Isaiah 3 (BOSCB)
1 Tarirai zvino, Ishe JehovhaWamasimba Oseava kuda kutora zvose rutsigiro nomudonzvo,kubva kuJerusarema neJudha;rutsigiro rwose rwezvokudya norutsigiro rwose rwemvura, 2 mhare nomurwi,mutongi nomuprofita,muvuki nomukuru, 3 mukuru wamakumi mashanu nomunhu anokudzwa,gurukota nomurume weumhizha, nomuvuki anoziva. 4 Ndichaita kuti majaya ave vabati vavo;vana vadiki ndivo vachavatonga. 5 Vanhu vachadzvinyirirana,munhu nomunhu, muvakidzani nomuvakidzani.Vadiki vachamukira vakuru,nounozvidza achamukira anokudzwa. 6 Murume achabata mumwe wavanunʼuna vakepaimba yababa vake achiti,“Ndiwe une nguo, chiva mutungamiri wedu;iva mutariri wedutu roungwandangwanda uhu!” 7 Asi pazuva iro achadanidzira achiti,“Handigoni kugadzirisa zvinhu.Handina chokudya kana chokufuka mumba mangu;musandiita mutungamiri wavanhu.” 8 Jerusarema rozungunuka,Judha riri kuwa;mashoko avo nezviito zvavo zvinopesana naJehovha,vachizvidza kuvapo kwake kunobwinya. 9 Zvinoonekwa pazviso zvavo zvinovapupurira;vanoburitsa chivi chavo pachena seSodhomu;havambochivanzi.Vane nhamo!Vanouyisa njodzi pamusoro pavo. 10 Udzai vakarurama kuti zvichavanakira,nokuti vachanakirwa nezvibereko zvamabasa avo. 11 Vane nhamo vakaipa! Njodzi yava kuda kuvawira!Vacharipirwa zvakabatwa namaoko avo. 12 Vadiki vanomanikidza vanhu vangu,vakadzi vanovatonga.Haiwa, vanhu vangu, vatungamiri venyu vanokutsausai;vanokubvisai munzira. 13 Jehovha anotora nzvimbo yake muimba yokutonga;anosimuka kuti atonge vanhu. 14 Jehovha anopinda mukutonga vakurunavatungamiri vavanhu vake achiti,“Ndimi makaparadza munda wangu womuzambiringa;zvakapambwa zvinobva kuvarombo zviri mudzimba dzenyu. 15 Munoreveiko zvamunopwanya vanhu vangu,uye muchikuya zviso zvavarombo?”ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose. 16 Jehovha anoti,“Vakadzi veZioni vanozvikudza,vanofamba vakamisa mitsipa yavo.Vachichonya nameso avo,uye vanofamba vachinzenzeta,vaine zvishongo zvinorira muzviziso zvamakumbo avo. 17 Naizvozvo Jehovha achauyisa maronda pamisoro yavakadzi veZioni;Jehovha achaitisa misoro yavo mhanza.” 18 Pazuva iro Jehovha achabvisa pazviziso zvamakumbo avo: mabhenguro, nezvishongo zvomusoro, neungetani hwomutsipa hunonʼaima, 19 nemhete dzenzeve, nezvingetani zvomumaoko, namavhoiri 20 nezvishongo zvebvudzi, nezvingetani zvomuzviziso zvamakumbo, nemasikavha, namabhodhoro amafuta anonhuhwira, namazango, 21 nemhete, noukomba hwemhino, 22 nenguo dzakanaka dzomutambo, nezvijasi, namakepesi namajasi nezvikwama, 23 nezvionioni, nenguo dzomucheka wakaisvonaka, nezvishongo namashaweri. 24 Pachinzvimbo chezvinonhuhwira, pachava nokunhuhwa;pachinzvimbo chesikavha, pachava netambo;pachinzvimbo chebvudzi rakashongedzwa zvakanaka,pachava nemhanza; pachinzvimbo chembatya dzakaisvonaka, pachava nechipfeko chesaga;pachinzvimbo chorunako, pachava nokupiswa. 25 Varume venyu vachafa nomunondo,varwi venyu vachafa muhondo. 26 Masuo eZioni achachema uye achaungudza;nokutambura kwaro, richagara pasi.
