Lamentations 1 (BOSCB)
1 Ko, muguta zvamusisina vanhu,iro rakanga rizere navanhu!Zvarangova sechirikadzi,iro rakanga riri guru pakati pendudzi!Iro rakanga riri mambokadzi pakati penyika,zvino rava nhapwa. 2 Rinochema zvikuru usiku,misodzi iri pamatama aro.Pakati pavadiwa varo vosehakuna anorivaraidza.Shamwari dzaro dzose dzarimukira;dzava vavengi varo. 3 Shure kwokutambudzika nokushanda zvakaomarara,Judha akaenda kuutapwa.Anogara pakati pendudzi;haawani nzvimbo yokuzorora.Vose vaimudzinganisa vakamubataari pakati pokutambudzika kwake. 4 Nzira dzinoenda kuZioni dzinochema,nokuti hakuna anouya kumitambo yaro yakatarwa.Masuo aro ose haasisina vanhu,vaprista varo vanogomera,varandakadzi varo vanochema,uye iro riri pakurwadziwa kukuru. 5 Vavengi varo ndivo vava vatongi varo;vavengi varo vagere zvakanaka,Jehovha akarivigira kutambudzikanokuda kwezvivi zvaro zvizhinji.Vana varo vakaenda kuutapwa,vava nhapwa pamberi pavavengi. 6 Kuyevedza kwose kwabvapaMwanasikana weZioni.Machinda aro aita senondodzashayiwa mafuro.Mukushayiwa simba vakatizapamberi peanovadzinganisa. 7 Mumazuva okutambudzika nokudzungaira kwaro,Jerusarema rinorangarira pfuma yoseyakanga iri yaro pamazuva akare.Pakawira vanhu varo mumaoko omuvengi,rakashaya anoribatsira.Vavengi varo vakaritarisa,vakariseka pakuparadzwa kwaro. 8 Jerusarema rakatadza zvikuru kwazvo,naizvozvo rasvibiswa.Vose vairikudza vorizvidza,nokuti vakaona kushama kwaro;iro pacharo rinogomera,richidzokera shure. 9 Tsvina yaro yakanamatira panguo dzaro;harina kurangarira ramangwana raro.Kuwa kwaro kwakashamisa;hakuna akarinyaradza.“Haiwa Jehovha, tarirai kurwadziwa kwangu,nokuti muvengi akunda.” 10 Muvengi akatorapfuma yaro yose;rakaona ndudzi dzechihedhenidzichipinda panzvimbo yaro tsvene,avo vamakanga madzivisakupinda paungano yenyu. 11 Vanhu varo vose vanogomerapavanotsvaka chingwa;vanotsinhanisa pfuma yavo nezvokudyakuti vazviraramise.“Tarirai, imi Jehovha, uye murangarire,nokuti ndava munhu akazvidzwa.” 12 “Hamuna hanya here, imi mose munopfuura?Tarirai pose pose muone.Pano kutambudzika sokutambudzika kwangu here,kwakaiswa pamusoro pangu,kwakauyiswa naJehovha pamusoro pangupazuva rokutsamwa kwake kunotyisa? 13 “Akatuma moto kubva kumusoro-soro,akautumira mumapfupa angu.Akateya makumbo angu nomumbureuye akandidzosera shure.Akandisiya ndisina chinhu,ndikapera simba zuva rose. 14 “Zvivi zvangu zvasungwa zvikaitwa joko;namaoko ake zvakarukirwa pamwe chete,zvauya pamutsipa wanguuye Ishe apedza simba rangu.Akandiisa mumaoko avanhuvandisingagoni kukunda. 15 “Ishe akarambamhare dzose dziri pakati pangu;akakokera hondo kuzondirwisakuzopwanya majaya angu.Ishe akatsika-tsika Mhandara Mwanasikana waJudhamuchisviniro chake chewaini. 16 “Ndokusaka ndichichemauye maziso angu achierera misodzi.Hapana ari pedyo kuti andinyaradze,hakuna anovandudza mweya wangu.Vana vangu vari kutambudzikanokuti muvengi akunda.” 