Deuteronomy 22 (BOSCB)

1 Kana ukaona nzombe yehama yako kana gwai rake rarasika, usarishayira hanya asi uone kuti waridzorera kwaari. 2 Kana hama iyi ichigara kure newe kana kuti usingaizivi kuti ndiani, ritore uende naro kumba undorichengeta kusvikira muridzi waro auya achiritsvaga. Ipapo uridzosere kwaari. 3 Uite zvimwe chetezvo kana uchinge waona mbongoro yehama yako kana nguo yake kana chinhu chipi zvacho chaanenge arasikirwa nacho. Usachisiya. 4 Kana ukaona mbongoro yehama yako kana nzombe yake yakawa panzira, usairega. Ibatsire kuti imire netsoka dzayo. 5 Mukadzi haafaniri kupfeka nguo dzomurume, uye murume haafaniri kupfeka nguo dzomukadzi, nokuti Jehovha Mwari wenyu anonyangadzwa nomunhu anoita izvi. 6 Kana ukaona dendere reshiri panzira, ringava riri mumuti kana riri pasi, uye mai vacho vachivhuvatira vana kana mazai, usatora mai pamwe chete navana vacho. 7 Unogona kutora vana vacho, asi unofanira kurega mai vacho vaende, kuitira kuti zvikunakire, uye uchava namazuva mazhinji oupenyu. 8 Kana uchinge wavaka imba itsva, unofanira kuisa rumhanda padenga remba yako kuitira kuti urege kuuyisa mhosva yeropa pamusoro pemba yako kana mumwe munhu azowa kubva padenga rayo. 9 Usadyara mbeu dzamarudzi maviri mumunda wako wemizambiringa; kana ukaita izvi hazvisi zvirimwa zvawadyara chete zvasvibiswa asi kuti nezvibereko zvomunda wemizambiringa wako zvakare. 10 Usarima nenzombe nembongoro zvakasungwa pajoko rimwe chete. 11 Usapfeka nguo dzamakushe nomucheka zvakarukwa pamwe chete. 12 Unofanira kuzviitira pfunha pamakona mana enguo yaunopfeka. 13 Kana munhu akawana mukadzi uye mushure mokuvata naye, akasamufarira, 14 akamunyomba uye akamupa zita rakaipa achiti, “Ndakawana mukadzi uyu, asi mushure mokuva naye, ndakamuwana asiri mhandara,” 15 ipapo baba namai vomusikana uyu vanofanira kuuya nechiratidzo chokuti aiva mhandara kuvakuru veguta pasuo. 16 Baba vomusikana uyu vachati kuvakuru, “Ndakapa mwanasikana wangu kuti awanikwe nomurume uyu, asi haana kumufarira. 17 Zvino anomunyomba achiti, ‘Handina kuwana mwanasikana wenyu ari mhandara.’ Asi hechi chiratidzo choumhandara hwomwanasikana wangu.” Ipapo vabereki vake vanofanira kuwarira nguo pamberi pavakuru veguta, 18 uye vakuru vachatora murume uyu vagomuranga. 19 Vachamuripisa mashekeri esirivha anosvika zana vagopa kuna baba vomusikana, nokuti murume uyu apa zita rakaipa kumhandara yeIsraeri. Iye acharamba ari mukadzi wake; haafaniri kumuramba upenyu hwake hwose. 20 Asi, kana mhaka iyi iri yechokwadi uye pasina chiratidzo choumhandara hwomusikana uyu, 21 anofanira kuuyiswa pamukova wemba yababa vake uye ipapo varume veguta vagomutaka namabwe afe. Akaita chinhu chinonyadzisa muIsraeri nokuda kwokupata kwake paaiva achiri mumba mababa vake. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu. 22 Kana murume akawanikwa akavata nomukadzi akawanikwa nomumwe murume, vose vari vaviri murume nomukadzi waakavata naye vanofanira kufa. Munofanira kubvisa chakaipa muIsraeri. 23 Kana murume akasangana muguta nemhandara yakapiwa nduma kuti iwanikwe nomumwe murume uye akavata naye, 24 munofanira kutora vose vari vaviri mugoenda navo pasuo reguta mugovataka namabwe vafe, musikana nokuda kwokuti akanga ari muguta akasaridza mhere kuti anunurwe, uye murume uyu nokuda kwokuti akakanganisa mukadzi womumwe murume. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu. 25 Asi kana murume akasangana nomusikana kunze kusango akamumanikidza kuvata naye, uye achinge akapiwa nduma yokuzowanikwa, murume aita izvi ndiye anofanira kufa chete. 26 Musaita chinhu kumusikana wacho; haana kuita chivi chinofanira rufu. Mhaka iyi yakafanana neyomunhu anorwisa uye agouraya muvakidzani wake. 27 Nokuti murume uyu akawana musikana uyu kunze musango, uye kunyange musikana uyu akaita mhiko akaridza mhere, pakanga pasina aigona kumununura. 28 Kana murume akasangana nomusikana asina kupiwa nduma yokuwanikwa akamumanikidza kuvata naye uye vakawanikidzwa, 29 acharipa baba vomusikana uyu mashekeri makumi mashanu esirivha. Anofanira kuwana musikana wacho, nokuti amukanganisa. Haafaniri kumuramba mazuva ose oupenyu hwake. 30 Murume haafaniri kuwana mukadzi wababa vake; haafaniri kuzvidza nhoo yababa vake.

