John 11 (BOSCB)

1 Zvino mumwe murume ainzi Razaro akanga achirwara. Aibva kuBhetani, musha waMaria naMarita mukoma wake. 2 Maria uyu, ane hanzvadzi yake Razaro akanga avete achirwara, ndiye uya akadururira mafuta anonhuhwira pana Ishe uye akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake. 3 Saka hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kuna Jesu, dzikati, “Ishe, uya wamunoda ari kurwara.” 4 Akati anzwa izvozvo, Jesu akati, “Kurwara uku hakumusvitsi kurufu. Kwete, kune chokuita nokukudzwa kwaMwari kuitira kuti Mwanakomana waMwari akudzwe kubudikidza naizvozvo.” 5 Jesu aida Marita, nomununʼuna wake uye naRazaro. 6 Asi paakanzwa kuti Razaro akanga achirwara, akagara paakanga ari kwamamwe mazuva maviri. 7 Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Ngatidzokerei kuJudhea.” 8 Vakati kwaari, “Asika Rabhi, nguva pfupi ichangopfuura, vaJudha vakanga vachiedza kukutakai namabwe, zvino munoda kudzokerazve ikoko here?” 9 Jesu akapindura akati, “Ko, nguva hadzizi gumi nembiri pazuva here? Munhu anofamba masikati haagumburwi, nokuti anoona nechiedza chenyika ino. 10 Anogumburwa paanenge achifamba usiku, nokuti haana chiedza.” 11 Akati ataura izvi, akaenderera mberi achiti kwavari, “Shamwari yedu Razaro avata; asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa.” 12 Vadzidzi vake vakapindura vakati, “Ishe, kana akavata, achaita zviri nani.” 13 Jesu akanga achitaura nezvorufu rwake, asi vadzidzi vake vakafunga kuti akanga achireva kuvata hope chaidzo. 14 Saka ipapo akavataurira pachena akati, “Razaro afa, 15 uye nokuda kwenyu, ndinofara nokuti ndakanga ndisiko, kuitira kuti imi mugotenda. Asi ngatichiendai kwaari.” 16 Ipapo Tomasi Dhidhimo akati kuvadzidzi vose, “Ngatiendei, kuti tinofawo naye.” 17 Jesu paakasvika akawana Razaro anguva ava muguva kwamazuva mana. 18 Bhetani yaiva makiromita angangosvika matatu kubva muJerusarema, 19 uye vaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Marita naMaria kuti vazovanyaradza pakurasikirwa kwavo nehanzvadzi yavo. 20 Marita akati anzwa kuti Jesu auya, akabuda kundomuchingamidza, asi Maria akasara mumba. 21 Marita akati kuna Jesu, “Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. 22 Asi ndinoziva kuti kunyange izvozvi Mwari achakupai zvose zvamuchakumbira.” 23 Jesu akati kwaari, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” 24 Marita akati, “Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka kwezuva rokupedzisira.” 25 Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa; 26 uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda here izvi?” 27 Iye akati, “Hongu, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo akanzi achauya panyika.” 28 Akati ataura izvozvo, akadzokera akandodana parutivi mununʼuna wake Maria. Akati, “Mudzidzisi ari pano, uye ari kukubvunza.” 29 Maria akati anzwa izvozvo, akasimuka nokukurumidza akaenda kwaari. 30 Zvino Jesu akanga asati apinda mumusha, asi akanga achiri panzvimbo paya paakanga asangana naMarita. 31 VaJudha vakanga vari mumba naMaria, vachimunyaradza, vakati vachiona kuti akurumidza sei kusimuka achibuda kunze, vakamutevera, vachifunga kuti zvimwe akanga oenda kuguva kuti andochema ikoko. 