Deuteronomy 33 (BOSCB)
1 Uku ndiko kuropafadza kwaMozisi munhu waMwari kwaakataura kuvaIsraeri asati afa. 2 Akati:“Jehovha akabva kuSinaiakavabudira samambakwedza achibva kuSeiri;akapenya kubva paGomo reParani.Akauya nezviuru gumi zvavatsvene kubva rutivi rwezasi,kubva kumawere amakomo ake. 3 Zvirokwazvo ndimi makada vanhu;vatsvene vose vari muruoko rwenyu.Patsoka dzenyu vose vanopfugama,uye kubva kwamuri vanogamuchira kurayirwa, 4 murayiro watakapiwa naMozisi,nhaka yeungano yaJakobho. 5 Akanga ari mambo weJeshurunivatungamiriri vavanhu pavakanga vakaungana,pamwe chete namarudzi aIsraeri. 6 “Rubheni ngaararame arege kufa,uye vanhu vake ngavarege kuva vashoma.” 7 Uye izvi ndizvo zvaakataura pamusoro paJudha:“Inzwai, imi Jehovha, kuchema kwaJudha;muuyisei kuvanhu vake.Namaoko ake acharwira mhaka yake.Haiwa, ivai mubatsiri wake pavavengi vake!” 8 Pamusoro paRevhi akati,“Tumimi yenyu neUrimi yenyundezvomunhu wamunoda.Makamuedza paMasa;makarwa naye pamvura dzeMeribha. 9 Akati pamusoro pababa namai vake,‘Handivakudzi.’Haana kurangarira hama dzakekana kuziva vana vake,asi akava mutariri weshoko renyuakachengetedza sungano yenyu. 10 Anodzidzisa mitemo yenyu kuna Jakobhouye nemirayiro kuna Israeri.Achapa zvinonhuhwira pamberi penyunezvipiriso zvose zvinopiswa paaritari yenyu. 11 Ropafadzai kubata kwake kwose, imi Jehovha,mugofadzwa namabasa amaoko ake.Paradzai zviuno zvaavo vanomumukira:rovai vavengi vake kusvikira vasisamukizve.” 12 Pamusoro paBhenjamini akati:“Regai mudikanwa waJehovha agare norugare maari,nokuti anomudzivirira zuva rose,uye regai uyo anodikanwa naJehovha agare pakati pamapfudzi ake.” 13 Pamusoro paJosefa akati:“Jehovha ngaaropafadze nyika yakenedova rinokosha rokudenga kumusoronemvura zhinji dzakadzika dziri pasi; 14 nezvakanakisisa zvinouyiswa nezuvauye zvakaisvonaka zvinopiwa nomwedzi; 15 nezvipo zvakanakisisa zvokumakomo ekareuye nezvibereko zvemakomo okusingaperi; 16 nezvipo zvakanakisisa zvenyika nokuzara kwayouye nenyasha dzake iye anogara mugwenzi rinopfuta.Zvose ngazvigare pamusoro waJosefa,pahuma yomuchinda pakati pehama dzake. 17 Muumambo hwake anoita semhongora yenzombe;nyanga dzake dzakaita senyanga dzenyati.Nadzo achatunga ndudzi,kunyange vaya vari kumagumo enyika.Ava ndivo zviuru zvaManase.” 18 Pamusoro paZebhuruni akati:“Fara, iwe Zebhuruni, pakubuda kwako,newe Isakari mumatende ako. 19 Vachadanira vanhu kumakomouye ikoko vagopa zvibayiro zvokururama;vachaguta nezvizhinji zvamakungwa,nepfuma yakavigwa mujecha.” 20 Pamusoro paGadhi akati:“Ngaaropafadzwe iye anokurisa nyika yaGadhi!Gadhi anogaramo seshumba,achibvambura ruoko kana musoro. 21 Akazvisarudzira nyika yakanakisisa;mugove womutungamiri waakachengeterwa iye.Vakuru vavanhu pavakaungana,iye akaita kuda kwaJehovha kwakarurama,uye nokutonga kwake pamusoro paIsraeri.” 