John 17 (BOSCB)
1 Jesu akati ataura izvi, akatarira kudenga akanyengetera achiti:“Baba, nguva yasvika. Kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyu akukudzei. 2 Nokuti makamupa simba pamusoro pavanhu vose kuti ape upenyu husingaperi kuna vose vamakamupa. 3 Zvino uhu ndihwo upenyu husingaperi: kuti vakuzivei imi, Mwari oga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma. 4 Ndakauyisa kukudzwa kwamuri panyika nokuti ndakapedza basa ramakandipa kuti ndiite. 5 Zvino, Baba, ndikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako ndinemi nyika isati yavambwa. 6 “Ndakaratidza zita renyu kuna avo vamakandipa panyika. Vakanga vari venyu; mukavapa kwandiri uye vakateerera shoko renyu. 7 Zvino vanoziva kuti zvinhu zvose zvamakandipa zvinobva kwamuri. 8 Nokuti ndakavapa mashoko amakandipa uye vakaagamuchira. Vakaziva zvechokwadi kuti ndakabva kwamuri, uye vakatenda kuti makandituma. 9 Ndinovanyengeterera. Handisi kunyengeterera nyika, asi avo vamakandipa nokuti ndevenyu. 10 Zvose zvandinazvo ndezvenyu, uye zvose zvamunazvo ndezvangu. Uye kukudzwa kwakauya kwandiri kubudikidza navo. 11 Ini handichagarizve munyika, asi ivo vachiri munyika, uye ini ndiri kuuya kwamuri. Baba Vatsvene, vadzivirirei nesimba rezita renyu, zita ramakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe. 12 Pandainge ndiinavo, ndakavadzivirira uye ndikavachengeta zvakanaka nezita ramakandipa. Hakuna akarasika kunze kwouyo akatongerwa kuparadzwa kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe. 13 “Zvino ini ndiri kuuya kwamuri, asi ndiri kutaura zvinhu izvi ndichiri munyika, kuitira kuti vave nomufaro wangu wakazara mukati mavo. 14 Ndakavapa shoko renyu uye nyika yakavavenga, nokuti havachisiri venyika sezvandisiri wenyika. 15 Munyengetero wangu hausi wokuti muvabvise panyika asi kuti muvadzivirire pane akaipa. 16 Havasi venyika, seni ndisiri wenyika. 17 Vaitei vatsvene nechokwadi chenyu; shoko renyu ndiro chokwadi. 18 Sezvamakandituma munyika, neniwo ndakavatuma munyika. 19 Nokuda kwavo ndinozviita mutsvene, kuti naivowo vaitwe vatsvene muzvokwadi. 20 “Munyengetero wangu hausi waava voga. Ndinonyengetererawo avo vachazotenda kwandiri kubudikidza nemharidzo yavo, 21 kuti vose vave vamwe, Baba, sezvo imi muri mandiri uye ini ndiri mamuri. Naivowo ngavave matiri kuitira kuti nyika igotenda kuti makandituma. 22 Ndakavapa kubwinya kuya kwamakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe: 23 imi mavari uye imi mandiri. Ngavakwaniswe muhumwe kuti nyika izive kuti makandituma uye makavada kunyange sezvamakandida ini. 24 “Baba, ndinoda kuti vaya vamakandipa vave neni pandinenge ndiri, uye kuti vaone kubwinya kwangu, iko kubwinya kwamakandipa nokuti makandida nyika isati yasikwa. 25 “Baba vakarurama, kunyange nyika isingakuziviyi, ini ndinokuzivai, uye ivo vanoziva kuti makandituma. 26 Ndakakuzivisai kwavari, uye ndicharamba ndichiita kuti vakuzivei kuitira kuti rudo rwamakandida narwo rwuve mavari uye kuti ini pachangu ndive mavari.”