32 Maria akati asvika panzvimbo pakanga pana Jesu uye akamuona, akawira patsoka dzake akati, “Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” 33 Jesu akati achimuona achichema, uye vaJudha vakanga vauya naye vachichemawo, akabatwa neshungu kwazvo mumweya make uye akatambudzika. 34 Akavabvunza akati, “Mamuradzika kupiko?”Vakati kwaari, “Uyai muone, Ishe.” 35 Jesu akachema. 36 Ipapo vaJudha vakati, “Onai kuti aimuda sei!” 37 Asi vamwe vavo vakati, “Ko, uyu akasvinudza bofu akanga asingagoni here kuita kuti munhu uyu arege kufa?” 38 Jesu, akabatwa neshungu kwazvo, akasvika paguva. Rakanga riri bako rine dombo rakanga rakaradzikwa rakachinjika mukova waro. 39 Akati, “Bvisai ibwe.”Marita, hanzvadzi yomurume akanga afa akati, “Asika, Ishe, pari zvino ava kunhuhwa, nokuti atova mazuva mana arimo.” 40 Ipapo Jesu akati, “Ko, handina kukuudza here kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari?” 41 Saka vakabvisa ibwe. Ipapo Jesu akatarisa kudenga akati, “Baba, ndinokuvongai nokuti mandinzwa. 42 Ndinozviziva kuti munogara muchindinzwa, asi ndareva izvi nokuda kwavanhu vamire pano, kuti vatende kuti imi makandituma.” 43 Akati areva izvozvo, Jesu akadanidzira nenzwi guru akati, “Razaro, buda!” 44 Murume akanga afa uya akabuda, maoko ake namakumbo zvakapombwa nemicheka, uye chiso chake chakafukidzwa nomucheka.Jesu akati kwavari, “Mubvisei nguo dzomuguva mumurege aende.” 45 Naizvozvo vazhinji vavaJudha vakanga vauya kuzoshanyira Maria, uye vaona zvakanga zvaitwa naJesu, vakatenda kwaari. 46 Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarisi vakavaudza zvakanga zvaitwa naJesu. 47 Ipapo vaprista vakuru navaFarisi vakadana musangano weDare Guru ravaJudha.Vakati, “Tiri kuiteiko? Hounoka murume ari kuita zviratidzo zvesimba zvizhinji. 48 Kana tikamurega achienderera mberi saizvozvi, munhu wose achatenda kwaari, uye vaRoma vachauya vakatitorera zvose nzvimbo yedu nenyika yedu.” 49 Ipapo mumwe wavo ainzi Kayafasi, akanga ari muprista mukuru wegore iroro akataura achiti, “Hamuna zvamunoziva imi! 50 Hamuzivi here kuti zviri nani kwamuri kuti munhu mumwe afire vanhu pano kuti rudzi rwose ruparare.” 51 Haana kungotaura izvi pachake, asi sezvaakanga ari muprista mukuru wegore iroro, akaprofita kuti Jesu aizofira rudzi rwavaJudha, 52 uye rusati rwuri rudzi irworwo bedzi asiwo vana vaMwari vakapararira, kuti avaunganidze agovaita vamwe. 53 Saka kubva pazuva iroro zvichienda mberi, vakarangana kumuuraya. 54 Naizvozvo Jesu haana kuzofamba pachena pakati pavaJudha. Asi akabva akaenda kudunhu raiva pedyo nerenje, kumusha wainzi Efuremu, kwaakandogara navadzidzi vake. 55 Pasika yavaJudha yakati yoswedera, vazhinji vaibva munyika iyo vakakwidza kuJerusarema kuti vandozvinatsa Pasika isati yasvika. 56 Vakaramba vachitsvaka Jesu, uye pavakanga vamire mutemberi, vakabvunzana vakati, “Munofungeiko? Haasi kuzouya kumutambo here?” 57 Asi vaprista vakuru navaFarisi vakanga varayira kuti kana paine anenge aziva kuna Jesu, aifanira kuvazivisa kuitira kuti vagomusunga.

