Job 31 (BOSCB)

1 “Ndakaita sungano nameso angukuti ndirege kutarisa musikana noruchiva. 2 Nokuti mugove womunhu unobva kumusoro kuna Mwari ndoweiko,iyo nhaka yake inobva kuna Wamasimba Ose? 3 Ko, hakuzi kuparadzwa kwavakaipa,nenjodzi kuna avo vanoita zvakaipa here? 4 Ko, iye haaoni nzira dzanguuye haaverengi nhambwe dzangu dzose here? 5 “Kana ndakafamba nenzira yenhemakana kuti tsoka dzangu dzakamhanyira kunyengera, 6 Mwari ngaandiyere pachiyero chakatendekauye achaziva kuti handina mhosva, 7 kana tsoka dzangu dzakatsauka kubva pagwara,kana kuti mwoyo wangu wakatevera meso angu,kana kuti maoko angu akasvibiswa, 8 ipapo vamwe ngavadye zvandakadyara,uye mbesa dzangu ngadzidzurwe. 9 “Kana mwoyo wangu wakanyengerwa nomukadzi,kana kuti ndakavandira pamusuo wemuvakidzani wangu, 10 ipapo mukadzi wangu ngaakuye zviyo zvomumwe murume,uye vamwe varume ngavavate naye. 11 Nokuti chingadai chiri chinhu chinonyadzisa,chivi chinofanira kutongwa. 12 Ndiwo moto unopfuta kusvikira pakuparadzwa;ungadai wakadzura mukohwo wangu. 13 “Kana ndichinge ndaramba kururamisira varanda vangu,pavane mhaka neni, 14 ndichaita sei pandichasangana naMwari?Ndichatiiko ndikanzi ndizvidavirire? 15 Ko, iye akandiisa muchizvaro haazi iye akavaita here?Ko, haazi iye mumwe chete akatiumba tose muna vanamai vedu here? 16 “Kana ndakaramba zvido zvevarombokana kurega meso echirikadzi achineta, 17 kana ndakazvidyira chingwa changu,ndisingachigoverani nenherera, 18 asi kubva paujaya hwangu ndakamurera sezvinoitwa nababa,uye kubva pakuberekwa kwangu ndakatungamirira chirikadzi, 19 kana ndakaona mumwe achiparara nokuda kwokushaya zvokupfeka,kana munhu anoshayiwa asina nguo, 20 uye mwoyo wake ukasandiropafadzanokuti adziyirwa namakushe amakwai angu, 21 kana ndakasimudzira nherera ruoko rwangundichiziva kuti ndinozivikanwa padare redzimhosva, 22 ipapo ruoko rwangu ngaruwe papfudzi rangu,ruwire pasi napafundo. 23 Nokuti ndaitya kuparadza kunobva kuna Mwari,uye handina kuita zvinhu zvakadaro nokuti ndaitya kubwinya kwake. 24 “Kana ndakaisa chivimbo changu pagoridhe,kana kuti kugoridhe rakaisvonaka ndikati, ‘Ndiwe chivimbo changu,’ 25 kana ndakafadzwa nepfuma yangu huru,mukomborero wakabva mumaoko angu, 26 kana ndakava nehanya nezuva pakubwinya kwaro,kana mwedzi uchifamba mukubwinya, 27 zvokuti mwoyo wangu wakanyengereka pakavanda,uye ruoko rwangu rukazviremekedza nokuzvisveta, 28 zvino izvozviwo zvingangova zvivi zvinofanira kutongwa,nokuti ndainge ndisina kutendeka kuna Mwari wokumusoro. 29 “Kana ndakafadzwa nokurasikirwa kwomuvengi wangu,kana kufara zvikuru pamusoro penhamo yakamuwira, 30 handina kutendera muromo wangu kutadza,nokudana chituko pamusoro poupenyu hwake, 31 kana vanhu veimba yangu vasina kumboti,‘Ndianiko asina kumbogutswa nenyama yaJobho?’ 32 Hapana mutorwa akavata usiku hwose munzira dzomumusha,nokuti musuo wangu wakaramba wakazarurirwa vashanyi. 33 Kana ndakavanza chivi changu saAdhamu,nokuviga mhosva yangu mumwoyo mangu, 34 nokuda kwokuti ndaitya kwazvo vanhu vazhinji,uye ndakatya kwazvo kuzvidza kwevemhuri,zvokuti ndakaramba ndinyerere ndikasabuda kunze, 35 “Haiwa, dai ndaiva nomumwe angandinzwa!Ndinonyora runyoro rwangu ndichizvidzivirira iye zvino,Wamasimba Ose ngaandipindure;mupomeri wangu ngaanyore rugwaro rwezvaanondipomera. 36 Zvirokwazvo ndairutakura pamapfudzi angu,ndairupfeka sekorona. 37 Ndaimupa kuzvidavirira kwangu kwenhambwe imwe neimwe;ndaiswedera kwaari somuchinda. 38 “Kana munda wangu ukadanidzira kwandiri uchindipa mhosva,uye miforo yose ikanyorova nemisodzi, 39 kana ndakadya zvibereko zvawo ndisingaripi,kana ndakaparadza upenyu hwavanourima, 40 ipapo rukato ngarumere pachinzvimbo chegorosi,nesora pachinzvimbo chebhari.”Mashoko aJobho apera.

