Matthew 18 (BOSCB)

1 Panguva iyoyo vadzidzi vakauya kuna Jesu uye vakamubvunza vachiti, “Ndianiko mukuru pane vose muumambo hwokudenga?” 2 Akadana mwana muduku ndokumumisa pakati pavo. 3 Uye akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga. 4 Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu ndiye achava mukuru muumambo hwokudenga. 5 “Uye ani naani anogamuchira mwana muduku souyu muzita rangu anogamuchira ini. 6 Asi ani naani anoita kuti mumwe wavaduku vanotenda kwandiri atadze, zvaiva nani kwaari kuti asungirirwe guyo guru muhuro make agonyudzwa mugungwa makadzika. 7 “Ine nhamo nyika nokuda kwezvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze! Zvinhu izvozvo zvinofanira kuuya asi ane nhamo munhu anoita kuti zviitike. 8 Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako zvichikuita kuti utadze, zvidimure uzvirasire kure. Zviri nani kupinda muupenyu wakaremara kana kuti uchikamhina, pano kupinda mumoto usingadzimi uine maoko maviri namakumbo maviri. 9 Kana ziso rako richikuita kuti utadze ribvise urirasire kure. Zviri nani kuti upinde muupenyu uine ziso rimwe chete pane kunge uine maziso maviri asi ugokandwa mumoto wegehena. 10 “Onai kuti hamuzvidze mumwe wavaduku ava. Ndinokuudzai kuti vatumwa vavo kudenga vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kudenga. 11 Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzoponesa chakarasika. 12 “Imi munofungei? Kana munhu ane makwai zana, rimwe chete rawo rikarasika, haangasiye makumi mapfumbamwe nepfumbamwe mumakomo achinotsvaka rakarasika here? 13 Uye kana akariwana, ndinokuudzai chokwadi kuti anorifarira kukunda makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika. 14 Nenzira imwe cheteyo Baba venyu vari kudenga havafariri kuti mumwe wavaduku ava arasike. 15 “Kana hama yako yakutadzira enda umuudze mhosva yake, muri vaviri chete. Kana akakunzwa wadzora hama yako. 16 Asi akaramba kuteerera, enda nomumwe kana vaviri kuitira kuti ‘nyaya imwe neimwe isimbiswe nezvapupu zviviri kana zvitatu.’ 17 Kana akaramba kuteerera, uudze kereke, kana akaramba kuteerera kunyange kereke, umutore zvako somuhedheni kana muteresi. 18 “Ndinokuudzai chokwadi kuti chose chamuchasunga pano pasi chichasungwa kudenga, nechamunosunungura pano pasi chichasunungurwa kudenga. 19 “Ndinokuudzai zvakare kuti kana vaviri venyu mukabvumirana pane chamunokumbira kuna Baba vangu vari kudenga, muchachiitirwa. 20 Nokuti panoungana vaviri kana vatatu muzita rangu, neni ndiripo pakati pavo.” 21 Ipapo Petro akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Ishe, kanganiko kandingaregerera hama yangu kana achinditadzira? Kanomwe here?” 22 Jesu akapindura akati, “Kwete kanomwe chete, asi kakapetwa makumi manomwe ane nomwe. 23 “Naizvozvo, umambo hwokudenga hwakafanana namambo aida kuripirwa zvikwereti zvake navaranda vake. 24 Paakatanga kuzviongorora, murume ainge aine chikwereti chamatarenda zviuru gumi akauyiswa kwaari. 25 Sezvo ainge asingakwanisi kuripa chikwereti ichi, tenzi wake akaronga kuti iye nomudzimai wake, navana vake nezvose zvaaiva nazvo zvitengeswe kuti zviripe chikwereti. 26 “Muranda uya akazviwisira pamberi patenzi wake akamukumbira zvikuru achiti, ‘Ndiitireiwo mwoyo murefu, ndicharipa hangu zvose.’ 27 Tenzi womuranda uya akamunzwira tsitsi, ndokubva adzima chikwereti chiya chose, uye akamuregedza achienda zvake. 28 “Asi muranda uya paakabuda, akasangana nomumwewo muranda saiye ainge aine chikwereti chake chamadhenari zana. Akamubata ndokutanga kumudzipa. Akati, ‘Ndipe chikwereti changu!’ 29 “Muranda uya saiyewo muranda akapfugama ndokumukumbira zvikuru achiti, ‘Ndiitirewo mwoyo murefu, ndichakupa chikwereti chako.’ 30 “Asi akaramba. Pamusoro pezvo akamusungisa uye akaita kuti aiswe mutorongo kusvikira aripa chikwereti chose. 31 Vamwe varanda vakati vaona zvakanga zvaitika, zvakavatambudza zvikuru ndokubva vanoudza tenzi wavo zvose zvakanga zvaitika. 32 “Tenzi akadana muranda uya akati, ‘Iwe muranda akaipa. Ndakadzima chikwereti changu chawaiva nacho nokuti wakandikumbira zvikuru. 33 Saka hawaifanira here kuva netsitsi kuno mumwe wako sezvandakakuitira iwe?’ 34 Nehasha tenzi wake akamuisa kune vejeri kuti arangwe zvinorwadza kusvikira aripa chikwereti chose chaaiva nacho. 35 “Izvi ndizvo zvichaitirwa mumwe nomumwe wenyu naBaba vangu vari kudenga kana musingaregereri hama yenyu nomwoyo wose.”

