Isaiah 66 (BOSCB)

1 Zvanzi naJehovha:“Denga ndicho chigaro changu,uye nyika chitsiko chetsoka dzangu.Ko, iripi imba yamungandivakira?Nzvimbo yangu yokuzorora ichava kupiko? 2 Haruzi ruoko rwangu rwakaita izvozvi zvose here,nokudaro zvikavapo?”ndizvo zvinotaura Jehovha. “Munhu akadai ndiye wandichakudza:iye anozvininipisa uye ane mweya wakapwanyika,uye anodedera paanonzwa shoko rangu. 3 Asi ani naani anobayira handoakafanana nouyo anouraya munhu,uye anobayira gwayana,anofanana nouyo anovhuna mutsipa wembwa;ani naani anoita chipiriso chezviyoanofanana nomunhu anopa ropa renguruve,uye ani naani anopisira zvinonhuhwira zvokurangaridza,anofanana nounonamata chifananidzo.Vakasarudza nzira dzavo,uye mweya yavo inofarira zvinonyangadza zvavo; 4 naizvozvo neniwo ndichavasarudzira kuranga kuchavaomera,uye ndichauyisa pamusoro pavo izvo zvavanotya.Nokuti pandakadana, hapana akapindura,pandakataura, hapana akateerera.Vakaita zvakaipa pamberi panguvakasarudza zvisingandifadzi.” 5 Inzwai shoko raJehovha,imi munodedera pamunonzwa shoko rake:“Hama dzenyu dzinokuvengai,uye dzinokutsaurai nokuda kwezita rangu, dzakati,‘Jehovha ngaaratidze kukudzwa kwake,kuti tione mufaro wenyu!’Asi ivo vachanyadziswa. 6 Inzwai maungira ebope anobva muguta,inzwai mheremhere inobva mutemberi!Ndiwo maungira aJehovhaachiripira vavengi vake zvose zvakavakodzera. 7 “Asati arwadziwa nemimba,anosununguka;kurwadza kusati kwauya pamusoro pake,anosununguka mwanakomana. 8 Ndiani akambonzwa chinhu chakadai?Ndiani akamboona zvinhu zvakadai?Ko, nyika ingazvarwa pazuva rimwe herekana rudzi rungazvarwa pakarepo here?Kunyange zvakadaro, Zioni rakangoti kurwadziwa,pakarepo ndokubereka vana varo. 9 Ndingasvitsa panguva yokuberekandikasaberekesa here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.“Ko, ndinozarira chizvaropandinoberekesa here?” ndizvo zvinotaura Mwari wenyu. 10 “Pemberai pamwe chete neJerusarema uye mufarisise nokuda kwaro,imi mose munorida;farisisai pamwe chete naro,imi mose munochema pamusoro paro. 11 Nokuti muchanwa mukagutapamazamu ake anonyaradza;muchanwa zvikuru kwazvouye muchafadzwa nezvakawanda zvake zvinopfachukira.” 12 Nokuti zvanzi naJehovha:“Ndichawedzera rugare kwaari sorwizi,uye upfumi hwendudzi sokudira kworukova;muchayamwa uye muchatakurwa paruoko rwake,uye muchavaraidzwa pamabvi ake. 13 Samai vanonyaradza mwana wavo,saizvozvo ndichakunyaradzai;uye muchanyaradzwa pamusoro peJerusarema.” 14 Pamuchaona izvozvo, mwoyo wenyu uchafara,uye muchaita bumhudza sebundo;ruoko rwaJehovha rucharatidzwa kuvaranda vake,asi hasha dzake dzicharatidzwa kuvavengi vake. 15 Tarirai, Jehovha ari kuuya nomoto,uye ngoro dzake dzakaita sechamupupuri;achaburutsa kutsamwa kwake nehasha huru,uye kutuka kwake nomurazvo womoto. 16 Nokuti nomoto uye nomunondo wakeJehovha achatonga vanhu vose,uye vazhinji vachava vaya vanourayiwa naJehovha. 17 “Vaya vanozvinatsa nokuzvichenesa kuti vaende mumapindu, vachitevera munhu ari pakati paavo vanodya nyama yenguruve nembeva uye nezvimwe zvinhu zvinonyangadza, magumo avo achava mamwe chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha. 18 “Nokuti ini nokuda kwamabasa avo nepfungwa dzavo, ndiri kuuya kuzounganidza marudzi ose nendimi dzose; vachauya uye vachaona kubwinya kwangu. 19 “Ndichaisa chiratidzo pakati pavo, uye ndichatumira vamwe vavakapunyuka kundudzi, kuTashishi, nokuvaRibhiya navaRidhia (vane mbiri yokuwembura uta), nokuTubhari nokuGirisi, nokuzviwi zviri kure zvisina kumbonzwa nezvembiri yangu kana kuona kubwinya kwangu. Vachaparidza kubwinya kwangu pakati pendudzi. 20 Uye vachauyisa hama dzenyu dzose, kubva kundudzi dzose, kugomo rangu dzvene muJerusarema, sechipo kuna Jehovha, pamusoro pamabhiza, nomungoro uye mungoro dzina matenga, napamanyurusi uye napangamera,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vachazviuyisa, savaIsraeri vanouyisa zvipiriso zvavo zvezviyo, kutemberi yaJehovha mumidziyo yakacheneswa. 21 Ipapo ndichasarudza vamwe vavo kuti vave vaprista navaRevhi,” ndizvo zvinotaura Jehovha. 22 “Nokuti sezvakaita matenga matsva nenyika itsva zvandinoita zvichazogara pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “saizvozvo zita renyu nezvizvarwa zvenyu zvichagara. 23 Kubva paKugara kwoMwedzi kusvikira kuno mumwe, uye kubva paSabata rimwe kusvikira kune rimwe, marudzi ose achauya kuzokotama pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. 24 “Vachabudapo vachindotarira zvitunha zvaavo vaindimukira; honye yavo haizofi, moto wavo haungadzimwi, uye vachasemesa vanhu vose.”

