Psalms 68 (BOSCB)
undefined Mutungamiri mukuru wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo. 1 Mwari ngaasimuke, vavengi vake ngavaparadzirwe;vavengi vake ngavatize pamberi pake. 2 Sokupeperetswa kunoitwa utsi nemhepo,saizvozvo vapeperetsei;sokunyauka kunoita namo pamberi pomoto,vakaipa ngavaparare pamberi paMwari. 3 Asi vakarurama ngavafare,vafarisise pamberi paMwari;ngavafare vapembere. 4 Imbirai Mwari, imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza,murumbidzei zvikuru iye anofamba pamusoro pamakore,zita rake ndiJehovha,uye farai pamberi pake. 5 Baba venherera, mudziviriri wechirikadzi,ndiye Mwari ari paugaro hwake utsvene. 6 Vakanga vari voga Mwari akavagarisa mumhuri,anosesedza vasungwa vachiimba;asi mhandu dzinogara panyika yatsva nezuva. 7 Pamakatungamirira vanhu venyu, imi Mwari,pamakafamba napakati perenje, Sera 8 nyika yakazungunuka,matenga akadurura mvura, pamberi paMwari,iye weSinai, pamberi paMwari,iye Mwari waIsraeri. 9 Imi Mwari, makanayisa mvura zhinji;mukaita kuti nhaka yenyu yakaneta ifefeterwe. 10 Vanhu venyu vakagaramo,uye imi Mwari, kubva pane, zvakawanda zvenyu, makariritira varombo. 11 Ishe akataura shoko,vanhu vakaparidza shoko vaiva vazhinji kwazvo: 12 “Madzimambo navarwi vakakurumidza kutiza;mumisasa, vanhu vakagovana zvakapambwa. 13 Kunyange pamunenge makavata pakati pemoto yemisasa,mapapiro enjiva yangu akafukidzwa nesirivha,minhenga yayo negoridhe rinovaima.” 14 Wamasimba Ose paakaparadzira madzimambo munyika,zvakanga zvakaita sechando chawira pamusoro peZarimoni. 15 Makomo eBhashani makomo oushe;makomo eBhashani akati twi. 16 Munotaririreiko negodo, imi makomo akati twi,pagomo rakasarudzwa naMwari kuti atongepo,pachagarwa naJehovha pachake nokusingaperi? 17 Ngoro dzaMwari dzinosvika makumi ezviurunezviuru zvezviuru;Ishe akasvika panzvimbo yake tsvene achibva kuSinai. 18 Pamakakwira kumusoro,makatungamirira vatapwa mumudungwe wenyu;mukagamuchira zvipo zvaibva kuvanhu,kunyange zvaibva kuna vakapanduka,kuti imi, iyemi Jehovha Mwari, mugarepo. 19 Ishe ngaarumbidzwe, Mwari Muponesi wedu,anotakura mitoro yedu zuva nezuva. Sera 20 Mwari wedu ndiMwari anoponesa;kupunyuka parufu kunobva kuna Ishe Jehovha. 21 Zvirokwazvo Mwari achapwanya misoro yavavengi vake,panhongonya dzine vhudzi dzaavo vanorambira muzvivi zvavo. 22 Ishe anoti, “Ndichavabvisa kubva kuBhashani;ndichavabudisa kubva kwakadzika kwegungwa, 23 kuti unyike tsoka dzako muropa ravavengi vako,ndimi dzembwa dzako dzichiwanawo mugove wadzo.” 24 Mudungwe wenyu wakaonekwa, imi Mwari,mudungwe waMwari wangu naMambo achipinda munzvimbo tsvene. 25 Mberi kuna vaimbi, vachiteverwa navaridzi vemitengeranwa;pamwe chete navarandakadzi vachiridza matambureni. 26 Rumbidzai Mwari paungano huru;rumbidzai Mwari pagungano raIsraeri. 27 Tarirai, rudzi ruduku rwaBhenjamini runovatungamirira,hawo machinda mazhinji aJudha,uye hawo machinda aZebhuruni neaNafutari. 28 Danai simba renyu, imi Mwari;tiratidzei simba renyu, imi Mwari, sezvamakaita kare. 29 Nokuda kwetemberi yenyu paJerusarema,madzimambo achakuvigirai zvipo. 30 Tukai mhuka dziri pakati petsanga,mapoka ehando ari pakati pemhuru dzendudzi.Ngavauye nesirivha, vakazvininipisa.Paradzirai ndudzi dzinofarira kurwa. 31 Nhume dzichabva kuIjipiti;Etiopia ichazviisa pasi paMwari. 32 Imbirai Mwari, imi ushe hwepasi,rumbidzai Ishe nenziyo, Sera 33 kuna iye anotasva matenga akare kumusoro,iye anobudisa inzwi rake, inzwi rine simba. 34 Paridzai simba raMwari,iye ano ushe huri pamusoro peIsraeri,ane simba riri kudenga denga. 35 Munotyisa imi Mwari, muri panzvimbo yenyu tsvene;Mwari waIsraeri anopa ushe nesimba kuvanhu vake. Mwari ngaarumbidzwe!