In Other Versions
Isaiah 3 in the ANGEFD
Isaiah 3 in the ANTPNG2D
Isaiah 3 in the AS21
Isaiah 3 in the BAGH
Isaiah 3 in the BBPNG
Isaiah 3 in the BBT1E
Isaiah 3 in the BDS
Isaiah 3 in the BEV
Isaiah 3 in the BHAD
Isaiah 3 in the BIB
Isaiah 3 in the BLPT
Isaiah 3 in the BNT
Isaiah 3 in the BNTABOOT
Isaiah 3 in the BNTLV
Isaiah 3 in the BOATCB
Isaiah 3 in the BOATCB2
Isaiah 3 in the BOBCV
Isaiah 3 in the BOCNT
Isaiah 3 in the BOECS
Isaiah 3 in the BOGWICC
Isaiah 3 in the BOHCB
Isaiah 3 in the BOHCV
Isaiah 3 in the BOHLNT
Isaiah 3 in the BOHNTLTAL
Isaiah 3 in the BOICB
Isaiah 3 in the BOILNTAP
Isaiah 3 in the BOITCV
Isaiah 3 in the BOKCV
Isaiah 3 in the BOKCV2
Isaiah 3 in the BOKHWOG
Isaiah 3 in the BOKSSV
Isaiah 3 in the BOLCB
Isaiah 3 in the BOLCB2
Isaiah 3 in the BOMCV
Isaiah 3 in the BONAV
Isaiah 3 in the BONCB
Isaiah 3 in the BONLT
Isaiah 3 in the BONUT2
Isaiah 3 in the BOPLNT
Isaiah 3 in the BOSNC
Isaiah 3 in the BOTLNT
Isaiah 3 in the BOVCB
Isaiah 3 in the BOYCB
Isaiah 3 in the BPBB
Isaiah 3 in the BPH
Isaiah 3 in the BSB
Isaiah 3 in the CCB
Isaiah 3 in the CUV
Isaiah 3 in the CUVS
Isaiah 3 in the DBT
Isaiah 3 in the DGDNT
Isaiah 3 in the DHNT
Isaiah 3 in the DNT
Isaiah 3 in the ELBE
Isaiah 3 in the EMTV
Isaiah 3 in the ESV
Isaiah 3 in the FBV
Isaiah 3 in the FEB
Isaiah 3 in the GGMNT
Isaiah 3 in the GNT
Isaiah 3 in the HARY
Isaiah 3 in the HNT
Isaiah 3 in the IRVA
Isaiah 3 in the IRVB
Isaiah 3 in the IRVG
Isaiah 3 in the IRVH
Isaiah 3 in the IRVK
Isaiah 3 in the IRVM
Isaiah 3 in the IRVM2
Isaiah 3 in the IRVO
Isaiah 3 in the IRVP
Isaiah 3 in the IRVT
Isaiah 3 in the IRVT2
Isaiah 3 in the IRVU
Isaiah 3 in the ISVN
Isaiah 3 in the JSNT
Isaiah 3 in the KAPI
Isaiah 3 in the KBT1ETNIK
Isaiah 3 in the KBV
Isaiah 3 in the KJV
Isaiah 3 in the KNFD
Isaiah 3 in the LBA
Isaiah 3 in the LBLA
Isaiah 3 in the LNT
Isaiah 3 in the LSV
Isaiah 3 in the MAAL
Isaiah 3 in the MBV
Isaiah 3 in the MBV2
Isaiah 3 in the MHNT
Isaiah 3 in the MKNFD
Isaiah 3 in the MNG
Isaiah 3 in the MNT
Isaiah 3 in the MNT2
Isaiah 3 in the MRS1T
Isaiah 3 in the NAA
Isaiah 3 in the NASB
Isaiah 3 in the NBLA
Isaiah 3 in the NBS
Isaiah 3 in the NBVTP
Isaiah 3 in the NET2
Isaiah 3 in the NIV11
Isaiah 3 in the NNT
Isaiah 3 in the NNT2
Isaiah 3 in the NNT3
Isaiah 3 in the PDDPT
Isaiah 3 in the PFNT
Isaiah 3 in the RMNT
Isaiah 3 in the SBIAS
Isaiah 3 in the SBIBS
Isaiah 3 in the SBIBS2
Isaiah 3 in the SBICS
Isaiah 3 in the SBIDS
Isaiah 3 in the SBIGS
Isaiah 3 in the SBIHS
Isaiah 3 in the SBIIS
Isaiah 3 in the SBIIS2
Isaiah 3 in the SBIIS3
Isaiah 3 in the SBIKS
Isaiah 3 in the SBIKS2
Isaiah 3 in the SBIMS
Isaiah 3 in the SBIOS
Isaiah 3 in the SBIPS
Isaiah 3 in the SBISS
Isaiah 3 in the SBITS
Isaiah 3 in the SBITS2
Isaiah 3 in the SBITS3
Isaiah 3 in the SBITS4
Isaiah 3 in the SBIUS
Isaiah 3 in the SBIVS
Isaiah 3 in the SBT
Isaiah 3 in the SBT1E
Isaiah 3 in the SCHL
Isaiah 3 in the SNT
Isaiah 3 in the SUSU
Isaiah 3 in the SUSU2
Isaiah 3 in the SYNO
Isaiah 3 in the TBIAOTANT
Isaiah 3 in the TBT1E
Isaiah 3 in the TBT1E2
Isaiah 3 in the TFTIP
Isaiah 3 in the TFTU
Isaiah 3 in the TGNTATF3T
Isaiah 3 in the THAI
Isaiah 3 in the TNFD
Isaiah 3 in the TNT
Isaiah 3 in the TNTIK
Isaiah 3 in the TNTIL
Isaiah 3 in the TNTIN
Isaiah 3 in the TNTIP
Isaiah 3 in the TNTIZ
Isaiah 3 in the TOMA
Isaiah 3 in the TTENT
Isaiah 3 in the UBG
Isaiah 3 in the UGV
Isaiah 3 in the UGV2
Isaiah 3 in the UGV3
Isaiah 3 in the VBL
Isaiah 3 in the VDCC
Isaiah 3 in the YALU
Isaiah 3 in the YAPE
Isaiah 3 in the YBVTP
Isaiah 3 in the ZBP