In Other Versions

Matthew 18 in the ANGEFD

Matthew 18 in the ANTPNG2D

Matthew 18 in the AS21

Matthew 18 in the BAGH

Matthew 18 in the BBPNG

Matthew 18 in the BBT1E

Matthew 18 in the BDS

Matthew 18 in the BEV

Matthew 18 in the BHAD

Matthew 18 in the BIB

Matthew 18 in the BLPT

Matthew 18 in the BNT

Matthew 18 in the BNTABOOT

Matthew 18 in the BNTLV

Matthew 18 in the BOATCB

Matthew 18 in the BOATCB2

Matthew 18 in the BOBCV

Matthew 18 in the BOCNT

Matthew 18 in the BOECS

Matthew 18 in the BOGWICC

Matthew 18 in the BOHCB

Matthew 18 in the BOHCV

Matthew 18 in the BOHLNT

Matthew 18 in the BOHNTLTAL

Matthew 18 in the BOICB

Matthew 18 in the BOILNTAP

Matthew 18 in the BOITCV

Matthew 18 in the BOKCV

Matthew 18 in the BOKCV2

Matthew 18 in the BOKHWOG

Matthew 18 in the BOKSSV

Matthew 18 in the BOLCB

Matthew 18 in the BOLCB2

Matthew 18 in the BOMCV

Matthew 18 in the BONAV

Matthew 18 in the BONCB

Matthew 18 in the BONLT

Matthew 18 in the BONUT2

Matthew 18 in the BOPLNT

Matthew 18 in the BOSNC

Matthew 18 in the BOTLNT

Matthew 18 in the BOVCB

Matthew 18 in the BOYCB

Matthew 18 in the BPBB

Matthew 18 in the BPH

Matthew 18 in the BSB

Matthew 18 in the CCB

Matthew 18 in the CUV

Matthew 18 in the CUVS

Matthew 18 in the DBT

Matthew 18 in the DGDNT

Matthew 18 in the DHNT

Matthew 18 in the DNT

Matthew 18 in the ELBE

Matthew 18 in the EMTV

Matthew 18 in the ESV

Matthew 18 in the FBV

Matthew 18 in the FEB

Matthew 18 in the GGMNT

Matthew 18 in the GNT

Matthew 18 in the HARY

Matthew 18 in the HNT

Matthew 18 in the IRVA

Matthew 18 in the IRVB

Matthew 18 in the IRVG

Matthew 18 in the IRVH

Matthew 18 in the IRVK

Matthew 18 in the IRVM

Matthew 18 in the IRVM2

Matthew 18 in the IRVO

Matthew 18 in the IRVP

Matthew 18 in the IRVT

Matthew 18 in the IRVT2

Matthew 18 in the IRVU

Matthew 18 in the ISVN

Matthew 18 in the JSNT

Matthew 18 in the KAPI

Matthew 18 in the KBT1ETNIK

Matthew 18 in the KBV

Matthew 18 in the KJV

Matthew 18 in the KNFD

Matthew 18 in the LBA

Matthew 18 in the LBLA

Matthew 18 in the LNT

Matthew 18 in the LSV

Matthew 18 in the MAAL

Matthew 18 in the MBV

Matthew 18 in the MBV2

Matthew 18 in the MHNT

Matthew 18 in the MKNFD

Matthew 18 in the MNG

Matthew 18 in the MNT

Matthew 18 in the MNT2

Matthew 18 in the MRS1T

Matthew 18 in the NAA

Matthew 18 in the NASB

Matthew 18 in the NBLA

Matthew 18 in the NBS

Matthew 18 in the NBVTP

Matthew 18 in the NET2

Matthew 18 in the NIV11

Matthew 18 in the NNT

Matthew 18 in the NNT2

Matthew 18 in the NNT3

Matthew 18 in the PDDPT

Matthew 18 in the PFNT

Matthew 18 in the RMNT

Matthew 18 in the SBIAS

Matthew 18 in the SBIBS

Matthew 18 in the SBIBS2

Matthew 18 in the SBICS

Matthew 18 in the SBIDS

Matthew 18 in the SBIGS

Matthew 18 in the SBIHS

Matthew 18 in the SBIIS

Matthew 18 in the SBIIS2

Matthew 18 in the SBIIS3

Matthew 18 in the SBIKS

Matthew 18 in the SBIKS2

Matthew 18 in the SBIMS

Matthew 18 in the SBIOS

Matthew 18 in the SBIPS

Matthew 18 in the SBISS

Matthew 18 in the SBITS

Matthew 18 in the SBITS2

Matthew 18 in the SBITS3

Matthew 18 in the SBITS4

Matthew 18 in the SBIUS

Matthew 18 in the SBIVS

Matthew 18 in the SBT

Matthew 18 in the SBT1E

Matthew 18 in the SCHL

Matthew 18 in the SNT

Matthew 18 in the SUSU

Matthew 18 in the SUSU2

Matthew 18 in the SYNO

Matthew 18 in the TBIAOTANT

Matthew 18 in the TBT1E

Matthew 18 in the TBT1E2

Matthew 18 in the TFTIP

Matthew 18 in the TFTU

Matthew 18 in the TGNTATF3T

Matthew 18 in the THAI

Matthew 18 in the TNFD

Matthew 18 in the TNT

Matthew 18 in the TNTIK

Matthew 18 in the TNTIL

Matthew 18 in the TNTIN

Matthew 18 in the TNTIP

Matthew 18 in the TNTIZ

Matthew 18 in the TOMA

Matthew 18 in the TTENT

Matthew 18 in the UBG

Matthew 18 in the UGV

Matthew 18 in the UGV2

Matthew 18 in the UGV3

Matthew 18 in the VBL

Matthew 18 in the VDCC

Matthew 18 in the YALU

Matthew 18 in the YAPE

Matthew 18 in the YBVTP

Matthew 18 in the ZBP