In Other Versions

Job 31 in the ANGEFD

Job 31 in the ANTPNG2D

Job 31 in the AS21

Job 31 in the BAGH

Job 31 in the BBPNG

Job 31 in the BBT1E

Job 31 in the BDS

Job 31 in the BEV

Job 31 in the BHAD

Job 31 in the BIB

Job 31 in the BLPT

Job 31 in the BNT

Job 31 in the BNTABOOT

Job 31 in the BNTLV

Job 31 in the BOATCB

Job 31 in the BOATCB2

Job 31 in the BOBCV

Job 31 in the BOCNT

Job 31 in the BOECS

Job 31 in the BOGWICC

Job 31 in the BOHCB

Job 31 in the BOHCV

Job 31 in the BOHLNT

Job 31 in the BOHNTLTAL

Job 31 in the BOICB

Job 31 in the BOILNTAP

Job 31 in the BOITCV

Job 31 in the BOKCV

Job 31 in the BOKCV2

Job 31 in the BOKHWOG

Job 31 in the BOKSSV

Job 31 in the BOLCB

Job 31 in the BOLCB2

Job 31 in the BOMCV

Job 31 in the BONAV

Job 31 in the BONCB

Job 31 in the BONLT

Job 31 in the BONUT2

Job 31 in the BOPLNT

Job 31 in the BOSNC

Job 31 in the BOTLNT

Job 31 in the BOVCB

Job 31 in the BOYCB

Job 31 in the BPBB

Job 31 in the BPH

Job 31 in the BSB

Job 31 in the CCB

Job 31 in the CUV

Job 31 in the CUVS

Job 31 in the DBT

Job 31 in the DGDNT

Job 31 in the DHNT

Job 31 in the DNT

Job 31 in the ELBE

Job 31 in the EMTV

Job 31 in the ESV

Job 31 in the FBV

Job 31 in the FEB

Job 31 in the GGMNT

Job 31 in the GNT

Job 31 in the HARY

Job 31 in the HNT

Job 31 in the IRVA

Job 31 in the IRVB

Job 31 in the IRVG

Job 31 in the IRVH

Job 31 in the IRVK

Job 31 in the IRVM

Job 31 in the IRVM2

Job 31 in the IRVO

Job 31 in the IRVP

Job 31 in the IRVT

Job 31 in the IRVT2

Job 31 in the IRVU

Job 31 in the ISVN

Job 31 in the JSNT

Job 31 in the KAPI

Job 31 in the KBT1ETNIK

Job 31 in the KBV

Job 31 in the KJV

Job 31 in the KNFD

Job 31 in the LBA

Job 31 in the LBLA

Job 31 in the LNT

Job 31 in the LSV

Job 31 in the MAAL

Job 31 in the MBV

Job 31 in the MBV2

Job 31 in the MHNT

Job 31 in the MKNFD

Job 31 in the MNG

Job 31 in the MNT

Job 31 in the MNT2

Job 31 in the MRS1T

Job 31 in the NAA

Job 31 in the NASB

Job 31 in the NBLA

Job 31 in the NBS

Job 31 in the NBVTP

Job 31 in the NET2

Job 31 in the NIV11

Job 31 in the NNT

Job 31 in the NNT2

Job 31 in the NNT3

Job 31 in the PDDPT

Job 31 in the PFNT

Job 31 in the RMNT

Job 31 in the SBIAS

Job 31 in the SBIBS

Job 31 in the SBIBS2

Job 31 in the SBICS

Job 31 in the SBIDS

Job 31 in the SBIGS

Job 31 in the SBIHS

Job 31 in the SBIIS

Job 31 in the SBIIS2

Job 31 in the SBIIS3

Job 31 in the SBIKS

Job 31 in the SBIKS2

Job 31 in the SBIMS

Job 31 in the SBIOS

Job 31 in the SBIPS

Job 31 in the SBISS

Job 31 in the SBITS

Job 31 in the SBITS2

Job 31 in the SBITS3

Job 31 in the SBITS4

Job 31 in the SBIUS

Job 31 in the SBIVS

Job 31 in the SBT

Job 31 in the SBT1E

Job 31 in the SCHL

Job 31 in the SNT

Job 31 in the SUSU

Job 31 in the SUSU2

Job 31 in the SYNO

Job 31 in the TBIAOTANT

Job 31 in the TBT1E

Job 31 in the TBT1E2

Job 31 in the TFTIP

Job 31 in the TFTU

Job 31 in the TGNTATF3T

Job 31 in the THAI

Job 31 in the TNFD

Job 31 in the TNT

Job 31 in the TNTIK

Job 31 in the TNTIL

Job 31 in the TNTIN

Job 31 in the TNTIP

Job 31 in the TNTIZ

Job 31 in the TOMA

Job 31 in the TTENT

Job 31 in the UBG

Job 31 in the UGV

Job 31 in the UGV2

Job 31 in the UGV3

Job 31 in the VBL

Job 31 in the VDCC

Job 31 in the YALU

Job 31 in the YAPE

Job 31 in the YBVTP

Job 31 in the ZBP