Isaiah 51 (BOSCB)
1 Nditeererei, imi munotevera kururamauye munotsvaka Jehovha:Tarirai kudombo ramakabviswa paririnaparuware pamakacherwa; 2 tarirai kuna Abhurahama, baba venyu,nokuna Sara, akakuberekai.Pandakamudana akanga achingova mumwe chete,ndikamuropafadza ndikamuita vazhinji. 3 Zvirokwazvo Jehovha achanyaradza Zioni,uye achatarira netsitsi pamusoro pamatongo aro ose;achaita magwenga aro kuti afanane neEdheni,marenje aro achafanana nebindu raJehovha.Kupembera nomufaro zvichawanikwa mariri,kuvonga nenzwi rokuimba. 4 “Nditeererei, imi vanhu vangu;ndinzwei imi rudzi rwangu:Ndichakupai murayiro;kururamisira kwangu kuchava chiedza kundudzi. 5 Kururama kwangu kwoswedera pedyo nokukurumidza,ruponeso rwangu rwuri munzira,uye ruoko rwangu ruchauyisa kururamisira kundudzi.Zviwi zvichatarira kwandiriuye zvichamirira ruoko rwangu netariro. 6 Simudzirai meso enyu kumatenga,tarirai pasi panyika;matenga achanyangarika soutsi,nyika ichasakara senguo,uye vanogaramo vachafa senhunzi.Asi ruponeso rwangu ruchagara nokusingaperi,kururama kwangu hakuzombogumi. 7 “Ndinzwei, imi munoziva zvakarurama,imi vanhu vane murayiro wangu mumwoyo yenyu:Musatya kuzvidza kwavanhu,uye musavhundutswa nokutuka kwavo. 8 Nokuti chipfuno chichavadya senguo;honye ichavadya sewuru.Asi kururama kwangu kuchagara nokusingaperi,ruponeso rwangu kuzvizvarwa zvose.” 9 Muka, muka! Zvishongedze nesimba,iwe ruoko rwaJehovha;muka, sepamazuva akare,sepazvizvarwa zvakare.Ko, hausiwe wakagura-gura Rahabhi,ukabaya chikara chiya here? 10 Hausiwe wakaomesa gungwa here,iyo mvura yokwakadzika zvikuru,ukaita mugwagwa makadzika megungwakuitira kuti vakadzikinurwa vayambuke? 11 Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka.Vachapinda muZioni vachiimba;mufaro usingaperi uchava korona pamisoro yavo.Mufaro nokupembera zvichafashukira,uye kusuwa nokukahadzika zvichatiza. 12 “Ini, iyeni, ndini iye anokunyaradzai.Ndiwe aniko unotya vanhu vanofa,vanakomana vavanhu, ivo uswa zvahwo, 13 kuti ukanganwe Jehovha Muiti wako,akatatamura matenga,akateya nheyo dzenyika,kuti ugare uchitya mazuva osenokuda kwehasha dzomumanikidzi,uyo akarerekera kukuparadza?Ko, hasha dzomumanikidzi dziripi? 14 Vasungwa vakatapwa vachakurumidza kusunungurwa;havazofiri mumakomba avo,kana kuzoshayiwa chingwa. 15 Nokuti ndini Jehovha Mwari wako,anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire,Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake. 16 Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako,ndikakufukidza nomumvuri woruoko rwangu,iyeni ndakagadzika matenga panzvimbo yawo,iyeni ndakateya nheyo dzenyika,uye ndinoti kuZioni, ‘Muri vanhu vangu.’ ” 17 Muka, muka! Simuka,iwe Jerusarema,iwe wakanwa kubva muruoko rwaJehovha,mukombe wehasha dzake,iwe wakasveta kusvikira wapera kuti tsvai,iwo mukombe unoita kuti vanhu vadzedzereke. 18 Pavanakomana vosevaakabereka pakanga pasina anomutungamirira;pavanakomana vose vaakarerapakanga pasina aimusesedza noruoko rwake. 19 Njodzi mbiri idzi dzauya pamusoro pako,ndianiko angakunyaradza? Dzinoti:kuva dongo nokuparadzwa, nzara nomunondo;ndianiko anogona kukunyaradza? 20 Vanakomana vako vaziya;vanovata panotangira migwagwa,kufanana nemhara yabatwa mumumbure.Vakazadzwa nehasha dzaJehovhanokutuka kwaMwari wako. 21 Naizvozvo inzwa izvi,iwe munhu wokutambudzika, wakadhakiswa asi kwete newaini. 22 Zvanzi naIshe Jehovha Mwari wako,anodzivirira vanhu vake,“Tarira, ndabvisa muruoko rwako mukombe wakakuita kuti udzedzereke;kubva pamukombe uyo,iwo mukombe wehasha dzangu,hauchazounwizve. 23 Ndichauisa mumaoko avatambudzi vako,ivo vanoti kwauri,‘Zvambarara pasi kuti tifambe napamusoro pako.’Iwe wakaita kuti musana wako uve sapasi,kufanana nomugwagwa unofambwa nawo.”