17 Zioni rinotambanudza maoko aro,asi hakuna munhu anorinyaradza.Jehovha akaisa chirevo pamusoro paJakobho,kuti vavakidzani vake vave vavengi vake;Jerusarema ravachinhu chisina kunatswa pakati pavo. 18 “Jehovha akarurama,asi ini ndakamukira murayiro wake.Inzwai, imi vanhu mose;onai kutambudzika kwangu.Majaya angu navarandakadzi vanguvakaenda kuutapwa. 19 “Ndakadana kushamwari dzanguasi vakandipandukira.Vaprista vangu navakuru vanguvakafira muguta,pavakanga vachitsvaka zvokudyakuti vazviraramise. 20 “Tarirai, imi Jehovha kutambudzika kwangu!Ndiri kurwadziwa mukati mangu,uye ndakakanganisika mumwoyo mangu,nokuti ndakakumukirai zvikuru.Kunze, munondo unondiurayira hama;mukati, munongova norufu. 21 “Vanhu vakanzwa kugomera kwangu,asi hakuna anondinyaradza.Vavengi vangu vose vakanzwa kutambura kwangu;vanofara nezvamakaita.Dai mauyisa henyu zuva ramakazivisakuti vagofanana nemi. 22 “Zvakaipa zvavo zvose ngazviuye pamberi penyu;muvaitiresezvamakaita kwandirinokuda kwezvivi zvangu zvose.Kugomera kwangu kwawanda,uye mwoyo wangu wapera simba.”
In Other Versions
Lamentations 1 in the ANGEFD
Lamentations 1 in the ANTPNG2D
Lamentations 1 in the AS21
Lamentations 1 in the BAGH
Lamentations 1 in the BBPNG
Lamentations 1 in the BBT1E
Lamentations 1 in the BDS
Lamentations 1 in the BEV
Lamentations 1 in the BHAD
Lamentations 1 in the BIB
Lamentations 1 in the BLPT
Lamentations 1 in the BNT
Lamentations 1 in the BNTABOOT
Lamentations 1 in the BNTLV
Lamentations 1 in the BOATCB
Lamentations 1 in the BOATCB2
Lamentations 1 in the BOBCV
Lamentations 1 in the BOCNT
Lamentations 1 in the BOECS
Lamentations 1 in the BOGWICC
Lamentations 1 in the BOHCB
Lamentations 1 in the BOHCV
Lamentations 1 in the BOHLNT
Lamentations 1 in the BOHNTLTAL
Lamentations 1 in the BOICB
Lamentations 1 in the BOILNTAP
Lamentations 1 in the BOITCV
Lamentations 1 in the BOKCV
Lamentations 1 in the BOKCV2
Lamentations 1 in the BOKHWOG
Lamentations 1 in the BOKSSV
Lamentations 1 in the BOLCB
Lamentations 1 in the BOLCB2
Lamentations 1 in the BOMCV
Lamentations 1 in the BONAV
Lamentations 1 in the BONCB
Lamentations 1 in the BONLT
Lamentations 1 in the BONUT2
Lamentations 1 in the BOPLNT
Lamentations 1 in the BOSNC
Lamentations 1 in the BOTLNT
Lamentations 1 in the BOVCB
Lamentations 1 in the BOYCB
Lamentations 1 in the BPBB
Lamentations 1 in the BPH
Lamentations 1 in the BSB
Lamentations 1 in the CCB
Lamentations 1 in the CUV
Lamentations 1 in the CUVS
Lamentations 1 in the DBT
Lamentations 1 in the DGDNT
Lamentations 1 in the DHNT
Lamentations 1 in the DNT
Lamentations 1 in the ELBE
Lamentations 1 in the EMTV
Lamentations 1 in the ESV
Lamentations 1 in the FBV
Lamentations 1 in the FEB
Lamentations 1 in the GGMNT
Lamentations 1 in the GNT
