1 John 4 (BOSCB)

1 Shamwari dzinodikanwa, musatenda mweya yose yose, asi edzai mweya kuti muone kana ichibva kuna Mwari, nokuti vaprofita vazhinji venhema vakapinda munyika. 2 Aya ndiwo maziviro amungaita Mweya waMwari: mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama unobva kuna Mwari, 3 asi mweya wose usingapupuri Jesu haubvi kuna Mwari. Ndiwo mweya waandikristu, wamakanzwa kuti uri kuuya uye kunyange iye zvino watova munyika. 4 Imi, vana vanodikanwa, munobva kuna Mwari uye makavakunda, nokuti ari mamuri mukuru kuna iye ari munyika. 5 Ivo ndevenyika, naizvozvo vanotaura sevenyika, uye nyika inovanzwa. 6 Isu tinobva kuna Mwari, uye ani naani anoziva Mwari anotinzwa; asi ani naani asingabvi kuna Mwari haatinzwi. Izvi ndizvo zvinoita kuti tizive mweya wechokwadi nomweya wenhema. 7 Shamwari dzinodikanwa, ngatidananei, nokuti rudo runobva kuna Mwari. Mumwe nomumwe anoda akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari. 8 Ani naani asingadi haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. 9 Mwari akaratidza rudo rwake pakati pedu sezvizvi: Akatuma Mwanakomana wake mumwe woga munyika kuti tive noupenyu kubudikidza naye. 10 Urwu ndirwo rudo: kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida uye akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chinoyananisa zvivi zvedu. 11 Shamwari dzinodikanwa, sezvo Mwari akatida zvakadai, isu tinofanirawo kudanana. 12 Hakuna munhu akatongoona Mwari; asi kana tichidanana, Mwari anogara matiri, uye rudo rwake runokwaniswa matiri. 13 Tinoziva kuti tinogara maari uye iye matiri, nokuti akatipa zvoMweya wake. 14 Uye takaona uye tikapupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana wavo kuti ave Muponesi wenyika. 15 Kana munhu akapupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari uye iye muna Mwari. 16 Nokudaro tinoziva uye tinovimba norudo rwaMwari kwatiri.Mwari rudo. Ani naani anogara murudo anogara muna Mwari, uye Mwari maari. 17 Naizvozvo, rudo runokwaniswa pakati pedu kuitira kuti tigova nokuvimba pazuva rokutongwa, nokuti munyika ino takafanana naye. 18 Murudo hamuna kutya. Asi rudo rwakakwana runodzinga kutya, nokuti kutya kune chokuita nokurangwa. Munhu anotya haana kukwaniswa murudo. 19 Tinomuda nokuti iye akatanga kutida. 20 Kana munhu achiti, “Ndinoda Mwari,” asingadi hama yake, murevi wenhema. Nokuti ani naani asingadi hama yake yaakaona, haagoni kuda Mwari, waasina kumboona. 21 Uye akatipa murayiro uyu: Ani naani anoda Mwari anofanirawo kuda hama yake.

