1 Peter 1 (BOSCB)

1 Petro, mupostori waJesu Kristu, kuvasanangurwa vaMwari, vatorwa munyika, vakapararira muPondasi yose, neGaratia, neKapadhokia, Ezhia neBhitinia, 2 vakasarudzwa maererano nokuziva zviri mberi kunoita Mwari Baba, kubudikidza nebasa roMweya rokuvaita vatsvene, kuti vateerere kuna Jesu Kristu nokusaswa neropa rake: Nyasha norugare ngazviwande kwamuri. 3 Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, ngaarumbidzwe! Nengoni dzake huru, akatibereka patsva akatipinza mutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa, 4 akatiisa munhaka isingagoni kuparara, isingaori kana kusvava, yamakachengeterwa kudenga, 5 imi munodzivirirwa nesimba raMwari nokutenda kusvikira ruponeso rwauya rwakagadzirirwa kuti ruratidzwe munguva dzokupedzisira. 6 Mune izvi munofara zvikuru kunyange zvino, kana zvichifanira, muchitambudzika kwechinguva chiduku nenzira dzose dzemiedzo. 7 Izvi zvakauya kuitira kuti kutenda kwenyu, kunokosha kupfuura goridhe, rinoparara kunyange zvaro rakanatswa nomoto, kuwanikwe kwakakwana uye kuve kunorumbidzwa, kunobwinya uye kunokudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu. 8 Kunyange musina kumuona, munomuda; kunyange zvazvo musingamuoni zvino, munotenda kwaari uye muzere nomufaro usingagoni kurondedzerwa, 9 nokuti muri kugamuchira chinovavarirwa nokutenda kwenyu, irwo ruponeso rwemweya yenyu. 10 Nezvoruponeso urwu, vaprofita vakataura nezvenyasha dzaizouya kwamuri, vakanzvera zvikuru uye vakabvunza zvikuru, 11 vachiedza kunzvera kuti vaone nguva nezvinhu zvairatidzwa noMweya wakanga uri mukati mavo pawakaprofita nezvokutambudzika kwaKristu, uye nezvokubwinya kwaizotevera. 12 Zvakaratidzwa kwavari kuti vakanga vasingazvishumiri ivo, asi imi, pavakataura nezvezvinhu zvakataurwa kwamuri zvino naavo vakaparidza vhangeri kwamuri noMweya Mutsvene wakatumwa uchibva kudenga. Kunyange vatumwa vanoshuva kuona zvinhu izvozvi. 13 Naizvozvo, pfungwa dzenyu ngadzigadzirire kushanda, muzvidzore; muise, zvizere, tariro yenyu panyasha dzamuchapiwa pakuonekwa kwaJesu Kristu. 14 Savana vanoteerera, musaenzaniswa nezvido zvakaipa zvamaiva nazvo pamairarama mukusaziva. 15 Asi saiye akakudanai mutsvene, ivai vatsvene pane zvose zvamunoita; 16 nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” 17 Sezvo muchidana kuna Baba vanotonga basa romunhu mumwe nomumwe vasingatsauri, mugare upenyu hwenyu pano savatorwa muchitya. 18 Nokuti munoziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinhu zvinoora, zvakadai sesirivha kana goridhe, kubva paupenyu hwenyu husina maturo, hwamakagamuchira kubva kumadzitateguru enyu, 19 asi neropa rinokosha raKristu, iro gwayana risina charingapomerwa uye risina kuremara. 20 Akasanangurwa kare nyika isati yavapo, asi akaratidzwa kwamuri mumazuva ano okupedzisira nokuda kwenyu. 21 Kubudikidza naye munotenda kuna Mwari, akamumutsa kubva kuvakafa uye akamukudza, kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive muna Mwari. 22 Zvino zvamakanatsa mwoyo yenyu nokuteerera chokwadi kuitira kuti mude hama muzvokwadi, munofanira kudanana zvikuru, zvichibva pamwoyo. 23 Nokuti makaberekwa patsva, kwete nembeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari benyu uye rinogara nokusingaperi. 24 Nokuti,“Vanhu vose vakaita souswa,uye kuyevedza kwavo kwakaita samaruva ouswa;uswa hunosvava uye maruva anowira pasi, 25 asi shoko raShe rinogara nokusingaperi.”Uye iri ndiro shoko ramakaparidzirwa.