In Other Versions
Isaiah 51 in the ANGEFD
Isaiah 51 in the ANTPNG2D
Isaiah 51 in the AS21
Isaiah 51 in the BAGH
Isaiah 51 in the BBPNG
Isaiah 51 in the BBT1E
Isaiah 51 in the BDS
Isaiah 51 in the BEV
Isaiah 51 in the BHAD
Isaiah 51 in the BIB
Isaiah 51 in the BLPT
Isaiah 51 in the BNT
Isaiah 51 in the BNTABOOT
Isaiah 51 in the BNTLV
Isaiah 51 in the BOATCB
Isaiah 51 in the BOATCB2
Isaiah 51 in the BOBCV
Isaiah 51 in the BOCNT
Isaiah 51 in the BOECS
Isaiah 51 in the BOGWICC
Isaiah 51 in the BOHCB
Isaiah 51 in the BOHCV
Isaiah 51 in the BOHLNT
Isaiah 51 in the BOHNTLTAL
Isaiah 51 in the BOICB
Isaiah 51 in the BOILNTAP
Isaiah 51 in the BOITCV
Isaiah 51 in the BOKCV
Isaiah 51 in the BOKCV2
Isaiah 51 in the BOKHWOG
Isaiah 51 in the BOKSSV
Isaiah 51 in the BOLCB
Isaiah 51 in the BOLCB2
Isaiah 51 in the BOMCV
Isaiah 51 in the BONAV
Isaiah 51 in the BONCB
Isaiah 51 in the BONLT
Isaiah 51 in the BONUT2
Isaiah 51 in the BOPLNT
Isaiah 51 in the BOSNC
Isaiah 51 in the BOTLNT
Isaiah 51 in the BOVCB
Isaiah 51 in the BOYCB
Isaiah 51 in the BPBB
Isaiah 51 in the BPH
Isaiah 51 in the BSB
Isaiah 51 in the CCB
Isaiah 51 in the CUV
Isaiah 51 in the CUVS
Isaiah 51 in the DBT
Isaiah 51 in the DGDNT
Isaiah 51 in the DHNT
Isaiah 51 in the DNT
Isaiah 51 in the ELBE
Isaiah 51 in the EMTV
Isaiah 51 in the ESV
Isaiah 51 in the FBV
Isaiah 51 in the FEB
Isaiah 51 in the GGMNT
Isaiah 51 in the GNT
Isaiah 51 in the HARY
Isaiah 51 in the HNT
Isaiah 51 in the IRVA
Isaiah 51 in the IRVB
Isaiah 51 in the IRVG
Isaiah 51 in the IRVH
Isaiah 51 in the IRVK
Isaiah 51 in the IRVM
Isaiah 51 in the IRVM2
Isaiah 51 in the IRVO
Isaiah 51 in the IRVP
Isaiah 51 in the IRVT
Isaiah 51 in the IRVT2
Isaiah 51 in the IRVU
Isaiah 51 in the ISVN
Isaiah 51 in the JSNT
Isaiah 51 in the KAPI
Isaiah 51 in the KBT1ETNIK
Isaiah 51 in the KBV
Isaiah 51 in the KJV
Isaiah 51 in the KNFD
Isaiah 51 in the LBA
Isaiah 51 in the LBLA
Isaiah 51 in the LNT
Isaiah 51 in the LSV
Isaiah 51 in the MAAL
Isaiah 51 in the MBV
Isaiah 51 in the MBV2
Isaiah 51 in the MHNT
Isaiah 51 in the MKNFD
Isaiah 51 in the MNG
Isaiah 51 in the MNT
Isaiah 51 in the MNT2
Isaiah 51 in the MRS1T
Isaiah 51 in the NAA
Isaiah 51 in the NASB
Isaiah 51 in the NBLA
Isaiah 51 in the NBS
Isaiah 51 in the NBVTP
Isaiah 51 in the NET2
Isaiah 51 in the NIV11
Isaiah 51 in the NNT
Isaiah 51 in the NNT2
Isaiah 51 in the NNT3
Isaiah 51 in the PDDPT
Isaiah 51 in the PFNT
Isaiah 51 in the RMNT
Isaiah 51 in the SBIAS
Isaiah 51 in the SBIBS
Isaiah 51 in the SBIBS2
Isaiah 51 in the SBICS
Isaiah 51 in the SBIDS
Isaiah 51 in the SBIGS
Isaiah 51 in the SBIHS
Isaiah 51 in the SBIIS
Isaiah 51 in the SBIIS2
Isaiah 51 in the SBIIS3
Isaiah 51 in the SBIKS
Isaiah 51 in the SBIKS2
Isaiah 51 in the SBIMS
Isaiah 51 in the SBIOS
Isaiah 51 in the SBIPS
Isaiah 51 in the SBISS
Isaiah 51 in the SBITS
Isaiah 51 in the SBITS2
Isaiah 51 in the SBITS3
Isaiah 51 in the SBITS4
Isaiah 51 in the SBIUS
Isaiah 51 in the SBIVS
Isaiah 51 in the SBT
Isaiah 51 in the SBT1E
Isaiah 51 in the SCHL
Isaiah 51 in the SNT
Isaiah 51 in the SUSU
Isaiah 51 in the SUSU2
Isaiah 51 in the SYNO
Isaiah 51 in the TBIAOTANT
Isaiah 51 in the TBT1E
Isaiah 51 in the TBT1E2
Isaiah 51 in the TFTIP
Isaiah 51 in the TFTU
Isaiah 51 in the TGNTATF3T
Isaiah 51 in the THAI
Isaiah 51 in the TNFD
Isaiah 51 in the TNT
Isaiah 51 in the TNTIK
Isaiah 51 in the TNTIL
Isaiah 51 in the TNTIN
Isaiah 51 in the TNTIP
Isaiah 51 in the TNTIZ
Isaiah 51 in the TOMA
Isaiah 51 in the TTENT
Isaiah 51 in the UBG
Isaiah 51 in the UGV
Isaiah 51 in the UGV2
Isaiah 51 in the UGV3
Isaiah 51 in the VBL
Isaiah 51 in the VDCC
Isaiah 51 in the YALU
Isaiah 51 in the YAPE
Isaiah 51 in the YBVTP
Isaiah 51 in the ZBP