In Other Versions

Isaiah 66 in the ANGEFD

Isaiah 66 in the ANTPNG2D

Isaiah 66 in the AS21

Isaiah 66 in the BAGH

Isaiah 66 in the BBPNG

Isaiah 66 in the BBT1E

Isaiah 66 in the BDS

Isaiah 66 in the BEV

Isaiah 66 in the BHAD

Isaiah 66 in the BIB

Isaiah 66 in the BLPT

Isaiah 66 in the BNT

Isaiah 66 in the BNTABOOT

Isaiah 66 in the BNTLV

Isaiah 66 in the BOATCB

Isaiah 66 in the BOATCB2

Isaiah 66 in the BOBCV

Isaiah 66 in the BOCNT

Isaiah 66 in the BOECS

Isaiah 66 in the BOGWICC

Isaiah 66 in the BOHCB

Isaiah 66 in the BOHCV

Isaiah 66 in the BOHLNT

Isaiah 66 in the BOHNTLTAL

Isaiah 66 in the BOICB

Isaiah 66 in the BOILNTAP

Isaiah 66 in the BOITCV

Isaiah 66 in the BOKCV

Isaiah 66 in the BOKCV2

Isaiah 66 in the BOKHWOG

Isaiah 66 in the BOKSSV

Isaiah 66 in the BOLCB

Isaiah 66 in the BOLCB2

Isaiah 66 in the BOMCV

Isaiah 66 in the BONAV

Isaiah 66 in the BONCB

Isaiah 66 in the BONLT

Isaiah 66 in the BONUT2

Isaiah 66 in the BOPLNT

Isaiah 66 in the BOSNC

Isaiah 66 in the BOTLNT

Isaiah 66 in the BOVCB

Isaiah 66 in the BOYCB

Isaiah 66 in the BPBB

Isaiah 66 in the BPH

Isaiah 66 in the BSB

Isaiah 66 in the CCB

Isaiah 66 in the CUV

Isaiah 66 in the CUVS

Isaiah 66 in the DBT

Isaiah 66 in the DGDNT

Isaiah 66 in the DHNT

Isaiah 66 in the DNT

Isaiah 66 in the ELBE

Isaiah 66 in the EMTV

Isaiah 66 in the ESV

Isaiah 66 in the FBV

Isaiah 66 in the FEB

Isaiah 66 in the GGMNT

Isaiah 66 in the GNT

Isaiah 66 in the HARY

Isaiah 66 in the HNT

Isaiah 66 in the IRVA

Isaiah 66 in the IRVB

Isaiah 66 in the IRVG

Isaiah 66 in the IRVH

Isaiah 66 in the IRVK

Isaiah 66 in the IRVM

Isaiah 66 in the IRVM2

Isaiah 66 in the IRVO

Isaiah 66 in the IRVP

Isaiah 66 in the IRVT

Isaiah 66 in the IRVT2

Isaiah 66 in the IRVU

Isaiah 66 in the ISVN

Isaiah 66 in the JSNT

Isaiah 66 in the KAPI

Isaiah 66 in the KBT1ETNIK

Isaiah 66 in the KBV

Isaiah 66 in the KJV