In Other Versions

1 Peter 1 in the ANGEFD

1 Peter 1 in the ANTPNG2D

1 Peter 1 in the AS21

1 Peter 1 in the BAGH

1 Peter 1 in the BBPNG

1 Peter 1 in the BBT1E

1 Peter 1 in the BDS

1 Peter 1 in the BEV

1 Peter 1 in the BHAD

1 Peter 1 in the BIB

1 Peter 1 in the BLPT

1 Peter 1 in the BNT

1 Peter 1 in the BNTABOOT

1 Peter 1 in the BNTLV

1 Peter 1 in the BOATCB

1 Peter 1 in the BOATCB2

1 Peter 1 in the BOBCV

1 Peter 1 in the BOCNT

1 Peter 1 in the BOECS

1 Peter 1 in the BOGWICC

1 Peter 1 in the BOHCB

1 Peter 1 in the BOHCV

1 Peter 1 in the BOHLNT

1 Peter 1 in the BOHNTLTAL

1 Peter 1 in the BOICB

1 Peter 1 in the BOILNTAP

1 Peter 1 in the BOITCV

1 Peter 1 in the BOKCV

1 Peter 1 in the BOKCV2

1 Peter 1 in the BOKHWOG

1 Peter 1 in the BOKSSV

1 Peter 1 in the BOLCB

1 Peter 1 in the BOLCB2

1 Peter 1 in the BOMCV

1 Peter 1 in the BONAV

1 Peter 1 in the BONCB

1 Peter 1 in the BONLT

1 Peter 1 in the BONUT2

1 Peter 1 in the BOPLNT

1 Peter 1 in the BOSNC

1 Peter 1 in the BOTLNT

1 Peter 1 in the BOVCB

1 Peter 1 in the BOYCB

1 Peter 1 in the BPBB

1 Peter 1 in the BPH

1 Peter 1 in the BSB

1 Peter 1 in the CCB

1 Peter 1 in the CUV

1 Peter 1 in the CUVS

1 Peter 1 in the DBT

1 Peter 1 in the DGDNT

1 Peter 1 in the DHNT

1 Peter 1 in the DNT

1 Peter 1 in the ELBE

1 Peter 1 in the EMTV

1 Peter 1 in the ESV

1 Peter 1 in the FBV

1 Peter 1 in the FEB

1 Peter 1 in the GGMNT

1 Peter 1 in the GNT

1 Peter 1 in the HARY

1 Peter 1 in the HNT

1 Peter 1 in the IRVA

1 Peter 1 in the IRVB

1 Peter 1 in the IRVG

1 Peter 1 in the IRVH

1 Peter 1 in the IRVK

1 Peter 1 in the IRVM

1 Peter 1 in the IRVM2

1 Peter 1 in the IRVO

1 Peter 1 in the IRVP

1 Peter 1 in the IRVT

1 Peter 1 in the IRVT2

1 Peter 1 in the IRVU

1 Peter 1 in the ISVN

1 Peter 1 in the JSNT

1 Peter 1 in the KAPI

1 Peter 1 in the KBT1ETNIK

1 Peter 1 in the KBV

1 Peter 1 in the KJV

1 Peter 1 in the KNFD

1 Peter 1 in the LBA

1 Peter 1 in the LBLA

1 Peter 1 in the LNT

1 Peter 1 in the LSV

1 Peter 1 in the MAAL

1 Peter 1 in the MBV

1 Peter 1 in the MBV2

1 Peter 1 in the MHNT

1 Peter 1 in the MKNFD

1 Peter 1 in the MNG

1 Peter 1 in the MNT

1 Peter 1 in the MNT2

1 Peter 1 in the MRS1T

1 Peter 1 in the NAA

1 Peter 1 in the NASB

1 Peter 1 in the NBLA

1 Peter 1 in the NBS

1 Peter 1 in the NBVTP

1 Peter 1 in the NET2

1 Peter 1 in the NIV11

1 Peter 1 in the NNT

1 Peter 1 in the NNT2

1 Peter 1 in the NNT3

1 Peter 1 in the PDDPT

1 Peter 1 in the PFNT

1 Peter 1 in the RMNT

1 Peter 1 in the SBIAS

1 Peter 1 in the SBIBS

1 Peter 1 in the SBIBS2

1 Peter 1 in the SBICS

1 Peter 1 in the SBIDS

1 Peter 1 in the SBIGS

1 Peter 1 in the SBIHS

1 Peter 1 in the SBIIS

1 Peter 1 in the SBIIS2

1 Peter 1 in the SBIIS3

1 Peter 1 in the SBIKS

1 Peter 1 in the SBIKS2

1 Peter 1 in the SBIMS

1 Peter 1 in the SBIOS

1 Peter 1 in the SBIPS

1 Peter 1 in the SBISS

1 Peter 1 in the SBITS

1 Peter 1 in the SBITS2

1 Peter 1 in the SBITS3

1 Peter 1 in the SBITS4

1 Peter 1 in the SBIUS

1 Peter 1 in the SBIVS

1 Peter 1 in the SBT

1 Peter 1 in the SBT1E

1 Peter 1 in the SCHL

1 Peter 1 in the SNT

1 Peter 1 in the SUSU

1 Peter 1 in the SUSU2

1 Peter 1 in the SYNO

1 Peter 1 in the TBIAOTANT

1 Peter 1 in the TBT1E

1 Peter 1 in the TBT1E2

1 Peter 1 in the TFTIP

1 Peter 1 in the TFTU

1 Peter 1 in the TGNTATF3T

1 Peter 1 in the THAI

1 Peter 1 in the TNFD

1 Peter 1 in the TNT

1 Peter 1 in the TNTIK

1 Peter 1 in the TNTIL

1 Peter 1 in the TNTIN

1 Peter 1 in the TNTIP

1 Peter 1 in the TNTIZ

1 Peter 1 in the TOMA

1 Peter 1 in the TTENT

1 Peter 1 in the UBG

1 Peter 1 in the UGV

1 Peter 1 in the UGV2

1 Peter 1 in the UGV3

1 Peter 1 in the VBL

1 Peter 1 in the VDCC

1 Peter 1 in the YALU

1 Peter 1 in the YAPE

1 Peter 1 in the YBVTP

1 Peter 1 in the ZBP