Mark 3 (BOSCB)

1 Pane imwe nguva akapinda musinagoge, uye imomo makanga mune murume akanga ane ruoko rwakanga rwakakokonyara. 2 Vamwe vavo vakanga vachitsvaka mhosva yavangapomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizomuporesa nomusi weSabata. 3 Jesu akati kumurume akanga ane ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” 4 Ipapo Jesu akavabvunza akati, “Ndezvipiko zvinotenderwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?” Asi vakaramba vanyerere. 5 Atsamwa, akatarisa vanhu vose vakanga vakamukomberedza, uye ashungurudzwa nokuda kwokusindimara kwemwoyo yavo akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, uye ruoko rwake rukaporeswa. 6 Ipapo vaFarisi vakabuda vakatanga kurangana navaHerodhi kuti vangauraya sei Jesu. 7 Jesu akabva kugungwa navadzidzi vake, uye vanhu vazhinji vaibva kuGarirea vakamutevera. 8 Vakati vanzwa zvose zvaakanga achiita, vanhu vazhinji vakauya kwaari vachibva kuJudhea, Jerusarema, Idhumea, uye namatunhu ari mhiri kweJorodhani, neakapoteredza Tire neSidhoni. 9 Akaudza vadzidzi vake kuti vamutsvagire igwa duku, kuitira kuti vanhu varege kumutsikirira nokuda kwokuwanda kwavo. 10 Ainge aporesa vazhinji zvokuti vaya vakanga vane zvirwere vakanga vachisundana vachiuya mberi kuti vamubate. 11 Pose paaionekwa nemweya yakaipa, yaiwira pasi pamberi pake uye yaidanidzira ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari.” 12 Asi iye akairayira kwazvo kuti irege kutaura kuti akanga ari ani. 13 Jesu akakwira pagomo akadana kwaari vaya vaaida, uye vakauya. 14 Akasarudza vane gumi navaviri akavati vapostori, kuti vagare naye uye kuti agozovatuma kuti vandoparidza 15 uye kuti vave nesimba rokudzinga madhimoni. 16 Ava ndivo gumi navaviri vaakasarudza: Simoni (uyo waakatumidza zita rokuti Petro), 17 Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani (avo vaakatumidza zita rokuti Bhoanerigesi, kureva kuti Vanakomana voKutinhira), 18 Andirea,Firipi,Bhatoromeo,Mateo,Tomasi,Jakobho mwanakomana waArifeasi,Tadheo,Simoni muZeroti 19 naJudhasi Iskarioti, uyo akamupandukira. 20 Ipapo Jesu akapinda mune imwe imba, uye vazhinji vakaunganazve, zvokuti iye navadzidzi vake vakanga vasingagoni kunyange kudya. 21 Mhuri yake yakati yazvinzwa, vakaenda kundomubata, nokuti vakati, “Ava kupenga.” 22 Uye vadzidzisi vomurayiro vaibva kuJerusarema vakati, “Akabatwa nomweya waBheerizebhubhi! Ari kudzinga madhimoni nomuchinda wamadhimoni.” 23 Saka Jesu akavadana akataura kwavari nomufananidzo achiti, “Ko, Satani angadzinga sei Satani? 24 Kana umambo huchizvipesanisa, umambo ihwohwo hahugoni kumira. 25 Kana imba ichizvipesanisa, imba iyoyo haigoni kumira. 26 Uye kana Satani achizvipikisa pachake uye achizvipesanisa, haangagoni kumira; kuguma kwake kwasvika. 27 Zviripo ndezvokuti, hakuna munhu angapinda mumba momunhu ane simba agotakura zvinhu zvake, kana asina kutanga asunga murume wacho ane simba. Ipapo angagona kupamba imba yake. 28 Ndinokuudzai chokwadi kuti zvivi zvose nokumhura kwavanhu kwose zvicharegererwa. 29 Asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazomboregererwi; ane mhosva yechivi chisingaperi.” 30 Akataura izvozvo nokuti vakanga vachiti, “Ano mweya wakaipa.” 31 Ipapo mai vaJesu navanunʼuna vake vakauya. Vakatuma munhu kundomudana ivo vamire panze. 32 Vazhinji vakanga vagere vakamukomberedza, uye vakati kwaari, “Mai venyu navanunʼuna venyu vari kukutsvakai panze.” 33 Iye akati, “Vanamai vangu navanunʼuna vangu ndivanaaniko?” 34 Ipapo akatarisa kuna avo vakanga vagere vakaita denderedzwa vakamupoteredza akati, “Ava ndivo mai vangu navanunʼuna vangu! 35 Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye mununʼuna wangu nehanzvadzi, uye namai vangu.”