In Other Versions

1 John 4 in the ANGEFD

1 John 4 in the ANTPNG2D

1 John 4 in the AS21

1 John 4 in the BAGH

1 John 4 in the BBPNG

1 John 4 in the BBT1E

1 John 4 in the BDS

1 John 4 in the BEV

1 John 4 in the BHAD

1 John 4 in the BIB

1 John 4 in the BLPT

1 John 4 in the BNT

1 John 4 in the BNTABOOT

1 John 4 in the BNTLV

1 John 4 in the BOATCB

1 John 4 in the BOATCB2

1 John 4 in the BOBCV

1 John 4 in the BOCNT

1 John 4 in the BOECS

1 John 4 in the BOGWICC

1 John 4 in the BOHCB

1 John 4 in the BOHCV

1 John 4 in the BOHLNT

1 John 4 in the BOHNTLTAL

1 John 4 in the BOICB

1 John 4 in the BOILNTAP

1 John 4 in the BOITCV

1 John 4 in the BOKCV

1 John 4 in the BOKCV2

1 John 4 in the BOKHWOG

1 John 4 in the BOKSSV

1 John 4 in the BOLCB

1 John 4 in the BOLCB2

1 John 4 in the BOMCV

1 John 4 in the BONAV

1 John 4 in the BONCB

1 John 4 in the BONLT

1 John 4 in the BONUT2

1 John 4 in the BOPLNT

1 John 4 in the BOSNC

1 John 4 in the BOTLNT

1 John 4 in the BOVCB

1 John 4 in the BOYCB

1 John 4 in the BPBB

1 John 4 in the BPH

1 John 4 in the BSB

1 John 4 in the CCB

1 John 4 in the CUV

1 John 4 in the CUVS

1 John 4 in the DBT

1 John 4 in the DGDNT

1 John 4 in the DHNT

1 John 4 in the DNT

1 John 4 in the ELBE

1 John 4 in the EMTV

1 John 4 in the ESV

1 John 4 in the FBV

1 John 4 in the FEB

1 John 4 in the GGMNT

1 John 4 in the GNT

1 John 4 in the HARY

1 John 4 in the HNT

1 John 4 in the IRVA

1 John 4 in the IRVB

1 John 4 in the IRVG

1 John 4 in the IRVH

1 John 4 in the IRVK

1 John 4 in the IRVM

1 John 4 in the IRVM2

1 John 4 in the IRVO

1 John 4 in the IRVP

1 John 4 in the IRVT

1 John 4 in the IRVT2

1 John 4 in the IRVU

1 John 4 in the ISVN

1 John 4 in the JSNT

1 John 4 in the KAPI

1 John 4 in the KBT1ETNIK

1 John 4 in the KBV

1 John 4 in the KJV

1 John 4 in the KNFD

1 John 4 in the LBA

1 John 4 in the LBLA

1 John 4 in the LNT

1 John 4 in the LSV

1 John 4 in the MAAL

1 John 4 in the MBV

1 John 4 in the MBV2

1 John 4 in the MHNT

1 John 4 in the MKNFD

1 John 4 in the MNG

1 John 4 in the MNT

1 John 4 in the MNT2

1 John 4 in the MRS1T

1 John 4 in the NAA

1 John 4 in the NASB

1 John 4 in the NBLA

1 John 4 in the NBS

1 John 4 in the NBVTP

1 John 4 in the NET2

1 John 4 in the NIV11

1 John 4 in the NNT

1 John 4 in the NNT2

1 John 4 in the NNT3

1 John 4 in the PDDPT

1 John 4 in the PFNT

1 John 4 in the RMNT

1 John 4 in the SBIAS

1 John 4 in the SBIBS

1 John 4 in the SBIBS2

1 John 4 in the SBICS

1 John 4 in the SBIDS

1 John 4 in the SBIGS

1 John 4 in the SBIHS

1 John 4 in the SBIIS

1 John 4 in the SBIIS2

1 John 4 in the SBIIS3

1 John 4 in the SBIKS

1 John 4 in the SBIKS2

1 John 4 in the SBIMS

1 John 4 in the SBIOS

1 John 4 in the SBIPS

1 John 4 in the SBISS

1 John 4 in the SBITS

1 John 4 in the SBITS2

1 John 4 in the SBITS3

1 John 4 in the SBITS4

1 John 4 in the SBIUS

1 John 4 in the SBIVS

1 John 4 in the SBT

1 John 4 in the SBT1E

1 John 4 in the SCHL

1 John 4 in the SNT

1 John 4 in the SUSU

1 John 4 in the SUSU2

1 John 4 in the SYNO

1 John 4 in the TBIAOTANT

1 John 4 in the TBT1E

1 John 4 in the TBT1E2

1 John 4 in the TFTIP

1 John 4 in the TFTU

1 John 4 in the TGNTATF3T

1 John 4 in the THAI

1 John 4 in the TNFD

1 John 4 in the TNT

1 John 4 in the TNTIK

1 John 4 in the TNTIL

1 John 4 in the TNTIN

1 John 4 in the TNTIP

1 John 4 in the TNTIZ

1 John 4 in the TOMA

1 John 4 in the TTENT

1 John 4 in the UBG

1 John 4 in the UGV

1 John 4 in the UGV2

1 John 4 in the UGV3

1 John 4 in the VBL

1 John 4 in the VDCC

1 John 4 in the YALU

1 John 4 in the YAPE

1 John 4 in the YBVTP

1 John 4 in the ZBP