In Other Versions
Psalms 68 in the ANGEFD
Psalms 68 in the ANTPNG2D
Psalms 68 in the AS21
Psalms 68 in the BAGH
Psalms 68 in the BBPNG
Psalms 68 in the BBT1E
Psalms 68 in the BDS
Psalms 68 in the BEV
Psalms 68 in the BHAD
Psalms 68 in the BIB
Psalms 68 in the BLPT
Psalms 68 in the BNT
Psalms 68 in the BNTABOOT
Psalms 68 in the BNTLV
Psalms 68 in the BOATCB
Psalms 68 in the BOATCB2
Psalms 68 in the BOBCV
Psalms 68 in the BOCNT
Psalms 68 in the BOECS
Psalms 68 in the BOGWICC
Psalms 68 in the BOHCB
Psalms 68 in the BOHCV
Psalms 68 in the BOHLNT
Psalms 68 in the BOHNTLTAL
Psalms 68 in the BOICB
Psalms 68 in the BOILNTAP
Psalms 68 in the BOITCV
Psalms 68 in the BOKCV
Psalms 68 in the BOKCV2
Psalms 68 in the BOKHWOG
Psalms 68 in the BOKSSV
Psalms 68 in the BOLCB
Psalms 68 in the BOLCB2
Psalms 68 in the BOMCV
Psalms 68 in the BONAV
Psalms 68 in the BONCB
Psalms 68 in the BONLT
Psalms 68 in the BONUT2
Psalms 68 in the BOPLNT
Psalms 68 in the BOSNC
Psalms 68 in the BOTLNT
Psalms 68 in the BOVCB
Psalms 68 in the BOYCB
Psalms 68 in the BPBB
Psalms 68 in the BPH
Psalms 68 in the BSB
Psalms 68 in the CCB
Psalms 68 in the CUV
Psalms 68 in the CUVS
Psalms 68 in the DBT
Psalms 68 in the DGDNT
Psalms 68 in the DHNT
Psalms 68 in the DNT
Psalms 68 in the ELBE
Psalms 68 in the EMTV
Psalms 68 in the ESV
Psalms 68 in the FBV
Psalms 68 in the FEB
Psalms 68 in the GGMNT
Psalms 68 in the GNT
Psalms 68 in the HARY
Psalms 68 in the HNT
Psalms 68 in the IRVA
Psalms 68 in the IRVB
Psalms 68 in the IRVG
Psalms 68 in the IRVH
Psalms 68 in the IRVK
Psalms 68 in the IRVM
Psalms 68 in the IRVM2
Psalms 68 in the IRVO
Psalms 68 in the IRVP
Psalms 68 in the IRVT
Psalms 68 in the IRVT2
Psalms 68 in the IRVU
Psalms 68 in the ISVN
Psalms 68 in the JSNT
Psalms 68 in the KAPI
Psalms 68 in the KBT1ETNIK
Psalms 68 in the KBV
Psalms 68 in the KJV
Psalms 68 in the KNFD
Psalms 68 in the LBA
Psalms 68 in the LBLA
Psalms 68 in the LNT
Psalms 68 in the LSV
Psalms 68 in the MAAL
Psalms 68 in the MBV
Psalms 68 in the MBV2
Psalms 68 in the MHNT
Psalms 68 in the MKNFD
Psalms 68 in the MNG
Psalms 68 in the MNT
Psalms 68 in the MNT2
Psalms 68 in the MRS1T
Psalms 68 in the NAA
Psalms 68 in the NASB
Psalms 68 in the NBLA
Psalms 68 in the NBS
Psalms 68 in the NBVTP
Psalms 68 in the NET2
Psalms 68 in the NIV11
Psalms 68 in the NNT
Psalms 68 in the NNT2
Psalms 68 in the NNT3
Psalms 68 in the PDDPT
Psalms 68 in the PFNT
Psalms 68 in the RMNT
Psalms 68 in the SBIAS
Psalms 68 in the SBIBS
Psalms 68 in the SBIBS2
Psalms 68 in the SBICS
Psalms 68 in the SBIDS
Psalms 68 in the SBIGS
Psalms 68 in the SBIHS
Psalms 68 in the SBIIS
Psalms 68 in the SBIIS2
Psalms 68 in the SBIIS3
Psalms 68 in the SBIKS
Psalms 68 in the SBIKS2
Psalms 68 in the SBIMS
Psalms 68 in the SBIOS
Psalms 68 in the SBIPS
Psalms 68 in the SBISS
Psalms 68 in the SBITS
Psalms 68 in the SBITS2
Psalms 68 in the SBITS3
Psalms 68 in the SBITS4
Psalms 68 in the SBIUS
Psalms 68 in the SBIVS
Psalms 68 in the SBT
Psalms 68 in the SBT1E
Psalms 68 in the SCHL
Psalms 68 in the SNT
Psalms 68 in the SUSU
Psalms 68 in the SUSU2
Psalms 68 in the SYNO
Psalms 68 in the TBIAOTANT
Psalms 68 in the TBT1E
Psalms 68 in the TBT1E2
Psalms 68 in the TFTIP
Psalms 68 in the TFTU
Psalms 68 in the TGNTATF3T
Psalms 68 in the THAI
Psalms 68 in the TNFD
Psalms 68 in the TNT
Psalms 68 in the TNTIK
Psalms 68 in the TNTIL
Psalms 68 in the TNTIN
Psalms 68 in the TNTIP
Psalms 68 in the TNTIZ
Psalms 68 in the TOMA
Psalms 68 in the TTENT
Psalms 68 in the UBG
Psalms 68 in the UGV
Psalms 68 in the UGV2
Psalms 68 in the UGV3
Psalms 68 in the VBL
Psalms 68 in the VDCC
Psalms 68 in the YALU
Psalms 68 in the YAPE
Psalms 68 in the YBVTP
Psalms 68 in the ZBP