22 Pamusoro paDhani akati:“Dhani mwana weshumba,anokwakuka achibva muBhashani.” 23 Pamusoro paNafutari akati:“Nafutari azere nenyasha dzaJehovhauye azere kuropafadza kwake:achatora nhaka nechezasi kugungwa.” 24 Pamusoro paAsheri akati:“Akaropafadzwa kupfuura vanakomana vose ndiAsheri:ngaadikanwe nehama dzake,uye ngaashambe tsoka dzake mumafuta. 25 Zvipfigiso zvemasuo ako zvichava zvesimbi nendarira,uye simba rako richafanana namazuva ako. 26 “Hapana akafanana naMwari waJeshuruni,iye anotasva denga kuti akubatsireuye namakore muumambo hwake. 27 Mwari anogara nokusingaperi ndiye utiziro hwako,uye pasi pake pane maoko anogara nokusingaperi.Achadzinga vavengi vako kubva pamberi pako,achiti, ‘Muparadzei!’ 28 Naizvozvo Israeri achagara murugare oga;tsime raJakobho rakachengetedzekamunyika yezviyo newaini itsva,ndiko kunodonhedzerwa dova nedenga. 29 Wakaropafadzwa, iwe Israeri!Ndiani akafanana newe,rudzi rwakaponeswa naJehovha?Ndiye nhoo nomubatsiri wako uyenomunondo wako unobwinya.Vavengi vako vachazviisa pasi pako,uye iwe uchatsika-tsika nzvimbo dzavo dzakakwirira.”
In Other Versions
Deuteronomy 33 in the ANGEFD
Deuteronomy 33 in the ANTPNG2D
Deuteronomy 33 in the AS21
Deuteronomy 33 in the BAGH
Deuteronomy 33 in the BBPNG
Deuteronomy 33 in the BBT1E
Deuteronomy 33 in the BDS
Deuteronomy 33 in the BEV
Deuteronomy 33 in the BHAD
Deuteronomy 33 in the BIB
Deuteronomy 33 in the BLPT
Deuteronomy 33 in the BNT
Deuteronomy 33 in the BNTABOOT
Deuteronomy 33 in the BNTLV
Deuteronomy 33 in the BOATCB
Deuteronomy 33 in the BOATCB2
Deuteronomy 33 in the BOBCV
Deuteronomy 33 in the BOCNT
Deuteronomy 33 in the BOECS
Deuteronomy 33 in the BOGWICC
Deuteronomy 33 in the BOHCB
Deuteronomy 33 in the BOHCV
Deuteronomy 33 in the BOHLNT
Deuteronomy 33 in the BOHNTLTAL
Deuteronomy 33 in the BOICB
Deuteronomy 33 in the BOILNTAP
Deuteronomy 33 in the BOITCV
Deuteronomy 33 in the BOKCV
Deuteronomy 33 in the BOKCV2
Deuteronomy 33 in the BOKHWOG
Deuteronomy 33 in the BOKSSV
Deuteronomy 33 in the BOLCB
Deuteronomy 33 in the BOLCB2
Deuteronomy 33 in the BOMCV
Deuteronomy 33 in the BONAV
Deuteronomy 33 in the BONCB
Deuteronomy 33 in the BONLT
Deuteronomy 33 in the BONUT2
Deuteronomy 33 in the BOPLNT
Deuteronomy 33 in the BOSNC
Deuteronomy 33 in the BOTLNT
Deuteronomy 33 in the BOVCB
Deuteronomy 33 in the BOYCB
Deuteronomy 33 in the BPBB
Deuteronomy 33 in the BPH
Deuteronomy 33 in the BSB
Deuteronomy 33 in the CCB
Deuteronomy 33 in the CUV
Deuteronomy 33 in the CUVS
Deuteronomy 33 in the DBT
Deuteronomy 33 in the DGDNT
Deuteronomy 33 in the DHNT
Deuteronomy 33 in the DNT
Deuteronomy 33 in the ELBE
Deuteronomy 33 in the EMTV
Deuteronomy 33 in the ESV
Deuteronomy 33 in the FBV
Deuteronomy 33 in the FEB
Deuteronomy 33 in the GGMNT
Deuteronomy 33 in the GNT
