Isaiah 22 (BOSCB)

1 Chirevo pamusoro poMupata weChiratidzo:Chii chinokutambudzai zvino,zvokuti mose makwira pamusoro pamatenga edzimba? 2 Haiwa guta rizere nemheremhere,haiwa guta renyonganyonga nokupembera?Vakaurayiwa venyu havana kubayiwa nomunondo,kana kufira muhondo. 3 Vatungamiri vako vose vatiza pamwe chete;vabatwa pasina kushandiswa uta.Mose imi makabatwa mukaitwa vasungwa pamwe chete,kunyange makanga matiza muvengi achiri kure. 4 Naizvozvo ndakati, “Endai kure neni;regai ndicheme kwazvo.Musaedza kundinyaradzapamusoro pokuparadzwa kwavanhu vangu.” 5 Ishe, Jehovha Wamasimba Ose,ane zuva renyonganyonga nerokutsikirapasi nokutyisa muMupata woKuratidza,zuva rokukoromorera masvingopasi nerokudanidzira kumakomo. 6 Eramu anotora goba,pamwe chete navatasvi vamabhiza nengoro;Kiri anofudugura nhoo. 7 Mipata yako yakaisvonaka yakazara nengoro,uye vatasvi vamabhiza vakaiswa pamasuo eguta; 8 kudzivirirwa kweJudha kwakabviswa. Uye pazuva iro makatarira,kuzvombo muMuzinda weSango; 9 makaona kuti Guta raDhavhidhiraiva napakakoromoka pakawandamunzvimbo dzokudzivirira;makazvichengetera mvura muDziva reZasi. 10 Makaverenga dzimba muJerusarema,mukaondomora dzimba kuti musimbise rusvingo. 11 Makavaka gungwa pakati pamasvingo maviri,kuti muchingidzire mvura yomudziva rakare,asi hamuna kutarira kuna Iye akariita,kana kuva nehanya naIye akazvironga kare. 12 Ishe, Jehovha Wamasimba Ose,akakudaidzai pazuva irokuti mucheme uye muungudze,kuti mudzure bvudzi renyu uye mufuge masaga. 13 Asi tarirai, kune mufaro nokupembera,kubayiwa kwemombe nokuurayiwa kwamakwai,kudyiwa kwenyama nokunwiwa kwewaini!Munoti, “Ngatidyei uye tinwe,nokuti mangwana tichafa!” 14 Jehovha Wamasimba Ose akazivisa izvi munzeve dzangu achiti, “Kusvikira pazuva rokufa kwako, chivi ichi hachizokanganwirwi,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose. 15 Zvanzi naIshe, Jehovha Wamasimba Ose:“Enda, undoti kumutariri uyu,kuna Shebhina, mutariri womuzinda, uti kwaari: 16 Uri kuitei pano uye ndiani akakupa mvumoyokuti uzvicherere rinda pano,uchizvivezera rinda rako pakakwiriranokuzvivezera nzvimbo yako yokuzorora mudombo? 17 “Hokoyo, Jehovha ava kuda kukuti dzvi,agokurasira kure, iwe murume wesimba. 18 Achakupomba-pomba sebhoraagokukanda munyika yakakura.Ndimo mauchafira,uye ngoro dzako dzine mbiri dzichasara imomo,iwe wokunyadzisa imba yatenzi wako! 19 Ndichakudzinga pabasa rako,uye uchatandaniswa panzvimbo yako. 20 “Pazuva iro ndichadana muranda wangu, Eriakimi mwanakomana waHirikia. 21 Ndichamupfekedza nguo yako ndigomusimbisa nebhanhire rako uye ndigoisa masimba ako pamusoro pake. Achava baba kuna vagere muJerusarema nokuimba yaJudha. 22 Ndichaisa papfudzi rake kiyi yeimba yaDhavhidhi; chaanenge azarura hapana angapfiga, uye chaanenge apfiga hapana angazarura. 23 Ndichamuroverera sembambo panzvimbo yakasimba; achava chigaro chinokudzwa paimba yababa vake. 24 Mbiri yeimba yababa vake ichaturikwa paari; matavi namabukira, nemidziyo midiki yose, kubva pamikombe kusvikira pamakate ose. 25 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “mbambo yakarovererwa panzvimbo yakasimba ichabva; ichatemwa igowisirwa pasi, uye mutoro wakarembera pauri uchatemerwa pasi.” Jehovha ataura izvozvo.