Isaiah 66 in the KNFD

Isaiah 66 in the LBA

Isaiah 66 in the LBLA

Isaiah 66 in the LNT

Isaiah 66 in the LSV

Isaiah 66 in the MAAL

Isaiah 66 in the MBV

Isaiah 66 in the MBV2

Isaiah 66 in the MHNT

Isaiah 66 in the MKNFD

Isaiah 66 in the MNG

Isaiah 66 in the MNT

Isaiah 66 in the MNT2

Isaiah 66 in the MRS1T

Isaiah 66 in the NAA

Isaiah 66 in the NASB

Isaiah 66 in the NBLA

Isaiah 66 in the NBS

Isaiah 66 in the NBVTP

Isaiah 66 in the NET2

Isaiah 66 in the NIV11

Isaiah 66 in the NNT

Isaiah 66 in the NNT2

Isaiah 66 in the NNT3

Isaiah 66 in the PDDPT

Isaiah 66 in the PFNT

Isaiah 66 in the RMNT

Isaiah 66 in the SBIAS

Isaiah 66 in the SBIBS

Isaiah 66 in the SBIBS2

Isaiah 66 in the SBICS

Isaiah 66 in the SBIDS

Isaiah 66 in the SBIGS

Isaiah 66 in the SBIHS

Isaiah 66 in the SBIIS

Isaiah 66 in the SBIIS2

Isaiah 66 in the SBIIS3

Isaiah 66 in the SBIKS

Isaiah 66 in the SBIKS2

Isaiah 66 in the SBIMS

Isaiah 66 in the SBIOS

Isaiah 66 in the SBIPS

Isaiah 66 in the SBISS

Isaiah 66 in the SBITS

Isaiah 66 in the SBITS2

Isaiah 66 in the SBITS3

Isaiah 66 in the SBITS4

Isaiah 66 in the SBIUS

Isaiah 66 in the SBIVS

Isaiah 66 in the SBT

Isaiah 66 in the SBT1E

Isaiah 66 in the SCHL

Isaiah 66 in the SNT

Isaiah 66 in the SUSU

Isaiah 66 in the SUSU2

Isaiah 66 in the SYNO

Isaiah 66 in the TBIAOTANT

Isaiah 66 in the TBT1E

Isaiah 66 in the TBT1E2

Isaiah 66 in the TFTIP

Isaiah 66 in the TFTU

Isaiah 66 in the TGNTATF3T

Isaiah 66 in the THAI

Isaiah 66 in the TNFD

Isaiah 66 in the TNT

Isaiah 66 in the TNTIK

Isaiah 66 in the TNTIL

Isaiah 66 in the TNTIN

Isaiah 66 in the TNTIP

Isaiah 66 in the TNTIZ

Isaiah 66 in the TOMA

Isaiah 66 in the TTENT

Isaiah 66 in the UBG

Isaiah 66 in the UGV

Isaiah 66 in the UGV2

Isaiah 66 in the UGV3

Isaiah 66 in the VBL

Isaiah 66 in the VDCC

Isaiah 66 in the YALU

Isaiah 66 in the YAPE

Isaiah 66 in the YBVTP

Isaiah 66 in the ZBP