPNG2D

Jeremiah 50 in the AS21

Jeremiah 50 in the BAGH

Jeremiah 50 in the BBPNG

Jeremiah 50 in the BBT1E

Jeremiah 50 in the BDS

Jeremiah 50 in the BEV

Jeremiah 50 in the BHAD

Jeremiah 50 in the BIB

Jeremiah 50 in the BLPT

Jeremiah 50 in the BNT

Jeremiah 50 in the BNTABOOT

Jeremiah 50 in the BNTLV

Jeremiah 50 in the BOATCB

Jeremiah 50 in the BOATCB2

Jeremiah 50 in the BOBCV

Jeremiah 50 in the BOCNT

Jeremiah 50 in the BOECS

Jeremiah 50 in the BOGWICC

Jeremiah 50 in the BOHCB

Jeremiah 50 in the BOHCV

Jeremiah 50 in the BOHLNT

Jeremiah 50 in the BOHNTLTAL

Jeremiah 50 in the BOICB

Jeremiah 50 in the BOILNTAP

Jeremiah 50 in the BOITCV

Jeremiah 50 in the BOKCV

Jeremiah 50 in the BOKCV2

Jeremiah 50 in the BOKHWOG

Jeremiah 50 in the BOKSSV

Jeremiah 50 in the BOLCB

Jeremiah 50 in the BOLCB2

Jeremiah 50 in the BOMCV

Jeremiah 50 in the BONAV

Jeremiah 50 in the BONCB

Jeremiah 50 in the BONLT

Jeremiah 50 in the BONUT2

Jeremiah 50 in the BOPLNT

Jeremiah 50 in the BOSNC

Jeremiah 50 in the BOTLNT

Jeremiah 50 in the BOVCB

Jeremiah 50 in the BOYCB

Jeremiah 50 in the BPBB

Jeremiah 50 in the BPH

Jeremiah 50 in the BSB

Jeremiah 50 in the CCB

Jeremiah 50 in the CUV

Jeremiah 50 in the CUVS

Jeremiah 50 in the DBT

Jeremiah 50 in the DGDNT

Jeremiah 50 in the DHNT

Jeremiah 50 in the DNT

Jeremiah 50 in the ELBE

Jeremiah 50 in the EMTV

Jeremiah 50 in the ESV

Jeremiah 50 in the FBV

Jeremiah 50 in the FEB

Jeremiah 50 in the GGMNT

Jeremiah 50 in the GNT

Jeremiah 50 in the HARY

Jeremiah 50 in the HNT

Jeremiah 50 in the IRVA

Jeremiah 50 in the IRVB

Jeremiah 50 in the IRVG

Jeremiah 50 in the IRVH

Jeremiah 50 in the IRVK

Jeremiah 50 in the IRVM

Jeremiah 50 in the IRVM2

Jeremiah 50 in the IRVO

Jeremiah 50 in the IRVP

Jeremiah 50 in the IRVT

Jeremiah 50 in the IRVT2

Jeremiah 50 in the IRVU

Jeremiah 50 in the ISVN

Jeremiah 50 in the JSNT

Jeremiah 50 in the KAPI

Jeremiah 50 in the KBT1ETNIK

Jeremiah 50 in the KBV

Jeremiah 50 in the KJV

Jeremiah 50 in the KNFD

Jeremiah 50 in the LBA

Jeremiah 50 in the LBLA

Jeremiah 50 in the LNT

Jeremiah 50 in the LSV

Jeremiah 50 in the MAAL

Jeremiah 50 in the MBV

Jeremiah 50 in the MBV2

Jeremiah 50 in the MHNT

Jeremiah 50 in the MKNFD

Jeremiah 50 in the MNG

Jeremiah 50 in the MNT

Jeremiah 50 in the MNT2

Jeremiah 50 in the MRS1T

Jeremiah 50 in the NAA

Jeremiah 50 in the NASB

Jeremiah 50 in the NBLA

Jeremiah 50 in the NBS

Jeremiah 50 in the NBVTP

Jeremiah 50 in the NET2

Jeremiah 50 in the NIV11

Jeremiah 50 in the NNT

Jeremiah 50 in the NNT2

Jeremiah 50 in the NNT3

Jeremiah 50 in the PDDPT

Jeremiah 50 in the PFNT

Jeremiah 50 in the RMNT

Jeremiah 50 in the SBIAS

Jeremiah 50 in the SBIBS

Jeremiah 50 in the SBIBS2

Jeremiah 50 in the SBICS

Jeremiah 50 in the SBIDS

Jeremiah 50 in the SBIGS

Jeremiah 50 in the SBIHS

Jeremiah 50 in the SBIIS

Jeremiah 50 in the SBIIS2

Jeremiah 50 in the SBIIS3

Jeremiah 50 in the SBIKS

Jeremiah 50 in the SBIKS2

Jeremiah 50 in the SBIMS

Jeremiah 50 in the SBIOS

Jeremiah 50 in the SBIPS

Jeremiah 50 in the SBISS

Jeremiah 50 in the SBITS

Jeremiah 50 in the SBITS2

Jeremiah 50 in the SBITS3

Jeremiah 50 in the SBITS4

Jeremiah 50 in the SBIUS

Jeremiah 50 in the SBIVS

Jeremiah 50 in the SBT

Jeremiah 50 in the SBT1E

Jeremiah 50 in the SCHL

Jeremiah 50 in the SNT

Jeremiah 50 in the SUSU

Jeremiah 50 in the SUSU2

Jeremiah 50 in the SYNO

Jeremiah 50 in the TBIAOTANT

Jeremiah 50 in the TBT1E

Jeremiah 50 in the TBT1E2

Jeremiah 50 in the TFTIP

Jeremiah 50 in the TFTU

Jeremiah 50 in the TGNTATF3T

Jeremiah 50 in the THAI

Jeremiah 50 in the TNFD

Jeremiah 50 in the TNT

Jeremiah 50 in the TNTIK

Jeremiah 50 in the TNTIL

Jeremiah 50 in the TNTIN

Jeremiah 50 in the TNTIP

Jeremiah 50 in the TNTIZ

Jeremiah 50 in the TOMA

Jeremiah 50 in the TTENT

Jeremiah 50 in the UBG

Jeremiah 50 in the UGV

Jeremiah 50 in the UGV2

Jeremiah 50 in the UGV3

Jeremiah 50 in the VBL

Jeremiah 50 in the VDCC

Jeremiah 50 in the YALU

Jeremiah 50 in the YAPE

Jeremiah 50 in the YBVTP

Jeremiah 50 in the ZBP