Deuteronomy 33 in the HARY
Deuteronomy 33 in the HNT
Deuteronomy 33 in the IRVA
Deuteronomy 33 in the IRVB
Deuteronomy 33 in the IRVG
Deuteronomy 33 in the IRVH
Deuteronomy 33 in the IRVK
Deuteronomy 33 in the IRVM
Deuteronomy 33 in the IRVM2
Deuteronomy 33 in the IRVO
Deuteronomy 33 in the IRVP
Deuteronomy 33 in the IRVT
Deuteronomy 33 in the IRVT2
Deuteronomy 33 in the IRVU
Deuteronomy 33 in the ISVN
Deuteronomy 33 in the JSNT
Deuteronomy 33 in the KAPI
Deuteronomy 33 in the KBT1ETNIK
Deuteronomy 33 in the KBV
Deuteronomy 33 in the KJV
Deuteronomy 33 in the KNFD
Deuteronomy 33 in the LBA
Deuteronomy 33 in the LBLA
Deuteronomy 33 in the LNT
Deuteronomy 33 in the LSV
Deuteronomy 33 in the MAAL
Deuteronomy 33 in the MBV
Deuteronomy 33 in the MBV2
Deuteronomy 33 in the MHNT
Deuteronomy 33 in the MKNFD
Deuteronomy 33 in the MNG
Deuteronomy 33 in the MNT
Deuteronomy 33 in the MNT2
Deuteronomy 33 in the MRS1T
Deuteronomy 33 in the NAA
Deuteronomy 33 in the NASB
Deuteronomy 33 in the NBLA
Deuteronomy 33 in the NBS
Deuteronomy 33 in the NBVTP
Deuteronomy 33 in the NET2
Deuteronomy 33 in the NIV11
Deuteronomy 33 in the NNT
Deuteronomy 33 in the NNT2
Deuteronomy 33 in the NNT3
Deuteronomy 33 in the PDDPT
Deuteronomy 33 in the PFNT
Deuteronomy 33 in the RMNT
Deuteronomy 33 in the SBIAS
Deuteronomy 33 in the SBIBS
Deuteronomy 33 in the SBIBS2
Deuteronomy 33 in the SBICS
Deuteronomy 33 in the SBIDS
Deuteronomy 33 in the SBIGS
Deuteronomy 33 in the SBIHS
Deuteronomy 33 in the SBIIS
Deuteronomy 33 in the SBIIS2
Deuteronomy 33 in the SBIIS3
Deuteronomy 33 in the SBIKS
Deuteronomy 33 in the SBIKS2
Deuteronomy 33 in the SBIMS
Deuteronomy 33 in the SBIOS
Deuteronomy 33 in the SBIPS
Deuteronomy 33 in the SBISS
Deuteronomy 33 in the SBITS
Deuteronomy 33 in the SBITS2
Deuteronomy 33 in the SBITS3
Deuteronomy 33 in the SBITS4
Deuteronomy 33 in the SBIUS
Deuteronomy 33 in the SBIVS
Deuteronomy 33 in the SBT
Deuteronomy 33 in the SBT1E
Deuteronomy 33 in the SCHL
Deuteronomy 33 in the SNT
Deuteronomy 33 in the SUSU
Deuteronomy 33 in the SUSU2
Deuteronomy 33 in the SYNO
Deuteronomy 33 in the TBIAOTANT
Deuteronomy 33 in the TBT1E
Deuteronomy 33 in the TBT1E2
Deuteronomy 33 in the TFTIP
Deuteronomy 33 in the TFTU
Deuteronomy 33 in the TGNTATF3T
Deuteronomy 33 in the THAI
Deuteronomy 33 in the TNFD
Deuteronomy 33 in the TNT
Deuteronomy 33 in the TNTIK
Deuteronomy 33 in the TNTIL
Deuteronomy 33 in the TNTIN
Deuteronomy 33 in the TNTIP
Deuteronomy 33 in the TNTIZ
Deuteronomy 33 in the TOMA
Deuteronomy 33 in the TTENT
Deuteronomy 33 in the UBG
Deuteronomy 33 in the UGV
Deuteronomy 33 in the UGV2
Deuteronomy 33 in the UGV3
Deuteronomy 33 in the VBL
Deuteronomy 33 in the VDCC
Deuteronomy 33 in the YALU
Deuteronomy 33 in the YAPE
Deuteronomy 33 in the YBVTP
Deuteronomy 33 in the ZBP