In Other Versions

Mark 3 in the ANGEFD

Mark 3 in the ANTPNG2D

Mark 3 in the AS21

Mark 3 in the BAGH

Mark 3 in the BBPNG

Mark 3 in the BBT1E

Mark 3 in the BDS

Mark 3 in the BEV

Mark 3 in the BHAD

Mark 3 in the BIB

Mark 3 in the BLPT

Mark 3 in the BNT

Mark 3 in the BNTABOOT

Mark 3 in the BNTLV

Mark 3 in the BOATCB

Mark 3 in the BOATCB2

Mark 3 in the BOBCV

Mark 3 in the BOCNT

Mark 3 in the BOECS

Mark 3 in the BOGWICC

Mark 3 in the BOHCB

Mark 3 in the BOHCV

Mark 3 in the BOHLNT

Mark 3 in the BOHNTLTAL

Mark 3 in the BOICB

Mark 3 in the BOILNTAP

Mark 3 in the BOITCV

Mark 3 in the BOKCV

Mark 3 in the BOKCV2

Mark 3 in the BOKHWOG

Mark 3 in the BOKSSV

Mark 3 in the BOLCB

Mark 3 in the BOLCB2

Mark 3 in the BOMCV

Mark 3 in the BONAV

Mark 3 in the BONCB

Mark 3 in the BONLT

Mark 3 in the BONUT2

Mark 3 in the BOPLNT

Mark 3 in the BOSNC

Mark 3 in the BOTLNT

Mark 3 in the BOVCB

Mark 3 in the BOYCB

Mark 3 in the BPBB

Mark 3 in the BPH

Mark 3 in the BSB

Mark 3 in the CCB

Mark 3 in the CUV

Mark 3 in the CUVS

Mark 3 in the DBT

Mark 3 in the DGDNT

Mark 3 in the DHNT

Mark 3 in the DNT

Mark 3 in the ELBE

Mark 3 in the EMTV

Mark 3 in the ESV

Mark 3 in the FBV

Mark 3 in the FEB

Mark 3 in the GGMNT

Mark 3 in the GNT

Mark 3 in the HARY

Mark 3 in the HNT

Mark 3 in the IRVA

Mark 3 in the IRVB

Mark 3 in the IRVG

Mark 3 in the IRVH

Mark 3 in the IRVK

Mark 3 in the IRVM

Mark 3 in the IRVM2

Mark 3 in the IRVO

Mark 3 in the IRVP

Mark 3 in the IRVT

Mark 3 in the IRVT2

Mark 3 in the IRVU

Mark 3 in the ISVN

Mark 3 in the JSNT

Mark 3 in the KAPI

Mark 3 in the KBT1ETNIK

Mark 3 in the KBV

Mark 3 in the KJV

Mark 3 in the KNFD

Mark 3 in the LBA

Mark 3 in the LBLA

Mark 3 in the LNT

Mark 3 in the LSV

Mark 3 in the MAAL

Mark 3 in the MBV

Mark 3 in the MBV2

Mark 3 in the MHNT

Mark 3 in the MKNFD

Mark 3 in the MNG

Mark 3 in the MNT

Mark 3 in the MNT2

Mark 3 in the MRS1T

Mark 3 in the NAA

Mark 3 in the NASB

Mark 3 in the NBLA

Mark 3 in the NBS

Mark 3 in the NBVTP

Mark 3 in the NET2

Mark 3 in the NIV11

Mark 3 in the NNT

Mark 3 in the NNT2

Mark 3 in the NNT3

Mark 3 in the PDDPT

Mark 3 in the PFNT

Mark 3 in the RMNT

Mark 3 in the SBIAS

Mark 3 in the SBIBS

Mark 3 in the SBIBS2

Mark 3 in the SBICS

Mark 3 in the SBIDS

Mark 3 in the SBIGS

Mark 3 in the SBIHS

Mark 3 in the SBIIS

Mark 3 in the SBIIS2

Mark 3 in the SBIIS3

Mark 3 in the SBIKS

Mark 3 in the SBIKS2

Mark 3 in the SBIMS

Mark 3 in the SBIOS

Mark 3 in the SBIPS

Mark 3 in the SBISS

Mark 3 in the SBITS

Mark 3 in the SBITS2

Mark 3 in the SBITS3

Mark 3 in the SBITS4

Mark 3 in the SBIUS

Mark 3 in the SBIVS

Mark 3 in the SBT

Mark 3 in the SBT1E

Mark 3 in the SCHL

Mark 3 in the SNT

Mark 3 in the SUSU

Mark 3 in the SUSU2

Mark 3 in the SYNO

Mark 3 in the TBIAOTANT

Mark 3 in the TBT1E

Mark 3 in the TBT1E2

Mark 3 in the TFTIP

Mark 3 in the TFTU

Mark 3 in the TGNTATF3T

Mark 3 in the THAI

Mark 3 in the TNFD

Mark 3 in the TNT

Mark 3 in the TNTIK

Mark 3 in the TNTIL

Mark 3 in the TNTIN

Mark 3 in the TNTIP

Mark 3 in the TNTIZ

Mark 3 in the TOMA

Mark 3 in the TTENT

Mark 3 in the UBG

Mark 3 in the UGV

Mark 3 in the UGV2

Mark 3 in the UGV3

Mark 3 in the VBL

Mark 3 in the VDCC

Mark 3 in the YALU

Mark 3 in the YAPE

Mark 3 in the YBVTP

Mark 3 in the ZBP