Job 15 (BOSCB)

1 Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati: 2 “Ko, munhu akachenjera angapindura zvisina njere here,kana kuzadza dumbu rake nemhepo inopisa yokumabvazuva? 3 Ko, angakakavara namashoko asina maturo,kana namashoko asina basa here? 4 Asi unotorwisa umwariuye unodzivisa kunamata Mwari. 5 Chivi chako chinorunzira muromo wako;uye unotevera rurimi rwavanyengeri. 6 Muromo wako pachako ndiwo unokupa mhosva, kwete wangu,miromo yako pachako inokupupurira zvakaipa. 7 “Ko, ndiwe munhu wakatanga kuzvarwa here?Ko, iwe wakazvarwa makomo asati avapo here? 8 Unoteererawo here panokurukurwa mazano aMwari?Unoti uchenjeri ndohwako woga kanhi? 9 Chiiko chaunoziva chatisingazivi isu?Kunzwisisa kwaunako ndokweiko kwatisinawo isu? 10 Vane bvudzi rakachena navatana vakwegura vari kudivi redu,varume vatochembera kupinda baba vako. 11 Ko, kunyaradza kwaMwari hakuna kukukwanira here,iro shoko rakataurwa kwauri zvine unyoro? 12 Ko, mwoyo wako wakurasireiko,uye meso ako anobwairireiko, 13 zvokuti unoitira Mwari hashaugobudisa mashoko akadai kubva mumuromo mako? 14 “Munhu chiiko, zvokuti angava akanaka,kana munhu akazvarwa nomukadzi, kuti angava akarurama? 15 Kana Mwari akasavimba navatsvene vake,kunyange dai matenga akasava akachena pamberi pake, 16 ko, kuzoti munhu, ane uoriuye akaora, anonwa zvakaipa semvura! 17 “Nditeerere ndigokutsanangurira;rega ndikuudze zvandakaona, 18 zvakataurwa navanhu vakachenjera,vasingavanzi chinhu chavakagamuchira kubva kumadzibaba avo, 19 ivo voga vakapiwa nyikapasina mutorwa akapfuura napakati pavo: 20 Murume akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose,makore ose outsinye akachengeterwa iye. 21 Maungira anotyisa anozadza nzeve dzake;pazvinenge zvaita sezvakanaka, vapambi vanomurwisa. 22 Anorasikirwa netariro yokupunyuka parima;munondo ndiwo waakatarirwa. 23 Anofamba-famba achiita sechokudya zvamagora;anoziva kuti zuva rerima raswedera. 24 Kutambudzika nokurwadziwa zvinomuzadza nokutya;zvinomukunda, samambo agadzirira kurwisa, 25 nokuti anokungira Mwari chibhakera chakeuye anozvikudza pamusoro paWamasimba Ose, 26 achimhanyira kwaari asingatyiane nhoo hobvu, yakasimba. 27 “Kunyange chiso chake chakafukidzwa namafutauye chiuno chake chakafuta nenyama, 28 iye achagara mumaguta akaparadzwanomudzimba dzisingagarwi nomunhu,dzimba dzokoromoka kuva marara. 29 Haachazovazve mupfumi uye pfuma yake haingagari,kana nepfuma yake haingazadzi nyika. 30 Haangapunyuki rima;murazvo uchasvavisa mabukira ake,uye kufema kwomuromo waMwari kuchamurasira kure. 31 Ngaarege kuzvinyengera nokuvimba nezvisina maturo,nokuti haana chaachawana pazviri. 32 Acharipirwa zvakazara nguva yake isati yasvika,uye matavi ake haangawandi. 33 Achafanana nomuzambiringa wabvisirwa mazambiringa asati aibva,kufanana nomuti womuorivhi wodonhedza maruva awo. 34 Nokuti ungano yavasingadi Mwari ichashaya zvibereko,uye moto uchaparadza matende avaya vanofarira fufuro. 35 Vanobata mimba yokutambudzika vagozvara zvakaipa;dumbu ravo rinogadzira kunyengera.”