In Other Versions
John 17 in the ANGEFD
John 17 in the ANTPNG2D
John 17 in the AS21
John 17 in the BAGH
John 17 in the BBPNG
John 17 in the BBT1E
John 17 in the BDS
John 17 in the BEV
John 17 in the BHAD
John 17 in the BIB
John 17 in the BLPT
John 17 in the BNT
John 17 in the BNTABOOT
John 17 in the BNTLV
John 17 in the BOATCB
John 17 in the BOATCB2
John 17 in the BOBCV
John 17 in the BOCNT
John 17 in the BOECS
John 17 in the BOGWICC
John 17 in the BOHCB
John 17 in the BOHCV
John 17 in the BOHLNT
John 17 in the BOHNTLTAL
John 17 in the BOICB
John 17 in the BOILNTAP
John 17 in the BOITCV
John 17 in the BOKCV
John 17 in the BOKCV2
John 17 in the BOKHWOG
John 17 in the BOKSSV
John 17 in the BOLCB
John 17 in the BOLCB2
John 17 in the BOMCV
John 17 in the BONAV
John 17 in the BONCB
John 17 in the BONLT
John 17 in the BONUT2
John 17 in the BOPLNT
John 17 in the BOSNC
John 17 in the BOTLNT
John 17 in the BOVCB
John 17 in the BOYCB
John 17 in the BPBB
John 17 in the BPH
John 17 in the BSB
John 17 in the CCB
John 17 in the CUV
John 17 in the CUVS
John 17 in the DBT
John 17 in the DGDNT
John 17 in the DHNT
John 17 in the DNT
John 17 in the ELBE
John 17 in the EMTV
John 17 in the ESV
John 17 in the FBV
John 17 in the FEB
John 17 in the GGMNT
John 17 in the GNT
John 17 in the HARY
John 17 in the HNT
John 17 in the IRVA
John 17 in the IRVB
John 17 in the IRVG
John 17 in the IRVH
John 17 in the IRVK
John 17 in the IRVM
John 17 in the IRVM2
John 17 in the IRVO
John 17 in the IRVP
John 17 in the IRVT
John 17 in the IRVT2
John 17 in the IRVU
John 17 in the ISVN
John 17 in the JSNT
John 17 in the KAPI
John 17 in the KBT1ETNIK
John 17 in the KBV
John 17 in the KJV
John 17 in the KNFD
John 17 in the LBA
John 17 in the LBLA
John 17 in the LNT
John 17 in the LSV
John 17 in the MAAL
John 17 in the MBV
John 17 in the MBV2
John 17 in the MHNT
John 17 in the MKNFD
John 17 in the MNG
John 17 in the MNT
John 17 in the MNT2
John 17 in the MRS1T
John 17 in the NAA
John 17 in the NASB
John 17 in the NBLA
John 17 in the NBS
John 17 in the NBVTP
John 17 in the NET2
John 17 in the NIV11
John 17 in the NNT
John 17 in the NNT2
John 17 in the NNT3
John 17 in the PDDPT
John 17 in the PFNT
John 17 in the RMNT
John 17 in the SBIAS
John 17 in the SBIBS
John 17 in the SBIBS2
John 17 in the SBICS
John 17 in the SBIDS
John 17 in the SBIGS
John 17 in the SBIHS
John 17 in the SBIIS
John 17 in the SBIIS2
John 17 in the SBIIS3
John 17 in the SBIKS
John 17 in the SBIKS2
John 17 in the SBIMS
John 17 in the SBIOS
John 17 in the SBIPS
John 17 in the SBISS
John 17 in the SBITS
John 17 in the SBITS2
John 17 in the SBITS3
John 17 in the SBITS4
John 17 in the SBIUS
John 17 in the SBIVS
John 17 in the SBT
John 17 in the SBT1E
John 17 in the SCHL
John 17 in the SNT
John 17 in the SUSU
John 17 in the SUSU2
John 17 in the SYNO
John 17 in the TBIAOTANT
John 17 in the TBT1E
John 17 in the TBT1E2
John 17 in the TFTIP
John 17 in the TFTU
John 17 in the TGNTATF3T
John 17 in the THAI
John 17 in the TNFD
John 17 in the TNT
John 17 in the TNTIK
John 17 in the TNTIL
John 17 in the TNTIN
John 17 in the TNTIP
John 17 in the TNTIZ
John 17 in the TOMA
John 17 in the TTENT
John 17 in the UBG
John 17 in the UGV
John 17 in the UGV2
John 17 in the UGV3
John 17 in the VBL
John 17 in the VDCC
John 17 in the YALU
John 17 in the YAPE
John 17 in the YBVTP
John 17 in the ZBP