In Other Versions

Deuteronomy 22 in the ANGEFD

Deuteronomy 22 in the ANTPNG2D

Deuteronomy 22 in the AS21

Deuteronomy 22 in the BAGH

Deuteronomy 22 in the BBPNG

Deuteronomy 22 in the BBT1E

Deuteronomy 22 in the BDS

Deuteronomy 22 in the BEV

Deuteronomy 22 in the BHAD

Deuteronomy 22 in the BIB

Deuteronomy 22 in the BLPT

Deuteronomy 22 in the BNT

Deuteronomy 22 in the BNTABOOT

Deuteronomy 22 in the BNTLV

Deuteronomy 22 in the BOATCB

Deuteronomy 22 in the BOATCB2

Deuteronomy 22 in the BOBCV

Deuteronomy 22 in the BOCNT

Deuteronomy 22 in the BOECS

Deuteronomy 22 in the BOGWICC

Deuteronomy 22 in the BOHCB

Deuteronomy 22 in the BOHCV

Deuteronomy 22 in the BOHLNT

Deuteronomy 22 in the BOHNTLTAL

Deuteronomy 22 in the BOICB

Deuteronomy 22 in the BOILNTAP

Deuteronomy 22 in the BOITCV

Deuteronomy 22 in the BOKCV

Deuteronomy 22 in the BOKCV2

Deuteronomy 22 in the BOKHWOG

Deuteronomy 22 in the BOKSSV

Deuteronomy 22 in the BOLCB

Deuteronomy 22 in the BOLCB2

Deuteronomy 22 in the BOMCV

Deuteronomy 22 in the BONAV

Deuteronomy 22 in the BONCB

Deuteronomy 22 in the BONLT

Deuteronomy 22 in the BONUT2

Deuteronomy 22 in the BOPLNT

Deuteronomy 22 in the BOSNC

Deuteronomy 22 in the BOTLNT

Deuteronomy 22 in the BOVCB

Deuteronomy 22 in the BOYCB

Deuteronomy 22 in the BPBB

Deuteronomy 22 in the BPH

Deuteronomy 22 in the BSB

Deuteronomy 22 in the CCB

Deuteronomy 22 in the CUV

Deuteronomy 22 in the CUVS

Deuteronomy 22 in the DBT

Deuteronomy 22 in the DGDNT

Deuteronomy 22 in the DHNT

Deuteronomy 22 in the DNT

Deuteronomy 22 in the ELBE

Deuteronomy 22 in the EMTV

Deuteronomy 22 in the ESV

Deuteronomy 22 in the FBV

Deuteronomy 22 in the FEB

Deuteronomy 22 in the GGMNT

Deuteronomy 22 in the GNT

Deuteronomy 22 in the HARY

Deuteronomy 22 in the HNT

Deuteronomy 22 in the IRVA

Deuteronomy 22 in the IRVB

Deuteronomy 22 in the IRVG

Deuteronomy 22 in the IRVH

Deuteronomy 22 in the IRVK

Deuteronomy 22 in the IRVM

Deuteronomy 22 in the IRVM2

Deuteronomy 22 in the IRVO

Deuteronomy 22 in the IRVP

Deuteronomy 22 in the IRVT

Deuteronomy 22 in the IRVT2

Deuteronomy 22 in the IRVU

Deuteronomy 22 in the ISVN

Deuteronomy 22 in the JSNT

Deuteronomy 22 in the KAPI

Deuteronomy 22 in the KBT1ETNIK

Deuteronomy 22 in the KBV

Deuteronomy 22 in the KJV

