Ephesians 5 (BOSCB)

1 Naizvozvo, ivai vateveri vaMwari, savana vanodikanwa 2 uye murarame upenyu hworudo, sezvatakadikanwa naKristu akazvipa nokuda kwedu sechipiriso chinonhuhwira uye sechibayiro kuna Mwari. 3 Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari. 4 Uye hapafaniri kuva nokufunga kusina maturo, kutaura kwoupenzi kana kunemera, izvo zvisina kufanira, asi zviri nani kuvonga. 5 Nokuti naizvozvi munogona kuva nechokwadi kuti: Hakuna mhombwe, kana munhu ane tsvina kana ane nhafu, munhu akadaro ndiye anonamata zvifananidzo, anowana nhaka muumambo hwaKristu nohwaMwari. 6 Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo, nokuti nokuda kwezvinhu zvakadaro, kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro peavo vasingateereri. 7 Naizvozvo musashamwaridzana navo. 8 Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza 9 (nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi) 10 uye muzive zvinofadza Ishe. 11 Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura. 12 Nokuti zvinonyadza kureva zvinoitwa muchivande navana vasingateereri. 13 Asi zvinhu zvose zvinoratidzwa pachena nechiedza zvinobva zvaonekwa, 14 nokuti chiedza ndicho chinoratidza zvinhu zvose. Ndokusaka zvichinzi:“Muka, iwe muvati,muka kubva kuvakafa,Kristu achavhenekera pauri.” 15 Zvino, muchenjere kuti munorarama sei, kwete savasina kuchenjera asi savakachenjera, 16 muchishandisa mikana yose, nokuti mazuva akaipa. 17 Naizvozvo musava mapenzi, asi munzwisise kuti kuda kwaShe ndokupi. 18 Musadhakwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora. Asi, muzadzwe noMweya. 19 Mutaure kuno mumwe nomumwe wenyu namapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya. Muimbe uye muridzire Ishe mimhanzi mumwoyo yenyu, 20 muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu. 21 Muzviise pasi pomumwe nomumwe wenyu muchitya Kristu. 22 Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu sezvamunoita kuna She. 23 Nokuti murume musoro womukadzi saKristu ari musoro wekereke, iwo muviri wake, iyo yaari muponesi wayo. 24 Zvino sezvo kereke ichizviisa pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi vanofanira kuzviisa pasi pavarume vavo pazvinhu zvose. 25 Varume, idai vakadzi venyu, saKristu akada kereke uye akazvipa nokuda kwayo 26 kuti aiite tsvene, akaishambidza nokushambidza kwemvura neshoko, 27 uye kuti ayiuyise kwaari sekereke inobwinya, isina gwapa kana kuunyana kana chipi zvacho chainopomerwa. 28 Nenzira imwe cheteyo, varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo chaiyo. Uyo anoda mukadzi wake anozvida iye pachake. 29 Pana izvozvo zvose, hakuna munhu angavenga muviri wake, asi anoupa zvokudya uye anouchengeta, sezvinoita Kristu kukereke, 30 nokuti tiri nhengo dzomuviri wake. 31 “Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba namai vake uye asanganiswe nomukadzi, uye vaviri vachava nyama imwe chete.” 32 Ichi ndicho chakavanzika chakadzika, asi ndiri kutaura pamusoro paKristu nekereke. 33 Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wenyuwo anofanira kuda mukadzi wake sezvaanozvida iye, uye mukadzi anofanira kuremekedza murume wake.