In Other Versions

John 11 in the ANGEFD

John 11 in the ANTPNG2D

John 11 in the AS21

John 11 in the BAGH

John 11 in the BBPNG

John 11 in the BBT1E

John 11 in the BDS

John 11 in the BEV

John 11 in the BHAD

John 11 in the BIB

John 11 in the BLPT

John 11 in the BNT

John 11 in the BNTABOOT

John 11 in the BNTLV

John 11 in the BOATCB

John 11 in the BOATCB2

John 11 in the BOBCV

John 11 in the BOCNT

John 11 in the BOECS

John 11 in the BOGWICC

John 11 in the BOHCB

John 11 in the BOHCV

John 11 in the BOHLNT

John 11 in the BOHNTLTAL

John 11 in the BOICB

John 11 in the BOILNTAP

John 11 in the BOITCV

John 11 in the BOKCV

John 11 in the BOKCV2

John 11 in the BOKHWOG

John 11 in the BOKSSV

John 11 in the BOLCB

John 11 in the BOLCB2

John 11 in the BOMCV

John 11 in the BONAV

John 11 in the BONCB

John 11 in the BONLT

John 11 in the BONUT2

John 11 in the BOPLNT

John 11 in the BOSNC

John 11 in the BOTLNT

John 11 in the BOVCB

John 11 in the BOYCB

John 11 in the BPBB

John 11 in the BPH

John 11 in the BSB

John 11 in the CCB

John 11 in the CUV

John 11 in the CUVS

John 11 in the DBT

John 11 in the DGDNT

John 11 in the DHNT

John 11 in the DNT

John 11 in the ELBE

John 11 in the EMTV

John 11 in the ESV

John 11 in the FBV

John 11 in the FEB

John 11 in the GGMNT

John 11 in the GNT

John 11 in the HARY

John 11 in the HNT

John 11 in the IRVA

John 11 in the IRVB

John 11 in the IRVG

John 11 in the IRVH

John 11 in the IRVK

John 11 in the IRVM

John 11 in the IRVM2

John 11 in the IRVO

John 11 in the IRVP

John 11 in the IRVT

John 11 in the IRVT2

John 11 in the IRVU

John 11 in the ISVN

John 11 in the JSNT

John 11 in the KAPI

John 11 in the KBT1ETNIK

John 11 in the KBV

John 11 in the KJV

John 11 in the KNFD

John 11 in the LBA

John 11 in the LBLA

John 11 in the LNT

John 11 in the LSV

John 11 in the MAAL

John 11 in the MBV

John 11 in the MBV2

John 11 in the MHNT

John 11 in the MKNFD

John 11 in the MNG

John 11 in the MNT

John 11 in the MNT2

John 11 in the MRS1T

John 11 in the NAA

John 11 in the NASB

John 11 in the NBLA

John 11 in the NBS

John 11 in the NBVTP

John 11 in the NET2

John 11 in the NIV11

John 11 in the NNT

John 11 in the NNT2

John 11 in the NNT3

John 11 in the PDDPT

John 11 in the PFNT

John 11 in the RMNT

John 11 in the SBIAS

John 11 in the SBIBS

John 11 in the SBIBS2

John 11 in the SBICS

John 11 in the SBIDS

John 11 in the SBIGS

John 11 in the SBIHS

John 11 in the SBIIS

John 11 in the SBIIS2

John 11 in the SBIIS3

John 11 in the SBIKS

John 11 in the SBIKS2

John 11 in the SBIMS

John 11 in the SBIOS

John 11 in the SBIPS

John 11 in the SBISS

John 11 in the SBITS

John 11 in the SBITS2

John 11 in the SBITS3

John 11 in the SBITS4

John 11 in the SBIUS

John 11 in the SBIVS

John 11 in the SBT

John 11 in the SBT1E

John 11 in the SCHL

John 11 in the SNT

John 11 in the SUSU

John 11 in the SUSU2

John 11 in the SYNO

John 11 in the TBIAOTANT

John 11 in the TBT1E

John 11 in the TBT1E2

John 11 in the TFTIP

John 11 in the TFTU

John 11 in the TGNTATF3T

John 11 in the THAI

John 11 in the TNFD

John 11 in the TNT

John 11 in the TNTIK

John 11 in the TNTIL

John 11 in the TNTIN

John 11 in the TNTIP

John 11 in the TNTIZ

John 11 in the TOMA

John 11 in the TTENT

John 11 in the UBG

John 11 in the UGV

John 11 in the UGV2

John 11 in the UGV3

John 11 in the VBL

John 11 in the VDCC

John 11 in the YALU

John 11 in the YAPE

John 11 in the YBVTP

John 11 in the ZBP