In Other Versions

Job 15 in the ANGEFD

Job 15 in the ANTPNG2D

Job 15 in the AS21

Job 15 in the BAGH

Job 15 in the BBPNG

Job 15 in the BBT1E

Job 15 in the BDS

Job 15 in the BEV

Job 15 in the BHAD

Job 15 in the BIB

Job 15 in the BLPT

Job 15 in the BNT

Job 15 in the BNTABOOT

Job 15 in the BNTLV

Job 15 in the BOATCB

Job 15 in the BOATCB2

Job 15 in the BOBCV

Job 15 in the BOCNT

Job 15 in the BOECS

Job 15 in the BOGWICC

Job 15 in the BOHCB

Job 15 in the BOHCV

Job 15 in the BOHLNT

Job 15 in the BOHNTLTAL

Job 15 in the BOICB

Job 15 in the BOILNTAP

Job 15 in the BOITCV

Job 15 in the BOKCV

Job 15 in the BOKCV2

Job 15 in the BOKHWOG

Job 15 in the BOKSSV

Job 15 in the BOLCB

Job 15 in the BOLCB2

Job 15 in the BOMCV

Job 15 in the BONAV

Job 15 in the BONCB

Job 15 in the BONLT

Job 15 in the BONUT2

Job 15 in the BOPLNT

Job 15 in the BOSNC

Job 15 in the BOTLNT

Job 15 in the BOVCB

Job 15 in the BOYCB

Job 15 in the BPBB

Job 15 in the BPH

Job 15 in the BSB

Job 15 in the CCB

Job 15 in the CUV

Job 15 in the CUVS

Job 15 in the DBT

Job 15 in the DGDNT

Job 15 in the DHNT

Job 15 in the DNT

Job 15 in the ELBE

Job 15 in the EMTV

Job 15 in the ESV

Job 15 in the FBV

Job 15 in the FEB

Job 15 in the GGMNT

Job 15 in the GNT

Job 15 in the HARY

Job 15 in the HNT

Job 15 in the IRVA

Job 15 in the IRVB

Job 15 in the IRVG

Job 15 in the IRVH

Job 15 in the IRVK

Job 15 in the IRVM

Job 15 in the IRVM2

Job 15 in the IRVO

Job 15 in the IRVP

Job 15 in the IRVT

Job 15 in the IRVT2

Job 15 in the IRVU

Job 15 in the ISVN

Job 15 in the JSNT

Job 15 in the KAPI

Job 15 in the KBT1ETNIK

Job 15 in the KBV

Job 15 in the KJV

Job 15 in the KNFD

Job 15 in the LBA

Job 15 in the LBLA

Job 15 in the LNT

Job 15 in the LSV

Job 15 in the MAAL

Job 15 in the MBV

Job 15 in the MBV2

Job 15 in the MHNT

Job 15 in the MKNFD

Job 15 in the MNG

Job 15 in the MNT

Job 15 in the MNT2

Job 15 in the MRS1T

Job 15 in the NAA

Job 15 in the NASB

Job 15 in the NBLA

Job 15 in the NBS

Job 15 in the NBVTP

Job 15 in the NET2

Job 15 in the NIV11

Job 15 in the NNT

Job 15 in the NNT2

Job 15 in the NNT3

Job 15 in the PDDPT

Job 15 in the PFNT

Job 15 in the RMNT

Job 15 in the SBIAS

Job 15 in the SBIBS

Job 15 in the SBIBS2

Job 15 in the SBICS

Job 15 in the SBIDS

Job 15 in the SBIGS

Job 15 in the SBIHS

Job 15 in the SBIIS

Job 15 in the SBIIS2

Job 15 in the SBIIS3

Job 15 in the SBIKS

Job 15 in the SBIKS2

Job 15 in the SBIMS

Job 15 in the SBIOS

Job 15 in the SBIPS

Job 15 in the SBISS

Job 15 in the SBITS

Job 15 in the SBITS2

Job 15 in the SBITS3

Job 15 in the SBITS4

Job 15 in the SBIUS

Job 15 in the SBIVS

Job 15 in the SBT

Job 15 in the SBT1E

Job 15 in the SCHL

Job 15 in the SNT

Job 15 in the SUSU

Job 15 in the SUSU2

Job 15 in the SYNO

Job 15 in the TBIAOTANT

Job 15 in the TBT1E

Job 15 in the TBT1E2

Job 15 in the TFTIP

Job 15 in the TFTU

Job 15 in the TGNTATF3T

Job 15 in the THAI

Job 15 in the TNFD

Job 15 in the TNT

Job 15 in the TNTIK

Job 15 in the TNTIL

Job 15 in the TNTIN

Job 15 in the TNTIP

Job 15 in the TNTIZ

Job 15 in the TOMA

Job 15 in the TTENT

Job 15 in the UBG

Job 15 in the UGV

Job 15 in the UGV2

Job 15 in the UGV3

Job 15 in the VBL

Job 15 in the VDCC

Job 15 in the YALU

Job 15 in the YAPE

Job 15 in the YBVTP

Job 15 in the ZBP