Lamentations 1 in the HARY
Lamentations 1 in the HNT
Lamentations 1 in the IRVA
Lamentations 1 in the IRVB
Lamentations 1 in the IRVG
Lamentations 1 in the IRVH
Lamentations 1 in the IRVK
Lamentations 1 in the IRVM
Lamentations 1 in the IRVM2
Lamentations 1 in the IRVO
Lamentations 1 in the IRVP
Lamentations 1 in the IRVT
Lamentations 1 in the IRVT2
Lamentations 1 in the IRVU
Lamentations 1 in the ISVN
Lamentations 1 in the JSNT
Lamentations 1 in the KAPI
Lamentations 1 in the KBT1ETNIK
Lamentations 1 in the KBV
Lamentations 1 in the KJV
Lamentations 1 in the KNFD
Lamentations 1 in the LBA
Lamentations 1 in the LBLA
Lamentations 1 in the LNT
Lamentations 1 in the LSV
Lamentations 1 in the MAAL
Lamentations 1 in the MBV
Lamentations 1 in the MBV2
Lamentations 1 in the MHNT
Lamentations 1 in the MKNFD
Lamentations 1 in the MNG
Lamentations 1 in the MNT
Lamentations 1 in the MNT2
Lamentations 1 in the MRS1T
Lamentations 1 in the NAA
Lamentations 1 in the NASB
Lamentations 1 in the NBLA
Lamentations 1 in the NBS
Lamentations 1 in the NBVTP
Lamentations 1 in the NET2
Lamentations 1 in the NIV11
Lamentations 1 in the NNT
Lamentations 1 in the NNT2
Lamentations 1 in the NNT3
Lamentations 1 in the PDDPT
Lamentations 1 in the PFNT
Lamentations 1 in the RMNT
Lamentations 1 in the SBIAS
Lamentations 1 in the SBIBS
Lamentations 1 in the SBIBS2
Lamentations 1 in the SBICS
Lamentations 1 in the SBIDS
Lamentations 1 in the SBIGS
Lamentations 1 in the SBIHS
Lamentations 1 in the SBIIS
Lamentations 1 in the SBIIS2
Lamentations 1 in the SBIIS3
Lamentations 1 in the SBIKS
Lamentations 1 in the SBIKS2
Lamentations 1 in the SBIMS
Lamentations 1 in the SBIOS
Lamentations 1 in the SBIPS
Lamentations 1 in the SBISS
Lamentations 1 in the SBITS
Lamentations 1 in the SBITS2
Lamentations 1 in the SBITS3
Lamentations 1 in the SBITS4
Lamentations 1 in the SBIUS
Lamentations 1 in the SBIVS
Lamentations 1 in the SBT
Lamentations 1 in the SBT1E
Lamentations 1 in the SCHL
Lamentations 1 in the SNT
Lamentations 1 in the SUSU
Lamentations 1 in the SUSU2
Lamentations 1 in the SYNO
Lamentations 1 in the TBIAOTANT
Lamentations 1 in the TBT1E
Lamentations 1 in the TBT1E2
Lamentations 1 in the TFTIP
Lamentations 1 in the TFTU
Lamentations 1 in the TGNTATF3T
Lamentations 1 in the THAI
Lamentations 1 in the TNFD
Lamentations 1 in the TNT
Lamentations 1 in the TNTIK
Lamentations 1 in the TNTIL
Lamentations 1 in the TNTIN
Lamentations 1 in the TNTIP
Lamentations 1 in the TNTIZ
Lamentations 1 in the TOMA
Lamentations 1 in the TTENT
Lamentations 1 in the UBG
Lamentations 1 in the UGV
Lamentations 1 in the UGV2
Lamentations 1 in the UGV3
Lamentations 1 in the VBL
Lamentations 1 in the VDCC
Lamentations 1 in the YALU
Lamentations 1 in the YAPE
Lamentations 1 in the YBVTP
Lamentations 1 in the ZBP