Deuteronomy 22 in the KNFD

Deuteronomy 22 in the LBA

Deuteronomy 22 in the LBLA

Deuteronomy 22 in the LNT

Deuteronomy 22 in the LSV

Deuteronomy 22 in the MAAL

Deuteronomy 22 in the MBV

Deuteronomy 22 in the MBV2

Deuteronomy 22 in the MHNT

Deuteronomy 22 in the MKNFD

Deuteronomy 22 in the MNG

Deuteronomy 22 in the MNT

Deuteronomy 22 in the MNT2

Deuteronomy 22 in the MRS1T

Deuteronomy 22 in the NAA

Deuteronomy 22 in the NASB

Deuteronomy 22 in the NBLA

Deuteronomy 22 in the NBS

Deuteronomy 22 in the NBVTP

Deuteronomy 22 in the NET2

Deuteronomy 22 in the NIV11

Deuteronomy 22 in the NNT

Deuteronomy 22 in the NNT2

Deuteronomy 22 in the NNT3

Deuteronomy 22 in the PDDPT

Deuteronomy 22 in the PFNT

Deuteronomy 22 in the RMNT

Deuteronomy 22 in the SBIAS

Deuteronomy 22 in the SBIBS

Deuteronomy 22 in the SBIBS2

Deuteronomy 22 in the SBICS

Deuteronomy 22 in the SBIDS

Deuteronomy 22 in the SBIGS

Deuteronomy 22 in the SBIHS

Deuteronomy 22 in the SBIIS

Deuteronomy 22 in the SBIIS2

Deuteronomy 22 in the SBIIS3

Deuteronomy 22 in the SBIKS

Deuteronomy 22 in the SBIKS2

Deuteronomy 22 in the SBIMS

Deuteronomy 22 in the SBIOS

Deuteronomy 22 in the SBIPS

Deuteronomy 22 in the SBISS

Deuteronomy 22 in the SBITS

Deuteronomy 22 in the SBITS2

Deuteronomy 22 in the SBITS3

Deuteronomy 22 in the SBITS4

Deuteronomy 22 in the SBIUS

Deuteronomy 22 in the SBIVS

Deuteronomy 22 in the SBT

Deuteronomy 22 in the SBT1E

Deuteronomy 22 in the SCHL

Deuteronomy 22 in the SNT

Deuteronomy 22 in the SUSU

Deuteronomy 22 in the SUSU2

Deuteronomy 22 in the SYNO

Deuteronomy 22 in the TBIAOTANT

Deuteronomy 22 in the TBT1E

Deuteronomy 22 in the TBT1E2

Deuteronomy 22 in the TFTIP

Deuteronomy 22 in the TFTU

Deuteronomy 22 in the TGNTATF3T

Deuteronomy 22 in the THAI

Deuteronomy 22 in the TNFD

Deuteronomy 22 in the TNT

Deuteronomy 22 in the TNTIK

Deuteronomy 22 in the TNTIL

Deuteronomy 22 in the TNTIN

Deuteronomy 22 in the TNTIP

Deuteronomy 22 in the TNTIZ

Deuteronomy 22 in the TOMA

Deuteronomy 22 in the TTENT

Deuteronomy 22 in the UBG

Deuteronomy 22 in the UGV

Deuteronomy 22 in the UGV2

Deuteronomy 22 in the UGV3

Deuteronomy 22 in the VBL

Deuteronomy 22 in the VDCC

Deuteronomy 22 in the YALU

Deuteronomy 22 in the YAPE

Deuteronomy 22 in the YBVTP

Deuteronomy 22 in the ZBP