In Other Versions

Ephesians 5 in the ANGEFD

Ephesians 5 in the ANTPNG2D

Ephesians 5 in the AS21

Ephesians 5 in the BAGH

Ephesians 5 in the BBPNG

Ephesians 5 in the BBT1E

Ephesians 5 in the BDS

Ephesians 5 in the BEV

Ephesians 5 in the BHAD

Ephesians 5 in the BIB

Ephesians 5 in the BLPT

Ephesians 5 in the BNT

Ephesians 5 in the BNTABOOT

Ephesians 5 in the BNTLV

Ephesians 5 in the BOATCB

Ephesians 5 in the BOATCB2

Ephesians 5 in the BOBCV

Ephesians 5 in the BOCNT

Ephesians 5 in the BOECS

Ephesians 5 in the BOGWICC

Ephesians 5 in the BOHCB

Ephesians 5 in the BOHCV

Ephesians 5 in the BOHLNT

Ephesians 5 in the BOHNTLTAL

Ephesians 5 in the BOICB

Ephesians 5 in the BOILNTAP

Ephesians 5 in the BOITCV

Ephesians 5 in the BOKCV

Ephesians 5 in the BOKCV2

Ephesians 5 in the BOKHWOG

Ephesians 5 in the BOKSSV

Ephesians 5 in the BOLCB

Ephesians 5 in the BOLCB2

Ephesians 5 in the BOMCV

Ephesians 5 in the BONAV

Ephesians 5 in the BONCB

Ephesians 5 in the BONLT

Ephesians 5 in the BONUT2

Ephesians 5 in the BOPLNT

Ephesians 5 in the BOSNC

Ephesians 5 in the BOTLNT

Ephesians 5 in the BOVCB

Ephesians 5 in the BOYCB

Ephesians 5 in the BPBB

Ephesians 5 in the BPH

Ephesians 5 in the BSB

Ephesians 5 in the CCB

Ephesians 5 in the CUV

Ephesians 5 in the CUVS

Ephesians 5 in the DBT

Ephesians 5 in the DGDNT

Ephesians 5 in the DHNT

Ephesians 5 in the DNT

Ephesians 5 in the ELBE

Ephesians 5 in the EMTV

Ephesians 5 in the ESV

Ephesians 5 in the FBV

Ephesians 5 in the FEB

Ephesians 5 in the GGMNT

Ephesians 5 in the GNT

Ephesians 5 in the HARY

Ephesians 5 in the HNT

Ephesians 5 in the IRVA

Ephesians 5 in the IRVB

Ephesians 5 in the IRVG

Ephesians 5 in the IRVH

Ephesians 5 in the IRVK

Ephesians 5 in the IRVM

Ephesians 5 in the IRVM2

Ephesians 5 in the IRVO

Ephesians 5 in the IRVP

Ephesians 5 in the IRVT

Ephesians 5 in the IRVT2

Ephesians 5 in the IRVU

Ephesians 5 in the ISVN

Ephesians 5 in the JSNT

Ephesians 5 in the KAPI

Ephesians 5 in the KBT1ETNIK

Ephesians 5 in the KBV

Ephesians 5 in the KJV

Ephesians 5 in the KNFD

Ephesians 5 in the LBA

Ephesians 5 in the LBLA

Ephesians 5 in the LNT

Ephesians 5 in the LSV

Ephesians 5 in the MAAL

Ephesians 5 in the MBV

Ephesians 5 in the MBV2

Ephesians 5 in the MHNT

Ephesians 5 in the MKNFD

Ephesians 5 in the MNG

Ephesians 5 in the MNT

Ephesians 5 in the MNT2

Ephesians 5 in the MRS1T

Ephesians 5 in the NAA

Ephesians 5 in the NASB

Ephesians 5 in the NBLA

Ephesians 5 in the NBS

Ephesians 5 in the NBVTP

Ephesians 5 in the NET2

Ephesians 5 in the NIV11

Ephesians 5 in the NNT

Ephesians 5 in the NNT2

Ephesians 5 in the NNT3

Ephesians 5 in the PDDPT

Ephesians 5 in the PFNT

Ephesians 5 in the RMNT

Ephesians 5 in the SBIAS

Ephesians 5 in the SBIBS

Ephesians 5 in the SBIBS2

Ephesians 5 in the SBICS

Ephesians 5 in the SBIDS

Ephesians 5 in the SBIGS

Ephesians 5 in the SBIHS

Ephesians 5 in the SBIIS

Ephesians 5 in the SBIIS2

Ephesians 5 in the SBIIS3

Ephesians 5 in the SBIKS

Ephesians 5 in the SBIKS2

Ephesians 5 in the SBIMS

Ephesians 5 in the SBIOS

Ephesians 5 in the SBIPS

Ephesians 5 in the SBISS

Ephesians 5 in the SBITS

Ephesians 5 in the SBITS2

Ephesians 5 in the SBITS3

Ephesians 5 in the SBITS4

Ephesians 5 in the SBIUS

Ephesians 5 in the SBIVS

Ephesians 5 in the SBT

Ephesians 5 in the SBT1E

Ephesians 5 in the SCHL

Ephesians 5 in the SNT

Ephesians 5 in the SUSU

Ephesians 5 in the SUSU2

Ephesians 5 in the SYNO

Ephesians 5 in the TBIAOTANT

Ephesians 5 in the TBT1E

Ephesians 5 in the TBT1E2

Ephesians 5 in the TFTIP

Ephesians 5 in the TFTU

Ephesians 5 in the TGNTATF3T

Ephesians 5 in the THAI

Ephesians 5 in the TNFD

Ephesians 5 in the TNT

Ephesians 5 in the TNTIK

Ephesians 5 in the TNTIL

Ephesians 5 in the TNTIN

Ephesians 5 in the TNTIP

Ephesians 5 in the TNTIZ

Ephesians 5 in the TOMA

Ephesians 5 in the TTENT

Ephesians 5 in the UBG

Ephesians 5 in the UGV

Ephesians 5 in the UGV2

Ephesians 5 in the UGV3

Ephesians 5 in the VBL

Ephesians 5 in the VDCC

Ephesians 5 in the YALU

Ephesians 5 in the YAPE

Ephesians 5 in the YBVTP

Ephesians 5 in the ZBP