In Other Versions

Isaiah 22 in the ANGEFD

Isaiah 22 in the ANTPNG2D

Isaiah 22 in the AS21

Isaiah 22 in the BAGH

Isaiah 22 in the BBPNG

Isaiah 22 in the BBT1E

Isaiah 22 in the BDS

Isaiah 22 in the BEV

Isaiah 22 in the BHAD

Isaiah 22 in the BIB

Isaiah 22 in the BLPT

Isaiah 22 in the BNT

Isaiah 22 in the BNTABOOT

Isaiah 22 in the BNTLV

Isaiah 22 in the BOATCB

Isaiah 22 in the BOATCB2

Isaiah 22 in the BOBCV

Isaiah 22 in the BOCNT

Isaiah 22 in the BOECS

Isaiah 22 in the BOGWICC

Isaiah 22 in the BOHCB

Isaiah 22 in the BOHCV

Isaiah 22 in the BOHLNT

Isaiah 22 in the BOHNTLTAL

Isaiah 22 in the BOICB

Isaiah 22 in the BOILNTAP

Isaiah 22 in the BOITCV

Isaiah 22 in the BOKCV

Isaiah 22 in the BOKCV2

Isaiah 22 in the BOKHWOG

Isaiah 22 in the BOKSSV

Isaiah 22 in the BOLCB

Isaiah 22 in the BOLCB2

Isaiah 22 in the BOMCV

Isaiah 22 in the BONAV

Isaiah 22 in the BONCB

Isaiah 22 in the BONLT

Isaiah 22 in the BONUT2

Isaiah 22 in the BOPLNT

Isaiah 22 in the BOSNC

Isaiah 22 in the BOTLNT

Isaiah 22 in the BOVCB

Isaiah 22 in the BOYCB

Isaiah 22 in the BPBB

Isaiah 22 in the BPH

Isaiah 22 in the BSB

Isaiah 22 in the CCB

Isaiah 22 in the CUV

Isaiah 22 in the CUVS

Isaiah 22 in the DBT

Isaiah 22 in the DGDNT

Isaiah 22 in the DHNT

Isaiah 22 in the DNT

Isaiah 22 in the ELBE

Isaiah 22 in the EMTV

Isaiah 22 in the ESV

Isaiah 22 in the FBV

Isaiah 22 in the FEB

Isaiah 22 in the GGMNT

Isaiah 22 in the GNT

Isaiah 22 in the HARY

Isaiah 22 in the HNT

Isaiah 22 in the IRVA

Isaiah 22 in the IRVB

Isaiah 22 in the IRVG

Isaiah 22 in the IRVH

Isaiah 22 in the IRVK

Isaiah 22 in the IRVM

Isaiah 22 in the IRVM2

Isaiah 22 in the IRVO

Isaiah 22 in the IRVP

Isaiah 22 in the IRVT

Isaiah 22 in the IRVT2

Isaiah 22 in the IRVU

Isaiah 22 in the ISVN

Isaiah 22 in the JSNT

Isaiah 22 in the KAPI

Isaiah 22 in the KBT1ETNIK

Isaiah 22 in the KBV

Isaiah 22 in the KJV

Isaiah 22 in the KNFD

Isaiah 22 in the LBA

Isaiah 22 in the LBLA

Isaiah 22 in the LNT

Isaiah 22 in the LSV

Isaiah 22 in the MAAL

Isaiah 22 in the MBV

Isaiah 22 in the MBV2

Isaiah 22 in the MHNT

Isaiah 22 in the MKNFD

Isaiah 22 in the MNG

Isaiah 22 in the MNT

Isaiah 22 in the MNT2

Isaiah 22 in the MRS1T

Isaiah 22 in the NAA

Isaiah 22 in the NASB

Isaiah 22 in the NBLA

Isaiah 22 in the NBS

Isaiah 22 in the NBVTP

Isaiah 22 in the NET2

Isaiah 22 in the NIV11

Isaiah 22 in the NNT

Isaiah 22 in the NNT2

Isaiah 22 in the NNT3

Isaiah 22 in the PDDPT

Isaiah 22 in the PFNT

Isaiah 22 in the RMNT

Isaiah 22 in the SBIAS

Isaiah 22 in the SBIBS

Isaiah 22 in the SBIBS2

Isaiah 22 in the SBICS

Isaiah 22 in the SBIDS

Isaiah 22 in the SBIGS

Isaiah 22 in the SBIHS

Isaiah 22 in the SBIIS

Isaiah 22 in the SBIIS2

Isaiah 22 in the SBIIS3

Isaiah 22 in the SBIKS

Isaiah 22 in the SBIKS2

Isaiah 22 in the SBIMS

Isaiah 22 in the SBIOS

Isaiah 22 in the SBIPS

Isaiah 22 in the SBISS

Isaiah 22 in the SBITS

Isaiah 22 in the SBITS2

Isaiah 22 in the SBITS3

Isaiah 22 in the SBITS4

Isaiah 22 in the SBIUS

Isaiah 22 in the SBIVS

Isaiah 22 in the SBT

Isaiah 22 in the SBT1E

Isaiah 22 in the SCHL

Isaiah 22 in the SNT

Isaiah 22 in the SUSU

Isaiah 22 in the SUSU2

Isaiah 22 in the SYNO

Isaiah 22 in the TBIAOTANT

Isaiah 22 in the TBT1E

Isaiah 22 in the TBT1E2

Isaiah 22 in the TFTIP

Isaiah 22 in the TFTU

Isaiah 22 in the TGNTATF3T

Isaiah 22 in the THAI

Isaiah 22 in the TNFD

Isaiah 22 in the TNT

Isaiah 22 in the TNTIK

Isaiah 22 in the TNTIL

Isaiah 22 in the TNTIN

Isaiah 22 in the TNTIP

Isaiah 22 in the TNTIZ

Isaiah 22 in the TOMA

Isaiah 22 in the TTENT

Isaiah 22 in the UBG

Isaiah 22 in the UGV

Isaiah 22 in the UGV2

Isaiah 22 in the UGV3

Isaiah 22 in the VBL

Isaiah 22 in the VDCC

Isaiah 22 in the YALU

Isaiah 22 in the YAPE

Isaiah 22 in the YBVTP

Isaiah 22 in the ZBP